RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 12 pp. 58-63
  • Kutaura Usingaravi uye Usina Kugadzirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Usingaravi uye Usina Kugadzirira
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurukura Usingaiti Zvokuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushandisa Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ukoshi Hwegadziriro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kutarisa Vateereri uye Kushandiswa Kwezvinonyorwa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 12 pp. 58-63

Fundo 12

Kutaura Usingaravi uye Usina Kugadzirira

1, 2. Jehovha anotibetsera sei kutaura?

1 “Musafunganya muchiti muchataura sei, kana inyiko, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura. Nokuti hamuzimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu unotaura mukati menyu.” (Mat. 10:19, 20) Mashoko iwayo anofanira kuve akaunza chivimbo chinoshamisa kuna vadzidzi vaJesu vapakuvamba. Uye anosimbisa vashumiri vaMwari vamashoko akanaka nhasi apo vanokumbirwa kupa uchapupu pamberi pavakuru vakuru vehurumende. Ikoku hakusati kuchireva kuti Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha nhasi zvinopiwa “shoko rouchenjeri” uye “shoko rokuziva” kunoshamisa, sezvaiita vamwe vezvapupu izvozvo zvechiKristu zvomuzana rokutanga ramakore. (1 VaK. 12:8) Zvisinei, tinofarikanya mukana wedzidzo yakaisvonaka youbati ushe hwaMwari uye, sezvakapikirwa, mudzimu waMwari unotiyeuchidza mhinduro apo inodikanwa.

2 Nemhaka yerovedzo yaunowana pafundo dzeBhaibheri, marusando eChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nemimwe misangano yeungano, unova nezivo huru yeBhaibheri. Unodzidza nheyo dzinokosha dzokururama nenzira yokudzishandisa nayo muupenyu hwako umene mumamirire ezvinhu akasiyana-siyana. Ipapo kupfurikidza nokuzvishandisa kuushumiri hwomumunda unowana ruzivo rwokuzviwanira mukutaura navamwe, uchipa mashoko awakawana. Unotaura usingaravi kana kuti usina kugadzirira.

3. Tsanangura mutsauko uri pakati pokutaura usingaravi uye usina kugadzirira.

3 Kunyange zvazvo akabatana zvikuru, aya marudzi maviri okutaura haana kufanana. Zvichida muenzaniso uchajekesa mutsaukano wacho. Ngatiti unosvika saimba ndokuvamba kupa mharidzo yakagadzirirwa, ine ndaza yawakatoroverera zvakasimba mundangariro mako umene. Kunze kwendaza iyoyo hauna kuziva nomusoro mashoko chaiwoiwo auchakudziridza nawo mashoko acho. Uri kutaura usingaravi. Asi ipapo saimba anomutsa chirambidzo chakati kuti chisina kufanoonwa chausina kugadzirira chaizvo. Zvisinei, nemhaka yokurovedzwa kwako kuHoro yoUmambo wakashongedzerwa kupa tsinhiro yakati kana kuti tsananguro, uchishandisa mashoko akawanda eBhaibheri. Panguva ino kungagona kutaurwa kuti kutaura kwako hakuna kugadzirirwa kwakarongwa, kwarongwa ndokutaurwa pakare pakarepo.

4. Igadziriroi inodikanwa nokuda kwokutaura usingaravi kunobudirira?

4 Kutaura usingaravi. Kugadzirira ndicho chinhu chinokosha mukutaura kunobudirira usingaravi, ingave iri mharidzo yapaimba neimba kana kuti hurukuro yapachikuva. Kana uchizotaura hurukuro usingaravi, gadzirira ndaza yakanaka ine mapfundo makuru anoverengeka achakudziridzwa. Pasi pemapfundo makuru unogona kuronga mifungo inotsigira, zvibvumikiso, magwaro nemienzaniso, zvokuti uchava akagadzirira kupa hurukuro inorayiridza zvirokwazvo. Sarudza pachine nguva mberi chinhu chiri chose kunze bedzi kwemashoko chaiwoiwo auchashandisa.

5-7. Dudza betsero dzokutaura usingaravi.

5 Kutaura usingaravi kune betsero dzinoverengeka. Imwe ndeyokuti kunobvumira kuchinjika. Mashoko acho haana kurongwa zvisingachinjiki kwazvo zvokuti haugoni kubva paari, sezvazvakaita nokurava manyoro kana kuti kutaura nomusoro. Zviitiko zvapanguva yokupedzisira zvingarayira chinjo dzakati muhurukuro yakarongwa. Ngatiti unowana usati chaizvo waenda kuchikuva kuti muvateereri mune vanhu vachangobva kufarira vakawanda zvikuru zvaisakarirwa. Kutaura usingaravi kunobvumira kugadziridza kuvabetsera zvizere kunzwisisa zvibvumikiso zvacho. Kana kuti zvichida unocherechedza kuti pane pwere zhinji dzezera rokuchikoro dziri muvateereri. Unogona kugadziridza mienzaniso yako uye kushandisa uchirangarira kudziyamura kunzwisisa kuti mashoko acho anotapura sei upenyu hwadzo.

6 Betsero yechipiri yokutaura usingaravi ndeyokuti kunonyandura ndangariro yako. Kunokusiya wakasununguka zvikuru kuti utange mifungo mitsva. Kazhinji kazhinji, apo unosangana navateereri vanoonga, vanodavidza, unonyandurwa uye mifungo mitsva inopinda mundangariro mako, mifungo inogona kusatana kubatanidzwa mukutaura usingaravi.

7 Betsero yechitatu yourwu rudzi rwokutaura ndeyokuti kunokubvumirawo kuramba wakatarira vateereri vako. Ikoku kunovandudza kukurukura kwako navo. Mugumisiro wacho ndowokuti ivo sezvingabvira vachasanopa ngwariro zvikuru kune zvauri kutaura. Uye vateereri vachafunga kuti unoziva nhau yako, sezvo usati uchifanira kuramba wakatarira mashoko akati akanyorwa panguva dzose. Ipapowo, unogona kucherechedza kuita kwavateereri. Kana ukaona kuti fariro yavo iri kuderera, unogona kushandisa nhanho dzokukurira ichi chinetso. Nokudaro, urwu rudzi rwokukurukura rwakakodzerana nemharidzo youshamwari, yokukurukurirana, hurukuro yapachokwadi chaizvoizvo.

8-10. Ngozi pamusoro pokutaura usingaravi dzinogona sei kudziviswa?

8 Zvisinei, pane ngozi pamusoro pehurukuro dzokusarava; asi idzodzi dzinogona kudziviswa. Somuenzaniso, mukurukuri angaisa mifungo yokuwedzera yakawandisa zvokuti hurukuro yake inopfuura nguva. Uyewo, nemhaka yorusununguko rwake rwokupa nenzira yomuzvarirwo mifungo inopinda mundangariro make, mukurukuri angagara nguva refu zvikuru ari pamapfundo akati kupfuura yaakaronga. Unogona kudzivisa ikoku kupfurikidza nokunyora pandaza yako nguva inobvumirwa chikamu chimwe nechimwe chehurukuro yacho. Ipapo sanoomerera kurudungwe irworwu.

9 Panewo ngozi yokusiya mapfundo, kutaura kusina kukwana kana kuti kusina kururama, kana kuti kutaura kusina ufakazi hwakakwana hunotsigira. Kana uchitarira zvinyorwa zvako panguva nenguva, usingakurumidzi, unofanira kukwanisa kuomerera kumashoko ako ndokudzivisa kusiya zvimwe uye zvikanganiso. Kupfurikidza nokuita ndaza yakanaka, ine mapfundo makuru anoverengeka achakudziridzwa nezvibvumikiso zvinotsigira uye magwaro, unogona kudzivisa ngozi yokutaura zvisina ufakazi.

10 Nepo kusiri madikanwa kuziva nomusoro mashoko amene ehurukuro yokusarava, bva kutaurwa kwezvikamu zvamashoko kwakafanira kunogona kuedzwa, uye unobetserwa kupfurikidza nokuita kuti mufungo wacho urovererwe zvakasimba mundangariro. Neiyi nzira unogona kudzivisa mutauro wakaderera uye kusarudza mashoko kwakaipa. Uye kana mukurukurirano yako yezuva nezuva uchiedza kushandisa mutauro wakanaka, kuchava kuri nyore zvikuru pakukurukura hurukuro. Chokwadi, kunyange panguva iyoyo ungasava namashoko akanakisisa uye girama yakarurama yehurukuro yamanyoro, asi unogona kutsiva ikoku zvikuru kupfurikidza namakurukurire ako. Uyewo, iva nechokwadi chokuhwirudzura hurukuro yako kanoverengeka usati waikurukura. Vamwe vanowana kwakakwana kuita kudaro chinyararire, mundangariro mavo vamene. Asi vazhinji vanokuwana kuchibetsera zvikuru, zvikurukuru pamusoro pokuchengeta nguva, kurovedza kuipa vachidaidzisa.

11, 12. Nei kuri chitaviridzo kuti mukurukuri ave nendaza?

11 Pashure penguva yakati, uye nokurovedza, nokukurumidza unofanira kukwanisa kuderedza ndaza yako kusvikira kumashoko mashomanene chete nokuda kwepfundo rimwe nerimwe rehurukuro yako. Iwaya, pamwe chete namagwaro akanyorwa auchashandisa, zvingarongwa zvose pakadhi kana kuti papepa rinonongedzerwa kwariri nyore nyore. Nepo nokuda kwehurukuro pfupi zvikuru, dzakadai sehurukuro yomudzidzi muchikoro choushumiri, vamwe vangada havo kuziva nomusoro ndaza yacho, hazvirambidzwi kuva nendaza pfupi nokuda kwenongedzero kuitira kuti dzongonyedzo kana kuti kukanganwa zvinokanganisa kufunga kwako. Nokuda kwehurukuro refu zvikuru, dzakadai sehurukuro yavose, kunowanzova muitiro wouchenjeri hunoshanda kuita kuti ndaza yako ine udzame ivepo nokuda kwenongedzero apo unenge uchitaura.

12 Kukurukura usingaravi kunokosha zvikuru muushumiri hwapaimba neimba. Nokuti apo saimba anomutsa chirambidzo kana kuti anodzongonyedza nenzira yakati, kunobvira kubva kwechinguvana pamapfundo ari kurangarirwa, kugonana nechirambidzo chacho ipapo ndokupfuurira namashoko akagadzirirwa. Kungava kwakaoma, kudai mashoko chaiwoiwo ari mumharidzo akadzidzwa nomusoro, kugonana nedzongonyedzo yakadaro ipapo ndokuvambazve hurukuro yacho.

13-15. Ndirini apo tinotaura tisina kugadzirira, uye igadziriroi inobatanidzwa?

13 Kutaura usina kugadzirira. Mashoko okuti “kutaura usina kugadzirira” akarondedzerwa saanoreva kuti “pasina kugadzirira, kusina kurongwa, pasina gadziriro.” Asi ikoku kunoreva here kuti pave pasitongorina kugadzirira pamusoro penhau yacho kana kuti pfundo? Aiwa, nokuti mukudzidzisa kwose kwapachokwadi munofanira kuva nokugadzirira. Zvisinei, pane nguva apo ungasaziviswa pachine nguva mberi kuti uchataura pamusoro penhau yakati, naizvozvo haugadziriri zvakananga kuikurukura. Ikoku kungava apo saimba anosanganwa naye mukuparidza kwapaimba neimba anomutsa mubvunzo. Kana kuti pangava pashanyo dzedzokerero, pafundo dzeBhaibheri dzapamusha, pakupupurira kusina kurongwa, kana kuti apo unodanwa pamberi pedare kana kuti vakuru vakuru. Muzviitiko zvakadaro, kurongwa kwamashoko uye zvikamu zvamashoko kuchava kusina kugadzirirwa, asi zvaunotoziva zvinobva mufundo dzoubati ushe hwaMwari zvichagovera hwaro hwezvinotaurwa. Naizvozvo kwatingadana kuti kutaura usina kugadzirira kwakavakirwawo pakugadzirira pachine nguva mberi, kunyange zvazvo kugadzirira kwacho kungave kusina kurongerwa nhambo yakati.—Isa. 50:4.

14 Kana ukaziva, kwasara kunyange maminiti mashomanene, kuti uchakumbirwa kutaura chimwe chinhu, pane matanho anokosha aunogona kuita mukugadzirira. Kutanga, sarudza pfundo guru rimwe kana kuti maviri okufukidza. Sarudza zvibvumikiso zvakati zvinotsigira, kubatanidza magwaro mashomanene akafanira. Ipapo funga sumo pfupi. Zvino, kana kuri madikanwa, wagadzirira kutanga kutaura. Ikoku kungava kuri madikanwa, somuenzaniso, apo mutsivi wapanguva yokupedzisira womukurukuri ari mudzidzi anodikanwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.

15 MuMagwaro mune mienzaniso yavashumiri vaJehovha vakakumbirwa pakare pakarepo kupupurira chokwadi. Mumwe waivava aiva Stefano, uyo akaendeswa nechisimba kuSanihedrini ndokupomerwa nezvapupu zvenhema. Kutaura kwake kusina kugadzirira kunonyandura kungaraviwa muganhuro 7 rebhuku raMabasa. Muapostora Pauro akabatwa navaAtene, akatungamirirwa kuAreopago ndokubvunzwa pamusoro pezvitendero zvake. Kurukurirano yake yakaisvonaka asina kugadzirira inowanwa muna Mabasa ganhuro 17.

16-18. Nei vadzidzi vachifanira kurovedza kutaura vasingaravi, panzvimbo pokushandisa manyoro kana kuti kuziva nomusoro hurukuro dzavo?

16 Mutoo wakanakisisa. Pane dzimwe nguva vari kutanga vanoda kushandisa manyoro nokuda kwehurukuro dzavo dzavadzidzi. Iwoyu hausati uchiwanzova mutoo wakanakisisa, uye vanofanira kuita nhamburiko yokuurega nokukurumidza, sezvo uchideredza kutarisa vateereri uye vara rekurukurirano. Pane nhambo apo tinoshandisa hurukuro dzamanyoro, asi unowana rovedzo nokuda kwaidzodzi apo unenge une mugove wokurava. Shandisa dzimwe hurukuro dzako kutaura wakasununguka pandaza.

17 Vamwe vadzidzi vanoedza kuziva hurukuro nomusoro, kuti vagorega kuva nezvakanyorwa zvose. Asi hurukuro dzakadzidzwa nomusoro dzine zvinetso chaizvoizvo, kusachinjika, kusava dzomuzvarirwo uye kuparira kubvira kwokukanganwa kwomunhu chikamu chinokosha. Kuziva nomusoro kungava kwakafanira mitsetse mishomanene inokosha, zvakadai somusumo kana kuti mumhedziso, asi hakuna kukodzera hurukuro yose.

18 Mutoo wakanakisisa unowanzova wokutaura usingaravi. Iwoyu ndiwo unoshandiswa muushumiri hwomumunda, umo tinorovedzwa chaizvoizvo kuzvifungira. Nenzira yakafanana pamisangano yeungano mutoo wokutaura usingaravi ndiwo wokushandisa kazhinji kazhinji zvikurusa, sezvo uchibvumidza kupiwa kwapachokwadi, kwakananga kweshoko redu uko kuchaparira migumisiro yakaisvonaka. Naizvozvo urovedze nguva dzose. Uye kunyange zvazvo padzimwe nguva tingakumbirwa kukurukura tisina kugadzirira, tichave takakugadzirira, nokuti Jehovha anova nechokwadi chokuti takasanoshongedzerwa kwose kuri kuviri kutaura tisingaravi uye tisina kugadzirira. Kwose kuri kuviri kune nzvimbo yako yakafanira muushumiri hwedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe