CHIDZIDZO 7
Pfungwa Huru Dzasimbiswa
MUVERENGI anoziva haangooni chirevo chaari kuverenga chete, anoona zvinotopfuura ndima ine chirevo chacho. Paanoverenga, anenge achitoona pfungwa huru mumusoro make pamashoko ose aari kuverenga. Izvi zvinoita kuti azive pokusimbisa.
Kana izvi zvikasatevedzerwa, hapazovi nepfungwa dzinokosha kupfuura dzimwe pakukurukura. Hapana zvichasiyana nezvimwe zvakajeka. Kana hurukuro yapera zvichaoma kuti pave nechinoyeukwa kuti changa chichikosha.
Kunyatsofunga nezvokusimbisa pfungwa huru kazhinji kunogona kuita zvakawanda kuti nyaya yeBhaibheri iri kuverengwa inyatsobuda. Kusimbisa kwakadaro kunogona kuwedzera kukosha kwokuverenga ndima pachidzidzo cheBhaibheri chepamusha kana kuti pamusangano weungano. Uye kunotokosha kana uchipa hurukuro yokuverenga, sezvinomboitwa pakokorodzano dzedu.
Maitirwo Azvo. Unganzi uverenge chikamu cheBhaibheri muchikoro. Chii chinofanira kusimbiswa? Kana pane pfungwa huru kana kuti chiitiko chinokosha chiri kutsanangurwa pakavakirwa mashoko auchazoverenga, zvakakodzera kuti uchiite kuti chisiyane nemamwe mashoko.
Chikamu chauchaverenga chingave chiri nhetembo kana kuti nyaya, tsumo kana rondedzero, vateereri vako vachabatsirwa kana ukachiverenga zvakanaka. (2 Tim. 3:16, 17) Kuti uite izvi unofanira kufunga nezvechikamu chacho uye vateereri vako.
Kana uchizoverenga zvinonzwika mubhuku pachidzidzo cheBhaibheri kana kuti pamusangano weungano, ndedzipi pfungwa huru dzaunofanira kusimbisa? Funga nezvemhinduro dzemibvunzo yechidzidzo chacho sepfungwa huru. Uyewo simbisa pfungwa dzinosimudzira musoro muduku wakanyorwa nemabhii matema uri pamusoro pemashoko acho.
Hazvikurudzirwi kuti hurukuro dzaunopa paungano upote uchidzikurukura sehurukuro yokuverenga. Zvisinei, pane dzimwe nguva dzimwe dzehurukuro dzepagungano dzinouya dziri hurukuro dzokuverenga kuitira kuti pfungwa dzakafanana dzipiwe zvakafanana pakokorodzano dzose. Kuti asimbise pfungwa huru pahurukuro yakadaro, mukurukuri anofanira kunyatsoongorora mashoko acho. Pfungwa huru ndedzipi? Anofanira kukwanisa kudziziva. Pfungwa huru haasi mashokowo zvawo aanofunga kuti anonakidza. Ndidzo pfungwa dzinokosha pakavakirwa hurukuro yose. Pane dzimwe nguva mashoko mapfupi epfungwa huru iri muhurukuro anosuma nyaya kana kuti chikonzero chinokosha. Kazhinji mashoko ane simba anotaurwa pashure pokunge mashoko anotsigira averengwa. Kana idzi pfungwa huru dzaonekwa, mukurukuri anofanira kudzitara muhurukuro yake. Kazhinji ishoma, zvimwe hadzingapfuuri ina kana shanu. Zvadaro, anofanira kudzidzira kuverenga nenzira yokuti vateereri vanogona kubva vangodziona zviri nyore. Umu ndimo munoverengwa nesimba pahurukuro yacho. Kana mashoko acho akakurukurwa nokusimbisa kwakakodzera, pachava nomukana mukuru wokuti idzi pfungwa dziyeukwe. Ndicho chinofanira kuva chinangwa chomukurukuri ichocho.
Pane nzira dzakasiyana-siyana dzingashandiswa nomukurukuri kusimbisa sezvinodiwa kuti abatsire vateereri kuziva pfungwa huru. Angawedzera chido chaanoratidza, kunonokera kana kumhanya, kuwedzera kuratidza manzwiro ake, kana kuti kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri sezvingave zvakakodzera, kungotaura zvishomanana.