RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 5 pp. 14-15
  • Aristotle

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aristotle
  • Mukai!—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Akaongorora Zvinhu Zvakasiyana-siyana
  • Chechi yeRoma Yakabvuma Dzidziso dzaAristotle
  • Ndiani Akadzika Mitemo Inotungamirira Zvinhu Zviri Kumatenga?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Sayenzi Nebhaibheri—Zvinopesana Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2016
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 5 pp. 14-15

ZVAKAITIKA KARE

Aristotle

Aristotle

MAKORE anodarika 2 300 akapfuura, vanhu vakawanda vaishandisa ruzivo rwaAristotle pasainzi uye paphilosophy. Zvaainyora zvaifarirwa uye zvakatoshandurwa mune mimwe mitauro kuti vamwe vatodzidzawo. Purofesa James MacLachlan akati “zvaidzidziswa naAristotle nezvezvinhu zvakasikwa ndizvo zvaishandiswa kuEurope kwemakore anenge 2 000.” Zvimwe zvacho zvakatoshandiswawo nechechi yeRoma, nedzimwe dzakabuda muRoma uyewo nechitendero chechiIslam.

Akaongorora Zvinhu Zvakasiyana-siyana

Aristotle aifarira kuongorora zvenyeredzi, tsika nemagariro, mutauro, mutemo, zvematongerwo enyika, mashandiro epfungwa, nhetembo, biology, magnetism, metaphysics, motion, art, logic uyewo nezvemweya waaiti unofa. Asi anonyanya kuzivikanwa nezvebiology uye zvelogic.

Nyanzvi dzechiGiriki dzaishandisa zvinhu zvadzaiona nemaziso kuti dzitsanangure magadzirirwo akaitwa zvinhu zvakasikwa. Vaitanga nezvinhu zvanga zvagara zvichitozikanwa, uye vaiti kana vakaongorora vachitangira pazvinhu zvinozivikanwa, zvichavabatsira kuti vasazorasika.

Mafungiro aya akavabatsira kunzwisisa zvinhu zvakawanda uye kurongeka kwakaita zvinhu zvakasikwa. Asi sezvo vaingoshandisa maziso pasina michina inovabatsira, zvakaita kuti Aristotle nenyanzvi idzi varasike pane zvimwe zvinhu. Semuenzaniso, vaifunga kuti mapuraneti nenyeredzi zvinotenderera nyika. Makore iwayo vakawanda ndozvavaitofunga. Bhuku rinonzi The Closing of the Western Mind rinoti, “ongororo dzaiitwa dzairatidza sedzaitsigira zvaifungwa nevaGiriki zvokuti pazvinhu zvose zvakasikwa nyika ndiyo iri pakati.”

Dai mafungiro iwayo asiri echokwadi asina kuzopinda muchechi dai zviri nani.

Chechi yeRoma Yakabvuma Dzidziso dzaAristotle

Kare kuEurope, vaKristu vakanga vava kudzidzisa dzidziso dzaAristotle nekuti vanhu vaiti ndedzechokwadi. Vamwe vanoongorora dzidziso dzechechi yeRoma vakadai saThomas Aquinas (c. 1224-1274) vakatanga kudzidzisa dzidziso dzaAristotle. Saka dzidziso yekuti pazvinhu zvose zvakasikwa nyika ndiyo iri pakati yakabva yatopinda muchechi yeRoma. Vatungamiriri vemachechi akabuda muRoma vakadai saCalvin naLuther, vakabva vazvitorawo vachitoti ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri.—Verenga bhokisi rakanzi “Havana Kunzwisisa Zvinodzidziswa neBhaibheri.”

Vanhu vaifunga kuti dzimwe dzidziso dzaAristotle ndedzechokwadi

Mumwe munyori anonzi Charles Freeman anoti, ‘unotadza kuona musiyano padzimwe dzidziso dzaAristotle nedzeRoma.’ Zvinonzi Aquinas akatendeutsa Aristotle kuti ave muRoma. Asi chokwadi chiripo ndechekuti, “Aquinas ndiye akatotendeutswa naAristotle,” akanyora kudaro Freeman. Uye tinogonawo kuti naiyowo chechi yeRoma yakatendeutswa. Galileo, muongorori wenyeredzi uye nyanzvi yemasvomhu, aiti nyika ndiyo inotenderera zuva, saka akamiswa pamberi pedare achinzi ataure kuti zvaanga aongorora ndezvekunyepa.a Nekufamba kwenguva Aristotle akazoona kuti ruzivo rwesainzi runoramba ruchiwedzera. Dai zviri izvo zvakaitwawo nemachechi!

a Kuti unzwe zvakawanda nezvaGalileo verenga nyaya inoti, “Galileo’s Clash With the Church” muMukai! yeChirungu yaApril 22, 2003.

MUCHIDIMBU

  • Aristotle aida zvekudzidza uye “aikoshesa chaizvo zvinhu zvakasikwa uye kunaka kwazvakaita.”—Aristotle—A Very Short Introduction.

  • Aiti pane munhu ane simba, asingafi, anoita kuti mapuraneti arambe achitenderera, uye anoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka-naka.

  • Aristotle anonzi ndiye akatanga nezvebiology uye zvelogic.

  • Aristotle akadzidzisa mukomana wekuMakedhoniya uyo akazova mambo akakurumbira weGirisi ainzi Alexander.

Nyika iri pakati pezvimwe zvakasikwa

Vakawanda vaiti nyika ndiyo iri pakati pezvimwe zvakasikwa

Havana Kunzwisisa Zvinodzidziswa neBhaibheri

Vamwe vaongorori vechitendero vaisimbirira padzidziso yaAristotle yekuti zvese zvakasikwa zvinotenderera nyika. Vaizvitorera pamavhesi akadai saPisarema 104:5 inoti: “[Mwari] akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi.” Munyori weBhaibheri akanga asiri kurondedzera kuti nyika yakaiswa papi. Yaiva nhetembo yairatidza kuti nyika icharamba iripo sekutaura kwakaita Mwari.—Muparidzi 1:4.

Saka Bhaibheri parinotaura zvinhu zvesainzi, harinyepi. Semuenzaniso, Jobho 26:7, yakanyorwa makore anenge 3 500 akapfuura, inoti Mwari “akaturika nyika pasina chinhu.” Jobho 38:33 inotaura kuti zvinhu zviri muchadenga zvine mitemo yazvinotevedzera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe