RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July pp. 2-6
  • Matambudziko Anowanikwa Mumhuri Dzokurera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Matambudziko Anowanikwa Mumhuri Dzokurera
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Matambudziko Akasiyana Nemamwe Emhuri Dzine Vabereki Vokurera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kudyidzana Kwamungaita Nevamwe Kana Muri Mumhuri Yokurera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mhuri Dzine Vabereki Vokurera Dzinogona Kubudirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Ndingaitei Mubereki Wangu Akaroora Kana Kuroorwazve?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July pp. 2-6

Matambudziko Anowanikwa Mumhuri Dzokurera

● Mumwe anoongorora zvinoitika mumhuri dzokurera anonzi Dr. Patricia Papernow, akataura kuti kuedza kugadzirisa nyaya dzemumhuri yokurera uchienzanisa nezvawaiita muwanano yako yokutanga, kwakafanana ne“kushandisa mepu yeguta risiri iro rauri kuenda.”

Kutaura zvazviri, matambudziko aunosangana nawo mumhuri yokurera akakura kupfuura emuwanano yokutanga. William Merkel anoongorora mashandiro anoita pfungwa dzevanhu, anotsanangura mhuri dzokurera achiti imhuri “dzinonetsa kutungamirira pane dzose.”

Kana zvinhu zvakaoma kudaro, mhuri yokurera ingakunda sei matambudziko aya? Kunzwisisana kwevanhu vari mumhuri yokurera kunogona kufananidzwa nemusono unenge uri pamucheka. Paunotanga kusona musono wacho unoratidzika seusina kusimba asi paunozopedza musono wacho unenge wanyatsosimba kana uchinge wasona zvakanaka.

Ngatimboongororai mamwe ematambudziko anowanzosangana nemhuri dzokurera uye zvakaitwa nevamwe pakugadzirisa matambudziko acho. Uye tichazoona kuti mhuri ina dzokurera dzakabudirira sei.

DAMBUDZIKO 1: ZVAITARISIRWA ZVIKASAITIKA

“Ndaifunga kuti ndikaratidza vana vemumwe wangu rudo uye ndikava nehanya navo vachandida uye vachandifarira asi iye zvino atova makore masere hapana chandiri kuona chichibuda.”—Gloria.a

VANHU vanowanzotanga vaine tarisiro dzakakura pavanopinda muwanano dzine mhuri dzokurera. Vabereki vanotarisira kuti vachadanana semhuri uye vanenge vasina chokutyira uye vachadzivisa kana kuti vachagadzirisa zvikanganiso zvavakamboita pavaiva muwanano yokutanga. Pane zvimwewo zvavanotarisira kuti zvichaitika, asi pazvinokundikana vanoora mwoyo. Ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo.” (Zvirevo 13:12, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Asi zvakadini kana tarisiro dzaunadzo dzikakundikana zvichibva zvaita kuti uore mwoyo?

ZVAUNOGONA KUITA

Usafira mukati kana pane zviri kukuodza mwoyo uchifunga kuti zvichazongopera. Asi tsvaka chakuodza mwoyo pane zvawaitarisira. Zvadaro chiona kuti chii chaiita kuti utarisire zvinhu izvozvo. Izvi zvichakubatsira kunzwisisa chikonzero chaiita kuti uve netarisiro dzakadaro. Pakupedzisira chiedza kuva netarisiro dziri nyore kuzadzikisa. Zvimwe zvacho ndeizvi:

1. Ndichaita zvose zvandinogona kuti ndide vana vemumwe wangu uye ivo vandidewo.

Nei? Kubva ndichikura ndaida kuzova nemhuri ine rudo uye yakabatana.

Mafungiro andinofanira kuva nawo: Nekufamba kwenguva rudo rwatinoratidzirana rwuchawedzera. Chinonyanya kukosha iye zvino ndechokuti tiri kugarisana zvakanaka uye tiri kuremekedzana.

2. Mumwe nemumwe ari mumhuri achakurumidza kuziva kuti tinofanira kuita zvinhu zvedu semhuri takabatana.

Nei? Tose tiri kutanga upenyu hutsva.

Mafungiro andinofanira kuva nawo: Mhuri dzokurera kazhinji dzinotora makore anobva pamana kusvika kumanomwe kuti dziti gedye gedye. Hatisi isu toga tiri kusangana nematambudziko aya.

3. Hatizonetsani panyaya dzemari.

Nei? Kudanana kwatinoita kuchaita kuti tisanetsanirana tunyaya twuduku.

Mafungiro andinofanira kuva nawo: Kugadzirisa kwandaiita nyaya dzemari ndiri muwanano yangu yokutanga kwakasiyana nokwatichaita nomumwe wangu. Saka tinogona kutadza kunyatsowirirana pamashandisiro atichaita mari yedu.

DAMBUDZIKO 2: KUSANZWISISANA

“Takakurumidza kupindirana zvokuti mumwe nomumwe ainzwa akasununguka.”—Yoshito.

“Zvakanditorera makore gumi kuti ndinyatsonzwa kuti iyi ndiyo yatova mhuri yangu.”—Tatsuki, mwana wokurera waYoshito.

VARI mumhuri yokurera vanogona kutadza kunyatsonzwisisana, sezvakaitika kuna Yoshito naTatsuki. Sei zvichikosha kuziva izvi? Nokuti panomuka matambudziko ungada kubva wakurumidza kuagadzirisa. Asi kuti unyatsogadzirisa dambudziko racho zvakanaka unofanira kutanga wanzwisisa mhuri yako.

Zvakakosha kuziva matauriro auchaita, nemhaka yokuti mashoko anogona kuparadza kana kuvaka. Bhaibheri rinotaura kuti: “Rufu noupenyu zviri musimba rorurimi.” (Zvirevo 18:21) Zvii zvaungaita kuti ushandise rurimi rwako kuti munzwisisane?

ZVAUNOGONA KUITA

• Edza kuziva kuti nei mumwe wako achifunga nenzira yaari kufunga nayo uye nzwisisawo manzwiro aari kuita panzvimbo pokumufungira zvakaipa. Somuenzaniso:

Kana mwana wako akati, “Mazuva ano ndiri kufunga baba,” ratidza kuti uri kurwadziwawo nazvo. Panzvimbo pokumupindura kuti, “Baba vari kukurera vanokuda uye vari nani kupfuura baba vako,” ungapindura uchiti: “Ndine urombo mwanangu kuti ndiwo manzwiro auri kuita, asi chimbori chii chinonyanya kuita kuti uvafunge kudaro?”

Panzvimbo pokuti upe mumwe wako mhosva uchiti, “Dai kuri kuti wakagona kurera mwana wako zvakanaka dai asiri kuita misikanzwa yaari kuita,” ingomuudzawo kuti zviri kuitwa nemwana hausi kuzvifarira. Edza kutaura kuti: “Upotewo uchiyeuchidza Kudzi kuti andimhoresewo kana achinge adzoka pamba. Akadaro zvingaita kuti mwoyo wangu usununguke.”

• Kuti munyatsozivana, munofanira kuita izvi muri pamwe chete: kudya, kutandara uye kunamata.

• Garai muchironga zvinhu pamwe chete semhuri. Ipai mumwe nomumwe mukana wokutaura pasina anomudimbudzira, muchitanga kutaura zvakanaka zviri kuitwa nemhuri yenyu itsva, mozopedzisa nezvinoda kugadziriswa. Remekedzanai kunyange pamunenge musiri kuwirirana, uye itai kuti munhu wose ari mumhuri anzwe akasununguka kutaurawo zvaanofunga zvingabatsira pakugadzirisa dambudziko.

DAMBUDZIKO 3: KUITA KUTI VAMWE VASAZVIONA SEZAMBIRINGA MUNYEMBA

“Mudzimai wangu nevana vake vaakauya navo vanowirirana pane zvavanoita uye ini ndinotoonekwa semhandu. Ndiri zambiringa munyemba mumba mangu.”—Walt.

KUTYA kuzviona sezambiringa munyemba uri mumba mako kunogona kukonzerwa nematambudziko akasiyana-siyana. Somuenzaniso:

• Vana vanowanzowirirana nemunhu achazoroorana nemubereki wavo kazhinji vanozotadza kuwirirana naye kana achinge azova mumba.

• Murume anogona kuitira shanje mwana womukadzi, uye mukadzi anogona kuitira shanje mwana womurume.

• Tunyaya tuduku twunokonzera kusawirirana kwakanyanyisa.

Izvi zvinogona kuita kuti mubereki wokubereka atange kunetseka kana achiona sokuti mhuri yake haisi kunyatsowirirana. Achitaura nezvenyaya iyi Carmen anoti, “Ndinenge ndoshayiwa kuti ndofadza ani vana vokubereka here kana kuti murume.”

Pane mumwe mutemo uri muBhaibheri unokosha pakugadzirisa dambudziko iri. Jesu akati: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Mhuri dzokurera dzingaita sei kuti munhu wose ari mumhuri anzwe achidiwa?

ZVAUNOGONA KUITA

• Koshesa wanano yako. (Genesisi 2:24) Pedza nguva yakawanda nemumwe wako, uye jekesera vana vako nzvimbo yake mumhuri. Somuenzaniso, vanababa vanogona kuudza vana vavo nezvemudzimai wavachada kuroora kuti: “Ini ndinoda Nhingi, uye ndiye wandinoda kuti ave mudzimai wangu. Ndinovimba kuti muchamubata zvakanaka.”

• Ronga nguva yokukurukura nemwana mumwe nomumwe. Kuita izvi kuchabatsira vana vako kuti vazive kuti vanokosha kwauri uye kuti unovada.

• Pavana vomumwe wako pedza nguva yakawanda uine mumwe nomumwe wavo. Izvi zvichaita kuti uve noukama hwakanaka navo uye hauzomiriri mubereki wake kuti azogadzirisa dambudziko rinenge ramuka.

• Vana vako pavanopinda mumhuri itsva ita kuti ukama hwavagara vainahwo husaparara. Mumhuri yekurera zvingaomera vana vati kurei kuti vashandise mashoko akadai sokuti “mhuri yedu” kana kuti “isu.”

• Ipa mwana mumwe nomumwe basa rokuita pamba, uye mupe nzvimbo yokuitawo zvinhu zvake pachake. Izvi zvinosanganisira vaya vanoita zvokuuya pamba apo neapo.

• Munogona kusarudza kunogara kune imwe imba kana kuti kugadzirisa imba yamuri kugara kuitira kuti vamwe vasazozviona sokuti vaenzi mumba imomo.

DAMBUDZIKO 4: KURANGA VANA

“Kana ndikaranga vana vaCarmen, iye anobva avanyaradza zvoita sekunge kuti ini handina kunaka.”—Pablo.

“Zvinondirwadza chaizvo pandinoona Pablo achiranga vana vangu zvoutsinye.”—Carmen.

NEI kurera vana kuchikonzera matambudziko mumhuri yokurera? Nyaya yokuranga vana inogona kunge yanga yava kuregeredzwa mumhuri ine mubereki mumwe chete. Murume kana kuti mukadzi paanopinda mumhuri inotova nevana nechekare zvingamuomera kubva angoti gedye-gedye nevana ivavo. Zvinoguma nei? Mubereki wokurera angaona sokuti vana vomumwe wake vakatunhidzwa nepo muridzi wevana achionawo sokuti mubereki wokurera ari kuomesera vana vake.

Pakurera vana Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha [Mwari].” (VaEfeso 6:4) Rugwaro urwu rwuri kutaura nezvekugadzirisa mafungiro emwana pane kungodzora maitiro ake chete. Vabereki vanokurudzirwa kuranga vana zvine rudo uye mutsa mukati kuitira kuti kuranga kwacho kusazotsamwisa.

ZVAUNOGONA KUITA

• Taura mitemo yepamba, uchitanga neyagara ichitozivikanwa nechekare. Ona kuti mitemo yakadaro inobatsira sei kubva pane zvinotevera:

Amai vokurera: Tinotenda, pamba pano zvokutumira mameseji pafoni zvinoitwa wapedza basa rako rokuchikoro.

Tinotenda: Hamusi amai vangu.

Amai vokurera: Eee ndizvo hazvo, asika pamba pano mutemo wangu ndiwoyo, hakuna zvemameseji kana usati wapedza basa rako rokuchikoro.

• Musaisa mitemo yakawandisa kana kuchinja-chinja zvinhu nokukurumidza. Mwana paanoona sokuti zvinhu zvamuchinjira muupenyu, angatanga kuona mabasa aanopiwa nomubereki wake wokurera sokunge kuti mutoro chaiwo, nepo mubereki achiona sokunge kuti chinhu chidiki. Asiwo mimwe mitemo mitsva inogona kunge ichibatsira, yakadai seyokuti mumwe nomumwe ngaaremekedze zvinhu zvemumwe, uye nyaya yemapfekero, kunyanya kana pane vana vati kurei mumhuri yacho.

• Kana paine zvamusingawirirani zvikurukurei musiri pane vana. Nanganai nedambudziko rine mwana kwete kushora marererwo aaiitwa mumhuri yaaimbova.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita ari munyaya dzino dzakatevedzana akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Zvinoita sokuti zvakaoma kuti mhuri yokurera ibatane

[Mufananidzo uri papeji 4]

Nyatsoteererai kuitira kuti munzwisise manzwiro emumwe nemumwe uye zviri kumudya mwoyo

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kana paine kusawirirana, vabereki vanofanira kugadzirisa dambudziko racho vari voga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe