RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 pp. 10-11
  • Tsvaga Shamwari Dzakasiyana-siyana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsvaga Shamwari Dzakasiyana-siyana
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Zvakanakira Kuva Neshamwari Dzakasiyana-siyana
  • Zvaunogona Kuita
  • Vakakwanisa Kubvisa Rusaruro
    Mukai!—2020
  • Ratidza Rudo
    Mukai!—2020
  • Ndinofanira Kuwedzera Shamwari Dzangu Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 pp. 10-11
Vakadzi 4 vemarudzi akasiyana vari kutaura nyaya vana vavo vachitamba.

Tsvaga Shamwari Dzakasiyana-siyana

Dambudziko

Kana tikatambira kure nevanhu vatinotarisira pasi, tichawedzera kuva nerusarura. Kana tikashamwaridzana nevanhu vakangofanana nesu tinopedzisira tava kufunga kuti mafungiro, maonero, nemaitiro edu ndizvo chete zvakanaka.

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Zarurai mwoyo yenyu.”—2 VAKORINDE 6:13.

Zvinorevei? “Mwoyo” uri kutaurwa unogona kureva mafungiro edu uye zvatinofarira. Kana tichingofarira vanhu verudzi rwedu kana kuti vane upenyu hwakafanana nehwedu, tichatadza kushamwaridzana nevamwe. Kuti tisava nedambudziko iri tinofanira kuva nechido chekushamwaridzanawo nevamwe vanhu.

Zvakanakira Kuva Neshamwari Dzakasiyana-siyana

Kana ukanyatsoziva munhu unotanga kuona kuti sei maitiro ake akasiyana neako. Patinotanga kumufarira tinobva taona kuti akangofanana nesu. Tinobva tawedzera kumuda, zvekuti paanofara tinofarawo uye paanochema tinochemawo.

Inzwa zvakaitika kuna Nazaré. Aisarura vanhu vekune dzimwe nyika. Chii chakamubatsira kubvisa rusarura? Anoti: “Ndaimbowana nguva yekutandara navo uye ndaishanda pamwe chete navo. Ndakaona kuti zvaitaurwa nevanhu nezvavo, zvakanga zvisiri izvo. Kana ukashamwaridzana nevanhu vane tsika dzakasiyana nedzako, hauzovafungiri zvisizvo uye uchatanga kuvada nekuvakoshesa.”

Ngwarira Pakusarudza Shamwari

Vamwe vanosarudza kuita zvinhu zvinokanganisa upenyu hwavo nehwevamwe. Saka hatifaniri kungoshamwaridzana nemunhu wese wese. Unenge usiri kusarura kana ukarega kushamwaridzana nevanhu vasina kuvimbika uye vakafumuka. Haufaniri hako kuedza kunetsana nevanhu vane tsika dzakasiyana nedzako, chaunofanira kuita kungosiyana navo.—Zvirevo 13:20.

Zvaunogona Kuita

Edza kutaura nevanhu vanobva kune dzimwe nyika, verumwe rudzi kana kuti vanotaura mutauro wakasiyana newako.

  • Vakumbire kuti vakuudze nezveupenyu hwavo.

  • Vakoke kuti muzodya pamwe chete.

  • Teerera zvavanokuudza nezveupenyu hwavo uye ona kuti zvii zvavanokoshesa.

Paunoona kuti zvavakasangana nazvo muupenyu zvakavabatsira sei, unogona kutanga kuvafarira.

Zvakaitika Kune Vamwe: Kandasamy naSookammah (Canada)

“Takakurira kuSouth Africa panguva yaiitwa rusaruraganda. Zvakanga zvisingabvumirwi kuti vanhu vemarudzi akasiyana vagare pamwe chete. Izvi zvaiita kuti vanhu vave nerusarura. Takanga tisingafariri varungu nekuti vamwe vavo vaitiona sevanhu pasina. Panguva iyoyo taisaona sekuti tine rusarura. Asi tainzwa sekuti ndisu tiri kutosarurwa.

“Kuti tichinje mafungiro edu takatanga kushamwaridzana nevanhu vanobva kwakasiyana-siyana. Patakatanga kuwirirana nevarungu, takaona kuti tiri vanhu vakangofanana. Zvinhu zvatinosangana nazvo muupenyu zvakangofanana.

“Takatombogara nemumwe murume nemudzimai wake vaiva varungu kwenguva yakareba. Takasvika pakunyatsovaziva uye takaona kuti vaingovawo vanhu vakafanana nesu. Vakanga vava shamwari dzedu. Izvi zvakaita kuti titange kufarira varungu.”

Hama dzechokwadi

Johny naGideon vachimhoresa vana paImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha.

Kunyange zvazvo Johny naGideon vaiva vemarudzi akasiyana uye vaiva nemaonero akasiyana mune zvematongerwo enyika, vakazova shamwari dzepedyo.

Ona vhidhiyo inonzi Johny naGideon: Vaimbovengana Asi Vava Kuwirirana iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe