RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 5 pp. 10-11
  • Kushamisa Kunoita Carbon

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushamisa Kunoita Carbon
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvine Maatomu Akafanana Zvakavapo Netsaona Here?
    Mukai!—2000
  • Pasi Redu Raparadzanywa—Denho Dzinorovanya Nharaunda Zhinji
    Mukai!—1993
  • Kutarisisa Mune Zvisingaoneki—Chii Chinoratidzwa?
    Mukai!—2000
Mukai!—2016
g16 nha. 5 pp. 10-11

Kushamisa Kunoita Carbon

Maatomu ecarbon

Bhuku rinonzi Nature’s Building Blocks rinoti, “carbon inokosha zvakanyanya kuti zvinhu zviri panyika zvirarame.” Carbon inokwanisa kubatana pachayo uye nemamwe makemikari zvoita kuti pagadzirwe mamiriyoni ezvinhu zvakasiyana-siyana uye nyanzvi dzesainzi dzine zvimwe zvitsva zvadziri kuona kuti zvinogadzirwa necarbon.

Mienzaniso iri pasi apa inoratidza kuti maatomu ecarbon anogona kubatana obuda ari mumashepi akadai semacheni, mapiramidhi, marin’i, machubhu uye masheets. Zvechokwadi carbon inoshamisa!

DHAIMONDI

Dhaimondi

Maatomu ecarbon anogadzira mapiramidhi anonzi tetrahedrons, zvichiita kuti chinenge chagadzirwa chacho chisimbe zvakanyanya uye ndosaka dhaimondi riri iro rakasimba kudarika zvimwe zvose. Dhaimondi rinenge ragadzirwa zvakanaka rinenge riine maatomu ecarbon chete.

GRAPHITE

Penzura yakagadzirwa nelead

Inogadzirwa nemaatomu ecarbon anenge aine shepi yemasheets uye masheets acho ari nyore kuparadzanisa sezvatinoita mapepa anenge akaturikidzana. Inoshandiswa pakugadzira mapenzuraa uye inoshandiswa pakupfavisa zvinhu sezvatinongoita negirisi.

GRAPHENE

Mutsetse wanyorwa nepenzura

Inogadzirwa nemaatomu ecarbon anenge asina kuturikidzana asi anenge aine shepi seyemazinga euchi. Graphene inodarika simbi nekure pakusimba. Mutsetse waunodhirowa nepenzura unenge uine tugraphene tushoma.

FULLERENES

Fullerenes

Anogadzirwa nemaatomu ecarbon ane shepi yemabhora kana kuti yemachubhu anonzi mananotubes uye zvinotoda michina kuti uaone. Anoyerwa pachishandiswa mananometers, zvichireva kuti 1/1 000 000 000m kana kuti 10-9m.

ZVINHU ZVIPENYU

Zvinhu zvipenyu zvine carbon

Masero anogadzira miti, mhuka uye vanhu anoshandisa carbon iyo inowanikwa mumacarbohydrates, mafats, uye maamino acids.

“Izvo zvaari zvisingaoneki [Mwari], . . . zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”—VaRoma 1:20.

a Verenga nyaya inoti “Does Anyone Have a Pencil?” muMukai! yeChirungu yaJuly 2007.

Nyeredzi

Mashandiro Akarongeka Anoita Nyeredzi Anoita Kuti Pave neCarbon

Carbon inogadzirwa kana maatomu matatu ehelium akasanganiswa, uye masenyendisiti anoti izvi zvinoitika mukati menyeredzi dzinonzi mared giants. Kuti helium ibatane, pane zvinhu zvinodiwa uye zvinofanira kunge zvakakwana. Imwe nyanzvi yesainzi inonzi Paul Davies inoti, “Kana zvinhu izvi zvaizongonzi chinjwei zvishoma, dai pasina nyika nezvinhu zvose zvipenyu zviripo.” Saka tingati zvakafamba sei kuti zvese izvi zviitike? Vamwe vanoti zvakangoitika zvega. Vamwe vanoti izvi zvinoratidza kuti kune Musiki akachenjera. Iwe unofunga kuti zvine musoro ndezvipi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe