RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 pp. 12-13
  • Ratidza Rudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Rudo
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Zvaunogona Kuita
  • Vakakwanisa Kubvisa Rusaruro
    Mukai!—2020
  • Rusarura Rwakakubatawo Here?
    Mukai!—2020
  • Ndaida Kurwisa Rusaruro
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 pp. 12-13
Mukadzi wechiIndia achibatsira mbuya verudzi rusiri rwake kukwira masitepisi akavatakurira zvinhu.

Ratidza Rudo

Dambudziko

Zvinotora nguva kuti munhu abvise rusarura. Sezvinongoita munhu anenge aine chirwere, zvinotora nguva uye zvinoda kuti ashande nesimba kuti chirwere ichocho chipere. Zvii zvaungaita kuti ubvise rusarura mumwoyo mako?

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mapikicha: 1. Murume wekuAsia ari kuvhurira dhoo murume wechitema akabata kofi. 2. Murume uya wechitema ava kunwa kofi nevaanoshanda navo kusanganisira mukadzi wechiIndia watamboona.

“Pfekai rudo, nekuti irwo chisungo chakakwana chekubatana.”—VAKOROSE 3:14.

Zvinorevei? Kuitira vamwe vanhu zvakanaka kunoita kuti vanhu vabatane. Paunowedzera kuratidza vamwe rudo, pfungwa yerusarura inotanga kupera zvishoma nezvishoma.

Zvaunogona Kuita

Murume wekuAsia ari kuvhurira dhoo murume wechitema akabata kofi. 2. Murume uya wechitema ava kunwa kofi nevaanoshanda navo kusanganisira mukadzi wechiIndia watamboona.

Funga zvaunogona kuita kuti uratidze rudo kuvanhu vaunotarisira pasi. Hazvifaniri hazvo kuva zvinhu zvakakura. Edza kuita chimwe chezvinotevera:

Paunoramba uchivaratidza rudo, kapfungwa kerusarura kanotanga kupera

  • Ratidza kuti une tsika dzakanaka kuvanhu ivavo nekuvavhurira dhoo kana kuvapa pekugara mukombi kana mubhazi.

  • Edza kutaura navo kunyange zvazvo vasingakwanisi kunyatsotaura mutauro wako.

  • Iva nemwoyo murefu kana vakaita zvinhu zvausinganzwisisi.

  • Vanzwire tsitsi pavanenge vachitaura nezvematambudziko avo.

Zvakaitika Kune Vamwe: Nazaré (Guinea-Bissau)

“Ndaimbosarura vanhu vanobva kune dzimwe nyika. Ndaiudzwa kuti vakawanda vavo vanonyepera hurumende kuti vapiwe rubatsiro uye vanongogara vachipara mhosva. Saka zvakabva zvandiomera kuti ndivafarire. Ndaifunga kuti handina rusarura nekuti aya ndiwo maonerwo avaiitwa nevakawanda.

“Ndakazoona kuti ndinosarura vanhu vanobva kune dzimwe nyika. Zvinotaurwa neBhaibheri zviri kundibatsira kuti ndivade chaizvo. Iye zvino ndava kuvafarira. Ndava kutovamhoresa uye kutaura navo uye ndinoedza kuzivana nemumwe nemumwe wavo. Iye zvino handichavatarisiri pasi. Ndava kunzwa ndakasununguka kana ndiinavo.”

“Ndaida kurwisa rusarura”

Rafika Morris.

Rafika akabatana nechimwe chikwata chaida kurwisa rusarura. Asi paakapinda gungano reZvapupu zvaJehovha akaona kubatana kwavakanga vakaita uye izvi ndizvo zvaaitsvaga.

Ona vhidhiyo inonzi Rafika Morris: Ndaida Kurwisa Rusarura iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe