RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 3 p. 3
  • Ungaziva Sei Chokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaziva Sei Chokwadi?
  • Mukai!—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Musiki Anogona Kuwedzera Zvinoreva Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Simbisa Kutenda Kwaunoita Kuti Musiki Ariko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Musiki Wedu Mukuru Ane Hanya Nesu!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Upenyu Hwakatanga Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 3 p. 3
Mukadzi akatarisa mufundisi akabata Bhaibheri nenyanzvi yesainzi yakabata DNA yakaita zvekugadzirwa.

Ungaziva Sei Chokwadi?

“Zvinhu zviri muchadenga nepanyika zvinogona kungovapo zvega pasina azvigadzira.”—Mashoko aya akataurwa nenyanzvi dzesainzi Stephen Hawking naLeonard Mlodinow muna 2010.

“Mwari akasika denga nenyika.”—Mashoko aya ari muBhaibheri pana Genesisi 1:1.

Zvinhu zviri kudenga nepanyika zvakasikwa naMwari here kana kuti zvakangovapo zvega? Mhinduro inopiwa nenyanzvi idzi mbiri dzesainzi yakanyatsosiyana nezvinotaurwa neBhaibheri. Variko vanobvuma kuti zvinhu zvakangovapo zvega, kwozoitawo vamwe vanobvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu. Asi vakawanda havanyatsozivi kuti chokwadi ndechipi. Nyaya iyi inogara ichitaurwa mumabhuku nemumapurogiramu epaTV.

Kuchikoro unogona kunge wakadzidziswa kuti zvinhu zvese zvakangoerekana zvavapo zvega, uye hakuna Musiki. Asi vadzidzisi vako vakakupa uchapupu hunotsigira zvavanodzidzisa here? Kune rimwewo divi, unogona kunge wakanzwa vafundisi vachidzidzisa kuti kune Musiki. Asi vakakupa here uchapupu hunotsigira zvavanodzidzisa? Kana kuti vakakuti unofanira kungobvuma kuti Mwari ariko nekuti ndizvo zvinoratidza kuti une kutenda?

Pamwe unombonetseka nezvenyaya iyi, uye unofunga kuti hapana anoziva chokwadi. Kuziva kuti Musiki ariko kana kuti haako kune zvakunobatsira here?

Magazini ino yeMukai! ichatanga nekutaura zvikonzero zvakaita kuti vanhu vakawanda vabvume kuti kune Musiki. Ichazopedzisa nekutaura kuti nei zvichikosha kuziva kuti upenyu hwakatanga sei panyika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe