RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/02 p. 1
  • Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu “Vanobva Mumitauro Yose Yemarudzi” Vanonzwa Mashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Munhu Anotaura Mumwe Mutauro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Kugovera Mabhuku Mundima Ine Mitauro Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Purogiramu Yedzidzo Yakakura
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 7/02 p. 1

Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose

1 Shoko raMwari riri kuzadzika! Vanhu ‘vanobva mumitauro yose yenyika’ vari kugamuchira kunamata kwechokwadi. (Zek. 8:23) Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira sei vanhu vanobva ‘mumadzinza ose, vanhu, nendimi’ kuti vasvike pakumira vakachena pamberi paJehovha, vaine tariro yokupona pa“kutambudzika kukuru”?—Zvak. 7:9, 14.

2 Sangano raMwari Rinobatsira: Dare Rinodzora rakaronga kuti mabhuku eBhaibheri awanikwe mumitauro 380 kuitira kuti vanhu vose pasi pose vagone kunzwisisa zvakajeka kukosha kwemashoko akanaka. Kugadzirira uye kubudisa mabhuku mumitauro yakawanda kudaro ibasa guru. Rinosanganisira kuunganidza mapoka evashanduri vakakodzera uye kuvapa rutsigiro rwavanoda kuti vashandurire mabhuku edu mumitauro yose iyi, uyewo kuadhinda nokuatumira. Zvisinei, basa guru rinoitwa nevaparidzi voUmambo vamwe nevamwe, avo vanoendesera vanhu mashoko eBhaibheri anoponesa upenyu.

3 Kunzwisisa Chinetso Chacho: Vanhu vakawanda vanotaura mutauro wokumwe zvino vari kuwanikwa munzvimbo dzakawanda. Kuti vasvike kune vanhu ivavo nemashoko akanaka, vashumiri vaMwari vakawanda vari kuedza kudzidza chiRungu, Chichewa, Zulu kana kuti mimwe mitauro inozivikanwa munzvimbo yavo. Vamwe vari kudzidza Mutauro Wemasaini womuZimbabwe. MuZimbabwe mune ungano 751 nemapoka 42 vanoparidza mumutauro wechiShona, ungano 136 nemapoka 12 vanoparidza mumutauro weZulu, uye ungano 29 neboka rimwe vanoparidza nechiRungu. Tinewo mapoka maviri anoparidza muMutauro Wemasaini. Vamwe vasina kumbonzwa nezvaJehovha kana kuti vasingazivi chinhu pamusoro peBhaibheri vari kubvuma chokwadi cheShoko raMwari.—VaR. 15:21.

4 Tingagona kushanda zvakaoma zvikuru here mukuzivisa mashoko akanaka kune vanhu vari mundima yedu vanobva kune imwe nyika? (VaK. 1:25) Ungano dzakawanda dziri kuronga basa rokuparidza kuvanhu vokumwe vari munharaunda yadzo. Vaparidzi vanotanga kudzidza mutauro wacho zvokukwanisa kuti vape mharidzo iri nyore, sokuti: “Kwaziwai. Takuvigirai mashoko akanaka. [Zvadaro govera turakiti kana bhurocha riri mumutauro iwoyo.] Chisarai.” Jehovha ari kukomborera chaizvo kutanga kuduku kwakadaro!

5 Mashoko oUmambo anofadza vanhu vorudzi rwose uye mitauro yose. Ngatishandisei mukana wokuakurukura navo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe