Fundo 6
ʽZvishandise Kuti Urave Pamheneʼ
1, 2. Tinova nemikana yokurava pamhene rini?
1 Muapostora Pauro akarayira Timotio kuti, “Pfuurira kuzvishandisa kuti urave pamhene.” Uye akarayiridza Timotio kudzidzisa izvi uye zvikwaniriso zvokuwedzera zvoushumiri kuvashumiri biyake vechiKristu. (1 Tim. 4:13, NW) Zano iroro rakafuridzirwa rakakodzerawo mumwe nomumwe wavashumiri vaMwari nhasi, uye tinoita zvakanaka kuriteerera.
2 Kurava pamhene kazhinji kazhinji kunodikanwa kumushumiri woubati ushe hwaMwari. Pafundo yeNharireyomurindi napafundo yebhuku yeungano magwaro uye ndima zvinofanira kuraviwa. Mukati momusangano webasa uye Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, pamwe chete nomuushumiri hwomumunda, magwaro eBhaibheri anoraviwa. Naizvozvo kunobetsera mushumiri amene mumwe nomumwe uye kunobetsera avo vachateerera, kuti ave muravi wapamhene akanaka.
3. Neiko gadziriro ichikosha?
3 Kurava pamhene ndiko kurava zvinonzwika nokuda kwokubetserwa kwavamwe. Asi vateereri vachabetserwa zvakazara chaizvoizvo here kana muravi achindandamira pamashoko uye achishandisa kududzwa kusina kufanira kwezvikamu zvamashoko kana kuti simbiso inoiswa pasina kufanira iyo inodzikatidza mufungo? Ivo vachapa ngwariroi kana achishayiwa mbavarira, achirava nenzwi risingachinji? Kusanorava muboka, gadziriro inodikanwa. Kwakanaka kusatongoenda kumugove, kunyange wokurava pafundo yebhuku yeungano, usina kurava mashoko acho ose. Ukasadaro vateereri havasati vachizova vari kugamuchira betsero yavangawana, uye ivo vangawana kududzwa kusina kururama kwamashoko kumuravi. Hungu, pane kudikanwa kwokuti mushumiri mumwe nomumwe azvishandise kuti arave pamhene.—Hab. 2:2.
4, 5. Mavarai anodikanwa kuti kurava pamhene kusunde vateereri, uye kuve kunonzwisiswa nyore nyore?
4 Mavara anodikanwa. Pakurava, iva ane mbavarira. Isa ushamwari mukurava kwako, uchiratidzira mirangariro inorondedzerwa namashoko acho. Nokudaro uchadzivisa kurava kusingafadzi uye kusina upenyu. Ngwarira kusaderedza inzwi rako kusvikira apo vateereri vako vanopotsa mativi anokosha. Inzwi rako rinofanira kuva rakakwana kusvika mativi ose ekamuri kana kuti ehoro huru iri kushandiswa. Hapana munhu anofanira kunetseka kuti anzwe kunyange shoko rimwe.
5 Pane kudikanwa kwokududza mashoko ako nenzira yakajeka, usingaguri rutivi rwamashoko, kana kuti kuabatanidza pamwe chete zvokuaita kuti agorega kunzwisisika. Pane rumwe rutivi, hakuna kunaka kuva akarurama kwazvo zvokuti kurava kwako kunoderedza shoko racho. Kurava kunosanodudzwa mashoko kunoreva kuti munzwi haasati achitongova asina chokwadi pamusoro pamashoko auri kurava. Kusajeka kunowanzovapo nemhaka yokuti inzwi romuravi harisati richiendeswa kuvanzwi, naizvozvo kuite muitiro kusimudza musoro wako apo unorava. Shama muromo wako kuti uite kuti manzwi abude pasina mhinganidzo ipi neipi.
6. Kuiswa kwakafanira kwesimbiso kunosarudzwa sei, uye kutindika kunobetsera nenzirai kukusimbisa?
6 Simbiso yakafanira inokosha. Zvirokwazvo, ndiyo chinokosha chokunzwisisa zvaunorava. Kunosanozivikanwa kuti kuchinja simbiso kunogona kupa revo yakasiyana chose chose kuvanzwi. Pane dzimwe nguva shoko rimwe rinoda simbiso chaiyo, asi kazhinji kazhinji iboka ramashoko, chikamu chose chamashoko, chinofanira kusimbiswa. Kuiswa kwesimbiso kunofanira kusarudzwa nomufungo unofanira kupiwa, uye kunodzorwa, kwete chete nomutsetse wose wasara, asi nechibvumikiso chose. Kutindika kunoiswa pakanaka rutivi rwunokosha rwesimbiso. Kutindika kupfupi kunobetsera kuunganidza mashoko nenzira ine revo ndokukwevera ngwariro kumifungo inokosha; kutindika kurefu zvikuru kunoratidzira mhedziso yorutivi rukuru rwechibvumikiso chacho.
7. Chii chinobetsera kuita kuti kurava kunzwike sekurukurirano?
7 Mhatsa mukukwira nokuderera kweinzwi nokumhanya zvinofanirawo kurangarirwa sezvaunovavarira kurava zvakanaka. Isiripo kurava kungava kunofinha nokusingafadzi. Asi apo inoshandiswa zvakarurama, mhatsa yakadaro mukutaura ichaita zvakawanda kuita kuti kurava kwako kunzwike kuva kwomuzvarirwo zvikuru, kurukurirano ine upenyu.
8. Hurukuro ingapiwa rini nenzira yakafanira ichibva mumanyoro?
8 Kurava manyoro. Mamwe amamiriro ezvinhu anokosha anobatanidza kurava pamhene kukurukura hurukuro yamanyoro. Rudzi urwu rwokukurukura rune nzvimbo yarwo. Somuenzaniso, Sosaiti ingaronga nguva nenguva kuti ungano dzose dzavanhu vaMwari dziri munyika yakati dzinzwe mashoko mamwe chetewo panguva imwe cheteyo. Zvakare, hurukuro dzamanyoro dzine nzvimbo yadzo pamapurogiramu amagungano, uko kune kubvira kwokuti zvikamu zvamashoko zvehurukuro yacho zvichanokorwa mashoko nezvinobudisa nhau kana kuti uko mashoko akaoma anofanira kupiwa zvakarurama.
9, 10. Chinetsoi chikuru chokukurira pakukurukura hurukuro yamanyoro, uye kunogona kuitwa sei?
9 Chinetso chikuru chinofanira kukurirwa mukurava manyoro ndechokuita kuti kunzwike sokunge kuti mashoko acho uye zvikamu zvamashoko zviri kubatanidzwa pamwe chete nomutoo wekurukurirano. Zvisinei, inzwi rinofanira kuwedzerwa zvikuru. Kazhinji kazhinji kurongwa kwezvikamu zvamashoko zvenhau yacho kwakasiyana zvikuru nekwawaizowanzoshandisa, mitsetse yamashoko zvichida ichiva mirefu zvikuru uye yakaoma kunzwisisa zvikuru. Ingava ine kusarudzwa kwokutaura uye kunzwika zvisati zviri zvomuzvarirwo kukutaura kwako kwenguva dzose. Ungafunga kuti ungagona kukurukura zviri nani zvikuru kana ukaisa nhau yacho mumashoko ako umene. Asi rovedzo noruzivo rwokuzviwanira zvichakugonesa kuita vandudziko huru mukupa hurukuro dzamanyoro.
10 Nokuda kwokubudirira, kugadzirira pachine nguva mberi ndicho chinokosha. Nguva inofanira kuwanwa kuti ugorovedzana namanyoro acho. Unofanira kurava mashoko ako kanoverengeka kuti mifungo mikuru ijeke mundangariro mako. Kana pakava namashoko asina kurovedzeka, anzvere muduramashoko rakanaka uye nyora kududzwa kwacho pamanyoro acho. Ipapo rovedza kupa hurukuro yacho zvinonzwika kuti uzvirovedzanise umene nomutoo wokukurukura womunyori wapakuvamba. Vamwe varavi vanowana kuti kurovedza vachirava zvinonzwika pamberi pechionioni kunovabetsera kuvandudza kutarisa vanzwi, chimwe chinhu chinokosha zvikuru kana hurukuro yacho iri kupiwa muhoro duku.
11. Kutarai pamanyoro kunobetsera?
11 Kutara kana kuti kuisa chiratidzo pamashoko anokosha aunoda kusimbisa kunobetsera. Vamwe varavi vanokuwana kuchibetsera kukamura zvikamu zvamashoko zviri mumanyoro nekamutsetse kakati twii-i. Mukuwedzera, mashoko ari mumapoka akaoma kana kuti echienzi anofanira kutaurwa pamwe chete anogona kubatanidzwa pamwe chete nemitsetse yakakombama kukuyeuchidza kusatindika kutozosvikira wasvika kumugumo wechikamu chacho chamashoko. Ikoku kunodzivisa kusava womuzvarirwo kana kuti kurasika kwerevo. Mufungo wakati unogona kupiwawo kukutara manyoro kuratidzira apo kutindika kurefu zvikuru kungava kwakafanira. Kutindika kunogona kuparira kariro, kupa simbiso ndokubvumira nguva yokuti mashoko acho agamuchirwe. Kunokoshawo kuziva makakwirira kana kuti mapfundo makuru ari muhurukuro yacho. Izvozvi zvinogona kutarwa, kuchikugonesa kusvika kumugumo wakanaka, ipapo wochinja kumhanya.
12-15. Nei gadziriro yepachine nguva mberi ichikosha zvikuru mukurava Bhaibheri?
12 Kurava Bhaibheri. Kurava Bhaibheri kunokosha nokuda kwavaduku navakuru zvakafanana. Panowanzova nemamiriro ezvinhu anoda kurava Bhaibheri zvinonzwika. Pangava nemigove yakadaro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari panguva nenguva. Uye tose zvedu tinorava magwaro apo tinotaura kuvanhu muushumiri hwedu. Asi tinoarava zvakanaka here? Takaarovedza here zvokuti hatindandamiri, zvokuti tinosimbisa zvikamu zvinokodzera chibvumikiso chedu uye zvokuti kurava kwedu kunonzwika kuva kwomuzvarirwo, kwekurukurirano?
13 Gadziriro inodikanwa zvirokwazvo kana toreva nezvokurava muBhaibheri. Yeuka kuti iri iShoko raMwari, kuti rakazadzwa nezvikamu zvamashoko zvorunako rwunopfuura rwenguva dzose uye murangariro, pamwe chete nokurangarira kwakarurama uye kune mufungo. Tinofanira kutsvaka kuritaurazve nenzira yakafanira nokuda kwokubetserwa kwavateereri. Kana tikaziva pachine nguva mberi kuti ticharava Bhaibheri, gadziriro yokungwarira inofanira kuitwa, kudzivisa kundandamira pamashoko echienzi, zvikamu zvamashoko kana kuti mataurire.
14 Rangarira nhambo iya inofadza apo nhapwa dzakadzokera dzavaIsraeri dzakaungana munzvimbo yavanhu vose pamberi peSuo Remvura reJerusarema kuzosanopa ngwariro kumashoko aMwari wavo. VaRevhi ivavo vakagoverwa vakanga vakagadzirira zvisina kunaka here, vasingachaitiri hanya kukurukura kwavo here? Chinyorwa chinopindura kuti: “Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, vakanzwisisa zvinorahwa.” (Neh. 8:8) Varavi ivavo vakanga vachiremekedza zvikuru Munhu Mukurusa, ane mashoko avakanga vapa vanamati biyavo.
15 Tingave tichirava zvinonzwika nokuda kwokubetserwa kwedu timene kwomunhu oga, muboka remhuri, paHoro yoUmambo, kana kuti kune mumwe munhu pasuo rake, ngakuve nevavariro yokubudisazve nenzira yokutendeka mashoko apakuvamba, aine murangariro wawo wose uye simba rinovaka kutenda. Iri simba rinosunda rokurava pamhene rinosimbiswa mumashoko aya akanyorwa nomuapostora Johane anoti: “Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.”—Zvak. 1:3.