Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose
1 Shoko raMwari riri kuzadzika! Vanhu ‘vanobva mumitauro yose yenyika’ vari kugamuchira kunamata kwechokwadi. (Zek. 8:23) Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira sei vanhu vanobva ‘mumadzinza ose, vanhu, nendimi’ kuti vasvike pakumira vakachena pamberi paJehovha, vaine tariro yokupona pa“kutambudzika kukuru”?—Zvak. 7:9, 14.
2 Sangano raMwari Rinobatsira: Dare Rinodzora rakaronga kuti mabhuku eBhaibheri awanikwe mumitauro 380 kuitira kuti vanhu vose pasi pose vagone kunzwisisa zvakajeka kukosha kwemashoko akanaka. Kugadzirira uye kubudisa mabhuku mumitauro yakawanda kudaro ibasa guru. Rinosanganisira kuunganidza mapoka evashanduri vakakodzera uye kuvapa rutsigiro rwavanoda kuti vashandurire mabhuku edu mumitauro yose iyi, uyewo kuadhinda nokuatumira. Zvisinei, basa guru rinoitwa nevaparidzi voUmambo vamwe nevamwe, avo vanoendesera vanhu mashoko eBhaibheri anoponesa upenyu.
3 Kunzwisisa Chinetso Chacho: Vanhu vakawanda vanotaura mutauro wokumwe zvino vari kuwanikwa munzvimbo dzakawanda. Kuti vasvike kune vanhu ivavo nemashoko akanaka, vashumiri vaMwari vakawanda vari kuedza kudzidza chiRungu, Chichewa, Zulu kana kuti mimwe mitauro inozivikanwa munzvimbo yavo. Vamwe vari kudzidza Mutauro Wemasaini womuZimbabwe. MuZimbabwe mune ungano 751 nemapoka 42 vanoparidza mumutauro wechiShona, ungano 136 nemapoka 12 vanoparidza mumutauro weZulu, uye ungano 29 neboka rimwe vanoparidza nechiRungu. Tinewo mapoka maviri anoparidza muMutauro Wemasaini. Vamwe vasina kumbonzwa nezvaJehovha kana kuti vasingazivi chinhu pamusoro peBhaibheri vari kubvuma chokwadi cheShoko raMwari.—VaR. 15:21.
4 Tingagona kushanda zvakaoma zvikuru here mukuzivisa mashoko akanaka kune vanhu vari mundima yedu vanobva kune imwe nyika? (VaK. 1:25) Ungano dzakawanda dziri kuronga basa rokuparidza kuvanhu vokumwe vari munharaunda yadzo. Vaparidzi vanotanga kudzidza mutauro wacho zvokukwanisa kuti vape mharidzo iri nyore, sokuti: “Kwaziwai. Takuvigirai mashoko akanaka. [Zvadaro govera turakiti kana bhurocha riri mumutauro iwoyo.] Chisarai.” Jehovha ari kukomborera chaizvo kutanga kuduku kwakadaro!
5 Mashoko oUmambo anofadza vanhu vorudzi rwose uye mitauro yose. Ngatishandisei mukana wokuakurukura navo.