RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 3 p. 3
  • Kukunda Dambudziko Rakatanga Kare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukunda Dambudziko Rakatanga Kare
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Sumo
    Mukai!—2016
  • Mashoko Akanaka Mumitauro 500
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Vanhu “Vanobva Mumitauro Yose Yemarudzi” Vanonzwa Mashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 3 p. 3
Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana

NYAYA IRI PAKAVHA | KUKUNDA DAMBUDZIKO REKUSIYANA KWEMITAURO

Kukunda Dambudziko Rakatanga Kare

KUSIYANA kwemitauro iyo yava kusvika 7 000, kunogona kuita kuti vanhu vasanzwanana panyaya dzekutengeserana, dzedzidzo, pakufamba rwendo, uye mudzihurumende. Dambudziko iri rakatanga kare. Somuenzaniso, makore anenge 2 500 akapfuura, vaPezhiya pavaitongwa naMambo Ahashivheroshi (anofanira kunge ari iye ainziwo Xerxes I), vakatumira tsamba munzvimbo yose yaaitonga, ‘kubva kuIndiya kusvikira kuItiopiya, matunhu 127, kudunhu rimwe nerimwe nemanyorero aro uye kurudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.’a

Vanhu vari mumasangano akawanda mazuva ano kunyange muhurumende chaidzo havangambodi kuita basa rakadaro rakaoma. Asi kune sangano rimwe chete rakakwanisa kuita izvi. Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa magazini, mavhidhiyo nezvimwe zvokuteerera, uye mabhuku akawanda kusanganisira Bhaibheri mumitauro inopfuura 750. Panhamba iyi panosanganisira mitauro inenge 80 yemasaini. Zvapupu zvinobudisawo mabhuku eBraille anoshandiswa nevasingaoni.

Chimwe chinoshamisa ndechokuti Zvapupu zvaJehovha hazviiti basa iri kuti zviwane mari. Vanhu vacho vanoshandura mabhuku uyewo vamwe vavanoshanda navo vanozvipira kuita basa iri vasingabhadharwi. Chii chinoita kuti vaite basa rakakura kudai rokushandura mabhuku uye vanozviita sei?

a Verenga Esteri 8:9 muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe