RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 3 pp. 10-11
  • Kushandisa Mari Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Mari Zvakanaka
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • RONGA ZVAKANAKA
  • ZVAUNOGONA KUITA:
  • DZIVISA UNHU NEMAITIRO ASINA KUNAKA
  • ZVAUNOGONA KUITA:
  • Matambudziko Emari Uye Zvikwereti​—Bhaibheri Rinogona Kubatsira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvaungaita Kuti Urarame Zvinoenderana Nehomwe Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • 2 | Chengetedza Zvinhu Zvako
    Mukai!—2022
  • Shandisa Mari Yako Nokuchenjera
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 3 pp. 10-11
Vanhu vanoita basa rekuveza

Kushandisa Mari Zvakanaka

Vanhu vakawanda vakabatsirwa nekushandisa mazano ari muBhaibheri kuti vashandise mari yavo zvakanaka.

RONGA ZVAKANAKA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire, asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.”​—Zvirevo 21:5.

ZVAZVINOREVA: Ronga kuti uchashandisa sei mari yako, wonyatsoita zvaunenge waronga. Saka usashandisa mari usina kutanga waronga. Yeuka kuti vakawanda vedu hatikwanisi kutenga zvese zvatinoda, saka usapambadze mari yako.

ZVAUNOGONA KUITA:

  • Iva nebhajeti. Nyora pasi zvese zvinoda mari uye zvinofanira kubhadharwa, zvakadai serendi yemba, zvekudya nezvimwewo. Ibva wanyora kuti uchashandisa marii pachinhu chimwe nechimwe. Kana zvikaitika kuti washandisa mari yakawanda kupfuura yawanga wakaronga pane chimwe chinhu, unogona kubvisa mari yacho pazvinhu zvisinganyanyi kukosha zvawanga wanyora. Semuenzaniso, kana ukashandisa mari yakawanda kupfuura yawanga wakaronga pane zvekudya, unogona kuibvisa pamari yawanga uchida kushandisa pakushanyira hama neshamwari.

  • Usaita zvikwereti. Edza nepaunogona napo kuti usaita zvikwereti. Kana paine chaunoda kutenga, chengetedza mari zvishoma nezvishoma kusvikira yakwana. Kana uchida kuzotenga chinhu nechikwereti, ronga kuti uzochibhadhara nenguva. Kana wagara uine chikwereti, ronga kuti ungachibhadhara sei, woita zvaunenge waronga.

    Imwe ongororo inoratidza kuti kana uchitenga nechikwereti, zviri nyore kuti utenge zvinhu zvakawanda kupfuura mari yaunowana. Saka kana ukatenga nechikwereti, ziva homwe yako.

DZIVISA UNHU NEMAITIRO ASINA KUNAKA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Simbe hairimi nekuti kuri kutonhora, saka inozopemha munguva yekukohwa painenge isisina chinhu.”​—Zvirevo 20:4.

ZVAZVINOREVA: Usimbe hunoita kuti munhu ave murombo. Saka shanda nesimba uye chengetedza mari kana zvichiita, kuitira ramangwana.

ZVAUNOGONA KUITA:

  • Shanda nesimba. Chengetedza basa rako nekushanda nesimba uye kuva munhu anovimbwa naye. Kazhinji munhu anoshanda nesimba ndiye anofarirwa pabasa.

  • Iva munhu akatendeka. Usabira munhu waunoshandira. Kana ukaba unosvibisa zita rako uye zvinozokunetsa kuti uwane rimwe basa.

  • Usava nemakaro. Kana uchinyanya kuda mari unogona kupedzisira wakanganisa utano hwako uye hauzowirirani nevamwe. Yeuka kuti mari haisi iyo inonyanya kukosha muupenyu.

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Murume ari kuverenga Bhaibheri paIndaneti

Unogona kuverenga Bhaibheri paIndaneti, rinowanikwa mumazana emitauro pawebsite yedu inonzi jw.org

USAPEDZE NGUVA NEMARI PAZVINHU ZVAKAIPA.

“Chidhakwa nemunhu anokara vachava varombo, uye hope dzichapfekedza munhu mamvemve.”​—ZVIREVO 23:21.

USANYANYONETSEKA NEZVEMARI.

“Regai kuzvidya mwoyo pamusoro peupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.”​—MATEU 6:25.

USAVA NERUCHIVA.

“Munhu ane ruchiva ane shungu dzekupfuma, asingazivi kuti urombo huchamuwira.”​—ZVIREVO 28:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe