RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 6 pp. 4-6
  • Zvidzivirire Pazvirwere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvidzivirire Pazvirwere
  • Mukai!—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1 MVURA
  • 2 CHIKAFU
  • 3 TUPUKANANA
  • 4 MHUKA
  • 5 VANHU
  • Zvaungaita Kuti Uve Noutano
    Mukai!—2015
  • Zano 4 Chengetedza Utano Hwako
    Mukai!—2011
  • Vhairasi Inouraya Inorovanya Zaire
    Mukai!—1996
  • Nei Zvakadzoka?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 6 pp. 4-6

NYAYA IRI PAKAVHA | TINGAZVIDZIVIRIRA SEI PAZVIRWERE?

Zvidzivirire Pazvirwere

KARE kare maguta akawanda aipoteredzwa nemidhuri yakasimba uye zvaiita kuti vavengi vasapinda. Guta rose raigona kuparadzwa kana muvengi akangodhiriza padiki diki. Muviri wako wakafanana neguta rakapoteredzwa nemudhuri. Zvaunoita pakuzvidzivirira ndizvo zvinoita kuti uve mutano. Verenga unzwe zvinhu 5 zvinogona kukurwarisa uye zvaungaita kuti uzvidzivirire.

Amai nemwana wavo vari pamusika

1 MVURA

DAMBUDZIKO: Utachiona hunogona kupinda mumuviri wako kana ukanwa mvura yakasviba.

ZVAUNGAITA: Nzira hombe yekuzvidzivirira ndeyekuchengetedza mvura kuti isapindwa neutachiona. Kana uchiona sekuti mvura yaunoda kushandisa yakasviba, pane zvaunogona kuita kuti isakurwarisa.a Chigubhu chaunenge wacherera mvura chinofanira kugara chakavharwa, uye kana chiine pombi ishandise asi kana chisina, chera nekapu yakachena. Usanyika maoko ako mumvura yakachena. Kana zvichiita, unofanira kugara munzvimbo ine zvimbudzi zvinorasa tsvina zvakanaka nekuti tsvina iyoyo inogona kusvibisa mvura.

2 CHIKAFU

DAMBUDZIKO: Utachiona hunogona kuwanikwa muchikafu.

ZVAUNGAITA: Chikafu chinogona kuratidzika zvakanaka uye chichiita sechinovaka asi chiine utachiona. Saka nguva dzose nyatsogeza michero nemiriwo. Paunenge uchibika kana kuti uchipakura zvekudya, maoko ako nemidziyo yaunoshandisa zvinofanira kunge zvakachena. Chimwe chikafu chinotofanira kubikwa kusvikira pane imwe tembiricha kuti utachiona hunokuvadza hufe. Kana ukaona chikafu chachinja ruvara, chisisanaki kana kuti chava kukanda, ziva kuti chinogona kukurwarisa. Kurumidza kuisa mufiriji chikafu chinenge chasara. Usabikira vamwe kana uchirwara.b

3 TUPUKANANA

DAMBUDZIKO: Twumwe tupukanana twune utachiona hunogona kukurwarisa.

ZVAUNGAITA: Panguva inenge yakawanda tupukanana, gara mumba kana kuti pfeka hembe dzinovhara muviri dzakadai sedzine maoko marefu nematirauzi. Shandisa zvinhu zvakadai semosquito net yakaiswa mushonga uye zvekufafaidza tupukanana. Rasa zvinhu zvese zvinenge zvakajenga mvura nekuti ndimo munoberekera mosikito.c

4 MHUKA

DAMBUDZIKO: Pane utachiona hunorarama mumhuka husingairwarisi asi hunogona kukurwarisa. Kana ukarumwa kana kumarwa nemhuka, kana kuti ukagunzva tsvina yayo unogona kurwara.

ZVAUNGAITA: Vamwe vanhu vanochengetera mhuka dzavo panze kuti vasanyanya kugara vachidzibata. Geza maoko nesipo pashure pekubata mhuka dzaunochengeta pamba uye usagunzva mhuka dzemusango. Kana ukarumwa kana kumarwa, nyatsogeza chironda chacho uye enda kuchipatara.d

5 VANHU

DAMBUDZIKO: Munhu paanokosora kana kuhetsura, mate ane utachiona anogona kupinda mumuviri wako. Utachiona hunogona kupinda nepaganda, sepaya patinombundira vamwe kana kuti kuvamhoresa. Utachiona hunogarawo pazvinhu zvakadai seremote yeTV, mahandrail, mubato wedhoo, foni, kana kuti pamakombiyuta.

ZVAUNGAITA: Usashandisa zvinhu zvemumwe zvakadai sereza, toothbrush, kana tauro. Usagunzva zvinhu zvakadai seropa, ziya kana masiriri emhuka kana kuti evamwe vanhu, kusanganisira zvimwe zvinhu zvinogadzirwa pachishandiswa ropa. Nguva dzose nyatsogeza maoko ako. Ndiyo nzira hombe inogona kubatsira kuti zvirwere zvisapararira.

Kana zvichiita, gara kumba paunenge uchirwara. Sangano rinoona nezveutano reU.S. Centers for Disease Control and Prevention rinokurudzira kuti kana uchikosora kana kuhetsura, vhara muromo netishu kana kuti nehembe kwete nemaoko.

Pane chirevo chekare chinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Mashoko aya anoshanda chaizvo munguva yatiri kurarama yakazara nezvirwere zvinogona kuuraya! Saka kuti uzvidzivirire pazvirwere, tsvaka ruzivo kune vezveutano vekwaunogara uye iva neutsanana!

a Sangano reWorld Health Organization rinoti tinokwanisa kushandisa nzira dzakawanda kuti mvura isatirwarisa, dzakadai sekushandisa chlorine, kuiisa pazuva yakavharwa, filtration, nekuibhoirisa.

b Kuti unzwe zvimwe zvaungaita kuti usarwariswa nechikafu, verenga Mukai! yaJuly-September 2012 mapeji 13-19.

c Kuti uzive zvaungaita pakuzvidzivirira pamarariya, verenga Mukai! yaSeptember-October 2015 mapeji 14-15.

d Kana ukarumwa nemhuka ine uturu, unofanira kuenda kuchipatara nokukurumidza.

Zvaungaita Kana Pakaita Chirwere Chiri Kupararira

Mukadzi ari kugeza maoko

Muna 2014, chirwere cheEbola chakakurumidza kupararira munyika dziri kumavirira kweAfrica, uye ndiyo yakanga yangova nyaya munhau pasi rese. Mahofisi eZvapupu zvaJehovha munyika idzi akaparura chirongwa chakabatsira vanhu vakawanda kuti vazvidzivirire pachirwere ichi. Vamiririri vesangano reZvapupu zvaJehovha vakatsanangura zvavakaita.

  • Vanhu vari kudzidziswa

    Zvii zvamakaita kuti muchenjedze vanhu nezvechirwere ichi?

    Kuti vanhu vasavhunduka uye vasavhiringika, takavadzidzisa munzvimbo dzinoungana vanhu. Taivatsanangurira kuti munhu anobata Ebola kana zvaita sei uye kuti zvii zvaasingafaniri kuita.

  • Kugeza maoko

    Zvii zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha?

    Vanhu vose vaiuya panzvimbo dzatinonamatira taitanga tavatora tembiricha tichishandisa mainfrared thermometers, ayo asingagumhi muviri. Munhu wese aiedza kuti asagumhana nevamwe, zvakadai sekumhoresana nemaoko kana kumbundirana, uye takavakurudzira kuti pazuva vageze maoko kakati wandei. Takaisa mvura dzekugeza maoko dzaiva nemishonga inouraya utachiona munzvimbo dzakasiyana-siyana.

  • Foni iri mumba

    Maiita sei kuti mukwanise kuramba muchipinda misangano yenyu uye kuita basa rekuparidzira vanhu?

    Kwaiva nedzimwe nzvimbo dzainzi nehurumende vanhu havafaniri kuenda saka takambomira kuita misangano yedu munzvimbo idzodzo. Saka vanhu vakanga vava kungonamata semhuri mudzimba uye vamwe vakanga vava kutoshandisa mafoni pakuparidza.

  • Karenda

    Maiita sei kana mukaona kuti pane ane zviratidzo zveEbola?

    Taibva taudza vezveutano. Munhu wese ainge ambogumhana nemunhu ane Ebola, kana kuti ainge aenda kumariro emunhu afa neEbola, kana kuti anenge achiita sekuti ane Ebola, ainzi agare kwake ega kwemazuva 21 kuti zvinyatsooneka kuti ane chirwere ichi here kana kuti haana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe