Nei Vachizoita Chisimba
MWANA, gavamwedzi rine mavhiki 27, rakaberekwa muDenver, Colorado, U.S.A. Mukomana wacho akararama, uye apedza mwedzi mitatu ari muchipatara, akadzorerwa kumba kuvabereki vake. Mavhiki matatu gare gare, mukomana wacho akanga adzoka muchipatara. Nemhaka yei? Akanga akuvara uropi zvakakomba nemhaka yokuzunguzwa nababa vake. Baba vacho vakanga vasingagoni kushivirira kuchema kwomwana wacho. Mukomana muduku wacho akazoguma ave bofu uye akaremadzwa. Mishonga yamazuva ano yakanga yamudzivirira panjodzi yepakuberekwa kwake asi haina kugona kumudzivirira pahasha dzababa vake.
Vana vakawanda vanobatwa zvisina kufanira, vanorohwa, kana kuti vanourawa munzvimbo inoitwa chisimba zvikurusa pasi pano—pamba! Vamwe vanofungidzira kuti vana vakawanda se5 000 pagore vanourawa nevabereki vavo muUnited States moga! Uye vana havasi ivo voga vari mudambudziko. Maererano nemagazini yeWorld Health, “kubata vadzimai zvisina kufanira ndicho chikonzero chikuru chokukuvara kwavakadzi vasati vaguma ura” muUnited States. Zvakadini nedzimwe nyika? “Chikamu chimwe muzvitatu kusvika kuinopfuura hafu yavakadzi vakabvunzwa [munyika dziri kubudirira] vanoti vanorohwa navarume vavo.” Hungu, kuita chisimba kuri kuramba kuchiwedzera, kunyanya pamba.
Varume vakawanda navakadzi vanoedza kupedza kukakavadzana kwavo nechisimba. Mune dzimwe nyika, vabereki navadzidzisi vanokuvadza vana kuti vavaratidze hasha dzavo. Vachida kungonakidzwa, vanhu vanoda zvokungotyisidzira vamwe vanonetsa vasina simba, vachiita chisimba. Nei vanhu vachiita chisimba kudaro?
Chinoita Kuti Vanhu Vaite Chisimba
Vamwe vanotaura kuti vanhu vakasikwa vane hasha. Nepo hasha muvanhuwo zvavo dzakaderera muUnited States, dzakawedzera pakati pepwere. Uye kufarira chisimba kwakawedzera. Mibatanidzwa mikuru yematerevhizheni matatu yakawedzera nhau dzoutsotsi nekaviri uye kuratidzwa kwokuponda nekatatu. Hungu, zvoutsotsi zvinotengwa! “Hatingoshiviriri hasha bedzi,” anodaro murapi wendangariro Karl Menninger, “tinodziisa papeji yokutanga yemapepanhau edu. Chikamu chimwe muzvitatu kana kuti muzvina chemapurogiramu edu eterevhizheni chinoashandisa kufadza vana vedu. Hatingofuratiri chete! Shamwari dzangu dzinodiwa, tinoada.”
Zvidzidzo zvesayenzi zvomunguva pfupi yapfuura zvinoratidza kuti zvose zviri zviviri upenyu hweuropi nezvakatipota zvine chokuita neutsinye hwavanhu. “Tose zvatava kutanga kugumisa ndezvokuti zvinhu zvakaipa zvakatipota izvo vana vakawanda vari kukura vachiona, zvechokwadi, zviri kuparira chisimba munzanga,” anodaro Dr. Markus J. Kruesi weUniversity of Illinois Institute for Juvenile Research. “Zviitiko zvakatipota zviri kunyatsoparira kuchinja kukuru muuropi zvinoita kuti vanhu vangoerekana vaita zvinhu.” Zvinhu zvakadai se“kuparara kweupenyu hwemhuri, kuwedzera kwokuva mubereki ari oga, urombo hunoramba huchipfuurira, uye kushandisa zvinodhaka nguva dzose zvinogona kunyatsoita kuti uropi huve nehasha zvikuru—zvinhu zvaimbonzi hazvibviri,” rinodaro bhuku rinonzi Inside the Brain.
Zvinonzi kuchinja kweuropi kunobatanidza kuderedza kuwanda kweserotonin, kemikari youropi inonzi inoramba ichiita kuti hasha dzisamuka. Kunzvera kunoratidza kuti zvinodhaka zvinogona kuderedza kuwanda kweserotonin muuropi, zvichiita kuti pave nechikonzero chesayenzi chakazivikanwa kwenguva refu pakati pechisimba nokushandisa zvinodhaka zvisina kufanira.
Chimwezve chinhu chinobatanidzwa mukuwedzera kwechisimba nhasi. “Yeuka kuti,” rinonyevera kudaro bhuku rouporofita rinovimbwa naro, Bhaibheri, “pachava nenguva dzakaoma mumazuva okupedzisira. Vanhu vachava vane udyire, vanokara, vanodada, uye vanozvida; . . . vachava vasina mutsa, vasina ngoni, vanochera, vane hasha, uye vanotyisa; vachavenga zvakanaka; vachava vasingavimbiki, vasingangwariri pakuita zvinhu, uye vanodada zvikuru . . . Ugare kure navanhu vakadaro.” (2 Timotio 3:1-5, Today’s English Version) Hungu, chisimba chatinoona nhasi kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri pamusoro pe“mazuva okupedzisira.”
Pane chimwe chinhuzve chinoita kuti ino ive nguva inoitwa chisimba zvikuru. “Mune nhamo imi nyika negungwa,” rinodaro Bhaibheri, “nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Dhiyabhorosi neboka rake remadhimoni vakadzingwa kudenga uye zvino vava kuisa pfungwa dzavo dzose pakuvenga vanhu. So“muchinda wesimba redenga,” Dhiyabhorosi anoshandisa “mweya unobata zvino muvana vokusateerera,” achiita kuti pasi pave nzvimbo inoramba ichiwedzera chisimba.—VaEfeso 2:2.
Saka zvino tinogona sei kubata no“mweya” wehasha wenyika nhasi? Uye tingapedza sei zvinetso pasina chisimba?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Vana vakawanda vanobatwa zvisina kufanira, vanorohwa, kana kuti vanourawa munzvimbo inoitwa chisimba zvikurusa pasi pano—pamba!