Zvinokonzera Kurwisana
ZVINHU zvinoita kuti vanhu vade kurwisana zvinowanzosiyana-siyana. Zvimwe zvacho zvinosanganisira shamwari, zvinhuzvinotivaraidza uye nzvimbo yatinogara. Asi hazvingogumiri ipapa kune zvakawanda. Zvimwe zvacho ndeizvi:
Kupererwa uye kuora mwoyo. Dzimwe nguva chinowanzokonzera kuti vanhu vade zvokurwa vanenge vadzvinyirirwa, vasarurwa, vari kusuruvara zvokushaya wokutaura naye, kana kuti kushaya mari kana kuti kunzwa sepasisina chokuraramira.
Kutevedzera zvinoitwa nemhomho yevanhu. Kazhinji panguva dzemitambo, vanhu vanenge vari muzvikwata kana kuti mapoka vanoita sokuti havachanyari kuita zvakaipa. Sei vachidaro? “Vanokanganwa tsika dzavo uye vanenge vasingachatani kugumburwa vobva vatorwisana nevamwe,” rinodaro bhuku rinonzi Social Psychology. Rimwe bhuku rinoti vanhu vakadaro vanenge vava kuita sezvimbwasungata vasisina “kana unhu chaihwo.”
Ruvengo uye godo. Kaini ndiye mhondi yokutanga kutaurwa nezvayo kubvira vanhu pavakatanga kurarama. (Genesisi 4:1-8) Kaini akakurirwa negodo uye ruvengo achibva auraya munun’una wake, asi Mwari akanga ambomunyevera kuti adzore hasha dzake uye kuti aizomukomborera kana aizoteerera. Bhaibheri rinotaura chokwadi parinoti: “Pane godo nokukakavara, ndipo pane nyonganyonga nezvinhu zvose zvakaipa.”—Jakobho 3:16.
Kushandisa zvakanyanya zvinhu zvinodhaka. Kushandisa zvakanyanya zvinhu zvinodhaka hakungokanganisi utano nemafungiro emunhu chete, asi kunokanganisawo mashandiro anoita uropi. Chinoitika ndechokuti munhu anenge ashandisa zvakanyanya zvinodhaka haatani kuda kurwisa vamwe uye kukurumidza kugumbuka kana achinge adenhwa.
Mitongo yakareruka. “Mutongo zvausina kukurumidza kupiwa pabasa rakaipa, mwoyo yevanakomana vevanhu yakatsunga kwazvo mukati mavo kuti vaite zvakaipa,” inodaro Muparidzi 8:11. Chimwe chinokonzera kurwisana kusatongwa zvakanaka kwemhosva, kana kuti uori.
Chitendero chenhema. Chitendero chinowanzonzi ndicho chinokonzera kurwisana kwevanhu, kurwisana kwemapoka ezvitendero uye ugandanga. Muzvitendero mune vamwe vanachandagwinyira, vasingadi kunzwawo pfungwa dzevamwe. Asi havasi ivo chete vangapomerwa mhosva yokukonzera kurwisana. Panguva yakarwiwa hondo yenyika yokutanga neyechipiri, vanhu vaibva muzvitendero zvikuru zvinozviti ndezvechiKristu uye zvisiri zvechiKristu, vaiurayana uye kazhinji kacho vatungamiriri vezvitendero ndivo vaipa minamato yokuti vanhu vanokunda muhondo. Maitiro akadaro anogumbura Mwari.—Tito 1:16; Zvakazarurwa 17:5, 6; 18:24.
Tichifunga nezvezvinhu zvakawanda zvinokonzera kana kukurudzira kurwisana, zvinoita here kuti uve munhu anonyatsogarisana nevamwe munyika ino? Hongu zvinoita, nyaya inotevera inoratidza kuti zvingaitika sei.
[Bhokisi riri papeji 6]
ZVOKUDA KURWISANA ZVINOTANGIRA MUMWOYO
Kunyange zvazvo kurwisana kuchikonzerwa nezvinhu zvakati kuti, kazhinji kunotangira mumwoyo. Sei tichidaro? Jesu Kristu, uyo ainyatsoziva zviri mumwoyo memunhu, akati: “Mumwoyo mevanhu, munobuda kufunga kunokuvadza: ufeve, umbavha, umhondi, upombwe, kuchochora, mabasa akaipa, unyengeri, kusazvibata, ziso rine shanje, kumhura, kuzvikudza, upenzi.” (Mako 7:21, 22) Kana tikagara tichitarisa, tichinzwa uye tichifunga zvinhu zvakaipa, tinoguma takudziridza pfungwa yokuda kuita zvinhu zvakaipa.—Jakobho 1:14, 15.
Asi patinogara tichiisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka, zvakadai sezvataurwa munyaya iri papeji 8, tinobva tashayisa mukana uye ‘tauraya’ zvido zvakaipa, toita zvinhu zvakanaka. (VaKorose 3:5; VaFiripi 4:8) Mwari achabva atibatsira ‘kuti tisimbiswe mumunhu watiri nechomukati.’—VaEfeso 3:16.
[Bhokisi riri papeji 7]
ZVINOTAURWA NENYANZVI NEZVOKURWISANA
Sei mune dzimwe nyika kuurayana kwakanyanya kupfuura mune dzimwe? Sei hondo nokurwisana zvakazara muupenyu hwevanhu? Pane mibvunzo yakawanda inotenderedza musoro, asi mhinduro dzinogutsa ndidzo shoma.
Vamwe vaongorori vanoti urombo uye kusaenzaniswa kwemikana yevanhu zvinokonzera kurwisana. Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti pavanhu 100 voga voga 90 vacho vaifa zvichikonzerwa nokurwisana uye kuzviuraya. Izvi zvinowanzoitika munyika dzisina kusimukira. Munzvimbo dziri mumaguta ane urombo hwakanyanya ndimo munoparwa mhosva dzakawanda. Asi zvinoreva here kuti varombo ndivo vanonyanya kuda zvokurwisana? Kana kuti vanorwiswa zvakanyanya nemhaka yokuti munzvimbo dzavanogara hamuna mapurisa anonyatsoita basa rawo? Kana kuri kuti ndizvo, kune nzvimbo yakadai seCalcutta, iri kuIndia uko mamiriyoni evanhu ari muurombo hunosiririsa. Asi Calcutta ndiro guta rine nhamba iri pasi yevanhu vanourayana kana zvichienzaniswa nemamwe maguta pasi rose.
Vamwe vanofunga kuti kuva nepfuti kunoita vanhu ndiko kunokonzera kurwisana. Ichokwadi kuti pfuti dzinoita kuti vanhu vanoda zvokurwisana vave nengozi. Asi sei dzimwe nzvimbo dziine vanhu vakawanda vanoda zvokurwisana? Nyanzvi hadzibvumirani zvekare.