RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 27 p. 174-p. 178 ndim. 3
  • Kukurukura Usingaiti Zvokuverenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurukura Usingaiti Zvokuverenga
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura Usingaravi uye Usina Kugadzirira
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kushandisa Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kutarisa Vateereri uye Kushandiswa Kwezvinonyorwa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 27 p. 174-p. 178 ndim. 3

CHIDZIDZO 27

Kukurukura Usingaiti Zvokuverenga

Unofanira kuitei?

Taura nenzira inoratidza mashoko anongozviuyira oga uyewo nokunyatsogadzirira pfungwa.

Nei zvichikosha?

Kukurukura usingaiti zvokuverenga ndiyo nzira inonyatsobudirira yokuita kuti vateereri varambe vachifarira uye vakurudzirwe.

UNGAVE wakashanda zvakaoma pahurukuro yako. Uyewo ungave nemashoko anodzidzisa. Kufunga kwacho kungave kwakanaka. Ungataura uchidedemura. Asi kana vateereri vako vakava nemwoyo miviri—vachiteerera zvikamu chete zvezvaunotaura nokuti pfungwa dzavo dzinombombeya-mbeya—hurukuro yako ichabudirira zvakadini? Kana vachiomerwa nokuramba vakateerera hurukuro, zvingadaro here kuti uchasvika pamwoyo yavo?

Dambudziko iroro ringava riri kukonzerwa nei? Ringakonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. Kazhinji, kukundikana kukurukura hurukuro usingaiti zvokuverenga. Nemamwe mashoko, mukurukuri ari kunyanya kutarisa zvaakanyora, kana kuti haana kusununguka. Zvisinei, zvinetso izvi zvine chokuita zvakananga nemagadzirirwo ehurukuro yacho.

Kana ukatanga wanyora hurukuro yako wozoedza kuichinja kuva pepa rine zvipfupi, zvimwe uchazviwana zvakaoma kukurukura hurukuro yacho usingaiti zvokuverenga. Pamusana pei? Nokuti wakatosarudza mashoko chaiwo aunoda kushandisa. Kunyange kana ukazoshandisa pepa rehurukuro pakukurukura, unenge uchiedza kuyeuka mashoko awakamboshandisa mune yawakatanga kugadzirira. Kana chimwe chinhu chakanyorwa, mutauro wacho unenge wakarongwa, uye zvirevo zvinenge zvakati omei kupfuura pakutaura kwezuva nezuva. Kukurukura kwako kuchabudisa izvozvo.

Pane kunyora hurukuro yacho shoko neshoko, edza zvinotevera izvi: (1) Sarudza musoro uye zvinhu zvikuru zvomunyaya yauchashandisa mukukurukura musoro iwoyo. Kana iri hurukuro pfupi, pfungwa huru mbiri dzingava dzakakwana. Yakareba ingava neina kana kuti shanu. (2) Pasi pepfungwa huru imwe neimwe, nyora magwaro anokosha aunoda kuzoshandisa pakuikurukura; nyorawo mifananidzo yako nezvinotsigira zvikuru. (3) Funga kuti uchasuma sei hurukuro yacho. Ungatonyora chirevo chimwe kana zviviri. Uyewo ronga mashoko auchapedzisa nawo.

Kugadzirira kukurukura kunokosha chaizvo. Asi usadzokorora hurukuro yacho shoko neshoko nechinangwa chokuiisa mumusoro. Pakukurukura usingaiti zvokuverenga, kusimbiswa kunofanira kuiswa papfungwa dzinofanira kutaurwa kwete mashoko. Idzi pfungwa dzinofanira kudzokororwa kusvikira wave kudzitevedzanisa mupfungwa dzako. Kana hurukuro yako yagadzirirwa zvinotevedzana uye zvakarongeka, izvi hazvifaniri kuva dambudziko, uye pakukurukura kwako pfungwa dzinofanira kungozviuyira dzoga zviri nyore.

Funga Kubatsira Kwazvinoita. Zvakanakira kukurukura usingaiti zvokuverenga ndezvokuti unenge uchitaura nenzira iri nyore kwazvo inokurumidza kunzwisiswa nevanhu. Kukurukura kwako kunenge kune upenyu zvichiita kuti kunakidze vateereri vako.

Nzira iyi yokukurukura inokubvumira kutarisana nevateereri vako zvakanyanya, izvi zvinobatsirawo kukurukura kwako navo. Sezvo usingatariri zvakanyorwa kuti uone marongerwe emashoko echirevo chimwe nechimwe, zvichava nyore kuti vateereri vako vafunge kuti unoziva zvauri kutaura nezvazvo uye kuti une chokwadi nezvauri kutaura. Saka, iyi nzira inoita kuti ukurukure noushamwari, hurukuro yokutaurirana chaiyo, zvichibva pamwoyo.

Kukurukura usingaiti zvokuverenga kunoita kuti ukwanise kuchinja. Mashoko acho haana kunyanyooma zvokuti haugoni kuchinja. Ngatitii mangwanani ezuva rauchakurukura hurukuro yako, nhau dzakanakira hurukuro yako. Hazvingavi zvakakodzera kutaura nezvadzo here? Kana kuti paunenge uchitaura, unobva waona kuti pane vana vezera rechikoro vakawanda vari kuteererawo. Zvingava zvakanaka sei kuchinjira mifananidzo yako nokushanda kwayo uchifunga nezvokuvabatsira kunzwisisa kuti mashoko acho anovabatsira sei muupenyu hwavo!

Chimwe chakanakira kukurukura usingaiti zvokuverenga ndechokuti pfungwa dzako dzinomuka. Kana une vateereri vanoonga, vachiratidza kuti vari kuzvinzwa, newewo unomuka wobva wawedzera pane dzimwe pfungwa kana kuti wotora nguva kudzokorora mamwe mashoko kuti uasimbise. Kana ukaona kuti kufarira kwava kuderera, ungaita chimwe chinhu kuti zvisadaro pane kungotaura nevanhu vane pfungwa dziri kumbeya-mbeya.

Usawire Mungozi. Unofanira kuziva kuti kukurukura usingaiti zvokuverenga kunogonawo kuva nengozi. Imwe yacho inowanzova yokupfuudza nguva. Kana ukazowedzera pfungwa dzakawandisa uri kukurukura, kuchengeta nguva kungava chinetso. Unogona kukurira izvi kana ukanyora papepa rako rehurukuro nguva inopedzerwa pachikamu chimwe nechimwe. Woomerera pane izvozvo.

Imwe ngozi, kunyanya kuvakurukuri vave noruzivo, kunyanyozvivimba. Nokuti vajaira kutaura pamberi pevanhu, vamwe vangaona kuti zviri nyore kungonhonga-nhonga mashoko kuti vashandise nguva yavakapiwa. Asi kuzvininipisa nokunzwisisa kuti tiri kushandawo mupurogiramu yokudzidzisa iyo Jehovha ari iye Mudzidzisi Mukuru kunofanira kutikurudzira kugadzirira hurukuro yose zvakanaka uye tichinyengetera.—Isa. 30:20; VaR. 12:6-8.

Chimwe chinotyiwa zvikuru nevakurukuri vasina ruzivo rwakanyanya pakukurukura vasingaiti zvokuverenga ndechokuti vangakanganwa zvavanoda kutaura. Kutya uku ngakurege kukuita kuti uzeze kutora iri danho rinokosha mukutaura kunobudirira. Gadzirira zvakanaka, uye kumbira Jehovha kuti akubatsire nesimba rake.—Joh. 14:26.

Vamwe vakurukuri vanonetseka kwazvo pamusoro pokurongwa kwemashoko zvobva zvavaita kuti vazeze. Chokwadi, hurukuro inotaurwa usingaiti zvokuverenga ingasava nemashoko akanyatsonaka uye mutauro wakanyatsoti kwesere sowehurukuro yokuverenga, asi nzira yokukurukurirana kunokwezva inotsiva izvozvo nokure. Vanhu vanokurumidza kufarira pfungwa dzinokurukurwa nemashoko avanonzwisisa zviri nyore uye zvirevo zvisina kuoma. Kana ukagadzirira zvakanaka, mashoko akakodzera achangozviuyira oga, kwete nokuti wakaaisa mumusoro, asi nokuti wakadzokorora pfungwa dzacho zvakakwana. Uye kana uchishandisa mutauro wakanaka zuva nezuva, uchangozviuyira woga kana wava pachikuva.

Zvinonyorwa Zvokushandisa. Nokufamba kwenguva uye nokudzidzira, ungakwanisa kuita kuti pepa rehurukuro yako ringova nemashoko mashomanana papfungwa imwe neimwe yehurukuro yako. Idzi pamwe chete nemagwaro aunoda kuzoshandisa, zvinganyorwa zvose pakadhi kana pepa kuti zvive nyore kuzviona. Nokuda kwoushumiri hwomumunda, kazhinji uchadzidza nomusoro pepa remharidzo risina kuoma. Kana wakatsvakurudza mashoko panyaya yakati yekwauri kudzokera, ungave nezvaunonyora zvishomanana zvipfupi papepa rakaiswa pakati peBhaibheri rako. Kana kuti ungangoshandisa zvakarongwa pamashoko e“Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana” kana kuti mashoko ari muna Kurangarira muMagwaro sepokutangira kukurukura kwenyu.

Zvisinei kana wakanzi uzokurukura zvikamu zvinoverengeka zvepamisangano muvhiki shomanana uye zvimwe uchifanirazve kuzopa hurukuro dzavose, ungawana kuti unoda pakanyorwa pane zvizhinji. Pamusana pei? Kuti uyeuchidze pfungwa dzako mashoko acho usati wakurukura imwe neimwe yehurukuro idzodzo. Kunyange zvakadaro, kana ukanyanya kuvimba nemarongerwo emashoko akanyorwa pakukurukura kwako—uchiatarira panenge pachirevo chimwe nechimwe—ucharasikirwa nokubatsira kunoita kukurukura usingaiti zvokuverenga. Kana ukashandisa zvakanyorwa zvakawanda, zvitare kuitira kuti uzongotarisa zvikamu zvishomanana zvakakodzera chete uye magwaro anodiwa.

Kunyange zvazvo hurukuro inokurukurwa nomunhu ave noruzivo ichifanira kunyanya kukurukurwa isingaiti zvokuverengwa, pane zvinobatsirawo pakusanganisirawo dzimwe nzira dzokukurukura. Pamashoko okusuma neokupedzisira, paya apo kuonana nevateereri kunofanira kubatanidzwa nemashoko akanyatsorongwa, zvirevo zvishomanana zvakadzidzirwa nomusoro zvingabudirira. Apo zvinhu chaizvoizvo, nhamba, kana kuti magwaro anoshandiswa, kuverenga kwakakodzera uye kunogona kushandiswa zvinobudirira.

Vamwe Pavanoda Kutsanangurirwa. Dzimwe nguva tinokumbirwa kutsanangura zvitendero zvedu pasina mukana wokufanogadzirira. Izvi zvingaitika kana mumwe munhu watinosangana naye mubasa romumunda akaramba. Zvakadarowo zvingamuka patinenge tine hama dzedu dzisiri Zvapupu, kubasa, kana kuti kuchikoro. Zviremera zvehurumende zvingatiwo zvinoda kutsanangurirwa zvitendero zvedu uye mararamiro edu. Magwaro anokurudzira kuti: “Muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita kudaro nounyoro noruremekedzo rukuru.”—1 Pet. 3:15.

Ona kuti Petro naJohani vakapindura sei Sanihedrini yechiJudha, sezvakanyorwa pana Mabasa 4:19, 20. Nezvirevo zviviri chete, vakataura zvakajeka pavaiva. Vakadaro nenzira yakanga yakakodzera vateereri vavo—vachiratidza kuti nhau yaiva yakatarisana nevaapostora yaivawo yakatarisana nedare racho. Gare gare Stefani akapomerwa zvenhema, akaendeswa kudare iroro. Verenga mhinduro yake yaakanga asina kuronga iri pana Mabasa 7:2-53. Akaronga sei mashoko ake? Akarondedzera zvinhu maererano nokuitika kwazvo. Panguva yakakodzera, akatanga kusimbisa kupandukira kwakaitwa norudzi rwaIsraeri. Pamashoko okupedzisira, akaratidza kuti Sanihedrini yakanga yaratidza mafungiro akafanana nokuita kuti Mwanakomana waMwari aurayiwe.

Kana ukanzi utsanangure zvaunotenda usina kuzvironga chii chingakubatsira kuita kuti zvaunotaura zvibudirire? Tevedzera Nehemia, uyo akanyengetera chinyararire asati apindura mubvunzo wakabvunzwa naMambo Atashasta. (Neh. 2:4) Wadaro, kurumidza kuronga mupfungwa dzako zvaunoda kutaura. Ungazviita uchironga seizvi: (1) Sarudza pfungwa imwe chete kana mbiri dzinofanira kusanganisirwa mutsananguro yacho (ungasarudza kushandisa zviri muna Kurangarira muMagwaro). (2) Sarudza kuti magwaro api auchashandisa kutsigira pfungwa idzodzo. (3) Funga kuti uchatanga kutsanangura kwako nouchenjeri sei kuitira kuti ari kubvunza ade kuteerera. Zvadaro chitanga kutaura.

Kana wakamanikidzika uchayeuka zvokuita here? Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Musafunganya pamusoro pematauriro amuchaita kana chamuchataura; nokuti chamuchataura muchachipiwa muawa iyoyo; nokuti vari kutaura havasi imi chete, asi mudzimu waBaba venyu unotaura nemi.” (Mat. 10:19, 20) Izvi hazvirevi kuti uchapiwa “kutaura kwouchenjeri” kwakapiwa vaKristu vomuzana remakore rokutanga. (1 VaK. 12:8) Asi kana ukazviita kuti urambe uchiwana dzidzo inopiwa naJehovha kuvashumiri vake vari muungano yechiKristu, mudzimu mutsvene uchakuyeuchidza mashoko anodiwa paanenge ave kudiwa.—Isa. 50:4.

Hapana mubvunzo kuti kukurukura usingaiti zvokuverenga kunogona kubudirira chaizvo. Kana ukakudzidzira nguva dzose pakukurukura hurukuro muungano, zvadaro kupindura zvisina kurongwa kana kwave kudiwa hakuzovi kwakaoma, sezvo marongero acho akafanana. Usazeza. Kudzidzira kutaura usingaiti zvokuverenga kuchakubatsira kuita kuti ushumiri hwako hwomumunda huwedzere kubudirira. Uye kana une ropafadzo yokukurukura hurukuro muungano, uchabata pfungwa dzevateereri wosvika pamwoyo yavo.

NZIRA YOKUZVIITA NAYO

  • Isa mupfungwa dzako kubatsira kunoita kukurukura usingaiti zvokuverenga.

  • Pane kunyora hurukuro yako, gadzira pepa rehurukuro riri nyore.

  • Gadzirira kukurukura nokudzokorora mumusoro pfungwa huru imwe neimwe iri yoga. Pane kunyanyonetseka nokurongwa kwemashoko, shandira pakukurukura pfungwa zvinotevedzana.

BASA ROKUITA: (1) Pakugadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi, dzidzira kutara mashoko anokosha chete pane kutara zvirevo zvakazara. Pindura nemashoko ako. (2) Pakugadzirira hurukuro yako inotevera yomuchikoro, tanga nokudzokorora mupfungwa dzako musoro nepfungwa dzako huru mbiri kana kuti nhatu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe