RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 2 pp. 8-9
  • Ndisu Tinokonzera Kutambura Kwedu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndisu Tinokonzera Kutambura Kwedu Here?
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?
  • Imbofunga Izvi
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2020
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 2 pp. 8-9
Murume akagara mumba achiputa fodya nekunwa doro.

2. Ndisu Tinokonzera Kutambura Kwedu Here?

Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?

Kana tiri isu tinokonzera matambudziko edu, zvinorevawo kuti tinogona kuagadzirisa tega.

Imbofunga Izvi

Zvii zviri kuitwa nevanhu zviri kukonzera matambudziko anotevera?

  • Mufananidzo unoratidza kushungurudzwa kwevanhu.

    Kushungurudzwa.

    Sangano reWorld Health Organization (WHO), rinofungidzira kuti pavanhu vakuru 4 vega vega, mumwe chete akamborohwa zveutsinye paaiva mwana. Rinotiwo pavanhukadzi 3 vega vega, mumwe chete akamboshungurudzwa pabonde kana kurohwa zveutsinye.

  • Mufananidzo unoratidza kufa kwevanhu.

    Kufa Kwevanhu.

    Bhuku rinonzi World Health Statistics 2018, rakabudiswa nesangano reWHO rinoti: “Zvinofungidzirwa kuti vanhu 477 000 vakapondwa pasi rese mugore ra2016.” Kunewo vamwe vanhu 180 000 vanofungidzirwa kuti vakaurayiwa muhondo dzakarwiwa gore iroro.

  • Mufananidzo unoratidza kurwara kuri kuita vanhu.

    Zvirwere.

    Nyaya yakabuda mumagazini inonzi National Geographic, yakanyorwa naFran Smith yakati: “Vanhu vanopfuura 1 bhiriyoni vanoputa uye fodya ndiyo iri kukonzera zvirwere zvinonyanya kuuraya vanhu, zvakadai sechirwere chemwoyo, sitiroko, kenza yemapapu nezvimwewo.”

  • Mufananidzo unoratidza kusarurwa kunoitwa vanhu.

    Rusaruro.

    Chiremba anonzi Jay Watts, akati: “Urombo, kutarisirwa pasi, rusarura ganda, kusarurwa nemhaka yekuti uri munhurume kana kuti munhukadzi, kutamiswa paunogara uye mweya wemakwikwi zvese izvi zvinoita kuti vanhu vawedzere kushushikana.”

    DZIDZA ZVIMWE

    Ona vhidhiyo inonzi Mwari Akasikirei Nyika? iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

Zvinotaurwa neBhaibheri

Murume uya anga achiputa fodya ava muchipatara. Mudzimai wake arwadziwa nemashoko eurwere ataurwa nachiremba.

Matambudziko akawanda anokonzerwa nevanhu.

Dzimwe hurumende dzinotaura kuti dziri kubatsira vanhu asi dzichitoita kuti vaomerwe neupenyu.

‘Munhu anotonga mumwe munhu achimubata zvakaipa.’—MUPARIDZI 8:9.

Matambudziko anogona kuderedzwa.

Bhaibheri rinotibatsira kuti tive neutano hwakanaka uye kuti tigarisane nevamwe zvakanaka.

“Mwoyo wakadzikama unopa upenyu kumuviri, asi godo rinoodza mapfupa.”—ZVIREVO 14:30.

“Bvisai kuvengana kwese, kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka pamwe chete nezvinhu zvese zvakaipa.”—VAEFESO 4:31.

Ndisu tinokonzera kutambura kwedu here?

Bhaibheri rinoti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Mamwe matambudziko anokonzerwa nezvatinosarudza tega. Ndosaka vanachiremba vachikurudzira vanhu kuti vadye zvinhu zvine utano, vaekisesaize, uye varege zvinhu zvakadai sekuputa. Asi hatingabva tazoti matambudziko ese anokonzerwa nevanhu. Vanhu vakawanda, vanopinda mutsaona, vanowirwa nenjodzi dzinongoitika dzega kana kuwirwa nemamwe matambudziko pasina zvavaita.

Nei vanhu vakanaka vachitambura?

Mhinduro iri munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe