CHIDIZIDZO 6
Kusimbisa Pfungwa Kwakakodzera
PAUNOTAURA kana kuverenga zvinonzwika, zvinokosha kutaura shoko rimwe nerimwe nomazvo uyewo kusimbisa mashoko anokosha uye zvikamu zvine pfungwa dzinoda kubudiswa nenzira inoita kuti pfungwa dzacho dzibude zvakajeka.
Kusimbisa pfungwa zvakakodzera kunosanganisira zvinopfuura kungowedzera simba pamashoko mashomanana kana kuti kunyange kune akawanda. Mashoko akafanira ndiwo anofanira kusimbiswa. Kana mashoko asiri iwo akasimbiswa, zvinorehwa nezvauri kutaura zvingasava zvakajeka kuvateereri vako, vobva varega pfungwa dzavo dzichidzungaira zvadzo. Kunyange zvazvo mashoko acho angava akanaka, kukurukura kusina kusimbiswa kwepfungwa kwakanaka hakuzonyatsobudiriri mukukurudzira vateereri.
Kusimbisa kwakawedzerwa kungaitwa nenzira dzakasiyana-siyana, dzinowanzoshandiswa dziri pamwe chete: nenzwi guru, nemanzwiro omukurukuri akasimba, nokunonokera pakutaura, nokumbomira wataura kana kuti usati wataura mashoko (kana kuti zvose), uye nokushandisa dzimwe nhengo dzomuviri paunenge uchitaura uye nezvaunoita chiso chako. Mune mimwe mitauro, kusimbisa kungaitwa nokuderedza inzwi kana kuti kurisimudzira. Funga nezvemashoko acho uye mamiriro ezvinhu kuti usarudze zvingava zvakakodzera zvikuru.
Pakusarudza zvokusimbisa, funga nezvezvinotevera. (1) Muchirevo chimwe nechimwe, mashoko anofanira kusimbiswa zvakawedzerwa anosarudzwa kwete nechirevo chacho chose bedzi asiwo nezviri kutaurwa zvacho. (2) Kusimbiswa kwepfungwa kungashandiswa kusimbisa kutanga kwepfungwa itsva, ingava pfungwa huru kana kuti kuchinja pamafungiro. Kungaratidzawo kuguma kwemafungiro. (3) Mukurukuri angashandisa kusimbiswa kwepfungwa kuratidza manzwiro aanoita pamusoro penyaya yakati. (4) Kusimbiswa kwepfungwa zvakakodzera kungashandiswawo kusimudzira pfungwa huru dzehurukuro.
Kuti ashandise kusimbiswa kwepfungwa munzira idzi, mukurukuri kana kuti munhu anoverengera vamwe anofanira kunzwisisa zvakajeka mashoko ake achida nomwoyo wose kuti vateereri vake vaabate. Maererano nemirayiridzo yakapiwa mumazuva aEzra, Nehemia 8:8 inoti: “[Vakaverenga”] zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira vakanzwisisa zvino[verengwa].” Zviri pachena kuti vaya vakaverenga nokutsanangura Mutemo waMwari panguva iyoyo vakaziva kukosha kwokubatsira vateereri vavo kunzwisisa zvairehwa nezvakaverengwa, kuti vazvichengete, ndokuzvishandisa.
Chingakonzera Dambudziko. Vanhu vazhinji vanokwanisa kuita kuti zvavari kureva zvijeke mukutaurirana kwezuva nezuva. Zvisinei, pavanoverenga mashoko akanyorwa nomumwe munhu, kusarudza kuti mashoko api kana kuti zvirevo zvinofanira kusimbiswa kungava dambudziko. Chiororo chacho kungonzwisisa mashoko acho zvakajeka. Izvozvo zvinoda kunyatsodzidza zvakanyorwa. Saka kana ukakumbirwa kuverenga pamusangano weungano, unofanira kugadzirira nomwoyo wose.
Vamwe vanhu vanoshandisa kunganzi “kusimbisa pano neapo” pane kusimbisa pfungwa. Vanosimbisa mashoko pashure penguva yakati chaiyo, zvisinei nokuti kusimbisa kwacho kune zvakunoreva here kana kuti kwete. Vamwe vanosimbisa mashoko maduku, zvimwe vachinyanya kusimbisa mashoko okukochekedzanisa. Kana kusimbisa kusingabatsiri kujekesa pfungwa, hakutani kuva katsika kanovhiringidza nyore nyore.
Vachiedza kushandisa kusimbisa pfungwa, vamwe vakurukuri vanowedzera inzwi nenzira ingaita kuti vateereri vanzwe sokuti vari kupopoterwa. Hapana mubvunzo kuti izvozvo hazvibatsiri. Kana kusimbisa pfungwa kusina kujairika, pfungwa yokuti mukurukuri ari kuzvidza vateereri vake ndiyo ingapiwa. Zviri nani sei kuvateterera uchishandisa rudo uye kuvabatsira kuona kuti zviri kutaurwa zviri kubva muMagwaro uye zvine musoro!
Mavandudziro Aungaita. Kazhinji munhu ane dambudziko rokusimbisa pfungwa haazvizivi. Mumwe munhu angafanira kumuudza. Kana uchida kuvandudza pakusimbisa pfungwa, mutariri wako wechikoro achakubatsira. Uyewo, inzwa wakasununguka kukumbira kubatsirwa nomumwe munhu anokurukura zvakanaka. Mukumbire kunyatsoteerera pakuverenga nokutaura kwako ozokuudza zvaungaita kuti uvandudze.
Kutanga, anokupa zano angakukumbira kuti ushandise nyaya iri muNharireyomurindi kudzidzira. Pasina mubvunzo achakuudza kuongorora chirevo chimwe nechimwe kuti usarudze mashoko kana zvikamu zvemashoko zvinofanira kusimbiswa kuti pfungwa yacho ive nyore kunzwisisa. Angakuyeuchidza kufungisisa nezvemamwe mashoko akatsveyama. Ziva kuti mashoko ari muchirevo anoshanda pamwe chete. Kazhinji, iboka remashoko rinofanira kusimbiswa, kwete shoko rimwe chete riri rogawo zvaro. Mune mimwe mitauro, vadzidzi vangakurudzirwa kunyatsofungisisa zvinorehwa nezviratidzo zvinobatsira kuzivisa pokusimbisa pfungwa.
Sechinhu chechipiri pakudzidza kuti wosimbisa chii, anokupa zano angakukurudzira kufunga nezvemashoko anoreva zvinopfuura chirevo chacho. Ipfungwa dzipi huru dziri kukurukurwa mundima yose? Izvozvo zvinofanira kusarudza sei zvauchasimbisa muchirevo chimwe nechimwe? Tarira musoro mukuru wenyaya yacho uye pamisoro miduku yakanyorwa nezvitema iri munyaya yako. Iyoyi inobatsira sei pane mashoko auchasarudza kusimbisa? Zvose izvi zvinhu zvokufunga nezvazvo. Asi chenjerera kusasimbisa mashoko akawandisa.
Ungave uchizotaura usingaverengi kana kuti uchiverenga, anokupa zano angakukurudzirawo kuita kuti zviri kukurukurwa zvibatsire pakusarudza pfungwa dzichasimbiswa. Unofanira kuziva panogumira imwe pfungwa kana kuti hurukuro painochinja kubva pane imwe pfungwa kuenda pane imwe. Vateereri vachaonga kana kukurukura kwako kuchivayeuchidza nzvimbo idzi. Izvi zvingaitwa nokusimudzira mashoko akadai sokuti kutanga, zvadaro, pakupedzisira, naizvozvo uye zvinonzwisisika.
Anokupa zano angakuita kuti uzive nezvepfungwa dzaungada kusimbisa zvine upenyu. Kuti uite izvi ungasimbisa mashoko akadai sakwazvo, chaizvo, kana, hazvimbofungiki, kosha, uye nguva dzose. Kudaro kungachinja manzwiro anoita vateereri vako zvauri kutaura. Zvimwezve pamusoro peizvi zvichataurwa muChidzidzo 11, “Ushamwari uye Manzwiro Aunoita.”
Kuti uvandudze kushandisa kwako kusimbisa pfungwa, uchakurudzirwawo kuti pfungwa huru dzaunoda kuti vateereri vako vayeuke dzive dzakajeka mupfungwa dzako. Izvi zvichataurwazve pakudzidza nezvokuverengera vanhu muChidzidzo 7, “Pfungwa Huru Dzasimbiswa,” uye pakudzidza nezvokutaura muChidzidzo 37, “Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena.”
Kana uri kuedza kuvandudza muushumiri hwako hwomumunda, fungisisa maverengero aunoita magwaro. Gara uchizvibvunza kuti, ‘Ndiri kuverengerei rugwaro urwu?’ Kumudzidzisi, kungotaura mashoko nomazvo hakuna kukwana. Kunyange kuverenga mashoko zvine upenyu kungasava kwakakwana. Kana uchipindura mubvunzo womumwe munhu kana kudzidzisa chokwadi chinokosha, zvakanaka kusimbisa murugwaro mashoko kana kuti chitsama chemashoko chinotsigira zviri kukurukurwa. Ukasadaro, zvimwe munhu wauri kuverengera angasanzwisisa pfungwa yacho.
Sezvo kusimbisa pfungwa kuchisanganisira kusimbisa zvakawedzerwa pane mamwe mashoko, mukurukuri asina unyanzvi angapfuuridza pakusimbisa mashoko iwayo. Izvi zvingaguma zvaita semanotsi anoridzwa nomunhu ari kutanga kudzidza kuridza chiridzwa chomumhanzi. Zvisinei nokudzidzira kwakawedzerwa, zvichangozobuda zvose wave “mumhanzi” mumhanzi unonakidza zvine upenyu.
Kana wadzidzira zvokutanga zvinokosha, unenge wokwanisa kubatsirwa nokucherechedza vakurukuri vane unyanzvi. Uchakurumidza kuziva zvinogona kuitwa nokusimbisa kune simba rakasiyana-siyana. Uye uchanzwisisa kukosha kwokugona kusimbisa munzira dzakasiyana-siyana kuti zviri kutaurwa zvijeke. Kuva nemano okusimbisa pfungwa kuchabatsira zvikuru kubudirira kwokuverenga nokutaura kwako iwe woga.
Usangodzidze kusimbisa pfungwa kwakaringana chete kuti uwane kwokushandisa. Kuti utaure zvinobudirira, ramba uchidzidzira kusvikira wava shasha yokusimbisa pfungwa uye wava kuzviita nenzira yakajairika kunzeve dzevamwe.