CHIDZIDZO 25
Kushandisa Pepa Rehurukuro
KUZIVA kuti vachataura vachishandisa pepa rehurukuro kunoita kuti vamwe vatye. Vanonzwa vane chivimbo kana zvose zvavachataura zvakanyorwa papepa kana kuti zvakaiswa mumusoro.
Asi kutaura zvazviri, mazuva ose tinotaura tisina pepa rakanyorwa. Tinodaro patinotaurirana nenhengo dzemhuri uye shamwari. Tinodaro patinenge tiri muushumiri hwomumunda. Uye tinodaro patinonyengetera zvichibva pamwoyo, tiri toga kana kuti tichimiririra vamwe.
Paunokurukura, zvinosiyana here kana ukashandisa pepa rakanyorwa zvose kana kuti pepa rine zvinokutungamirira? Nepo kuverenga papepa rakagadzirirwa kuchigona kubatsira kuti uve nechokwadi nokururama uye kushandisa mashoko akanyatsonaka, kune pakunoperevedzawo, pakusvika pamwoyo pevanhu. Paunoverenga zvinopfuura zvirevo zvishomanana, uchava nemamhanyiro uye kukwidza nokudzikisa inzwi kwakasiyana nokuya kunoitika paunenge uchitaura zvako wakasununguka. Kana pfungwa dzako dziri pamapepa ako kupfuura pavateereri vako, vakawanda vangarega kunyatsoteerera sezvavaizoita dai vainzwa kuti chaizvoizvo uri kufunga nezvavo uye uri kuchinja mashoko ako kuti akodzere zvavari. Pahurukuro dzinokurudzira zvechokwadi, iya inokurukurwa isingaitwi zvokuverengwa ndiyo yakanakisisa.
Chikoro chaMwari Choushumiri chakagadzirirwa kutibatsira muupenyu hwezuva nezuva. Patinosangana neshamwari, hatitori kapepa tovaverengera zvatiri kufunga tichiitira kuti tizvitaure zvakarongeka kwazvo. Muushumiri hwomumunda, hatitori pepa rakanyorwa rakareba kuti tiverenge, tichityira kuti tingakanganwa zvimwe zvatinoda kuudza vanhu. Pakuenzanisira muchikoro nzira yokupupura nayo mumamiriro ezvinhu akadaro, dzidzira kutaura wakasununguka sezvaunogona. Kana ukagadzirira zvakanaka uchaona kuti mamiriro akaita hurukuro yako, mungava mumusoro kana pawakanyora, kazhinji akakwana kukuyeuchidza pfungwa huru dzaunoda kukurukura. Asi ungadzidzira sei kuva nechivimbo chinodiwa kubva ipapo?
Ronga Pfungwa Dzako. Kuti ushandise mashoko akarongeka pakutaura, unofanira kuronga pfungwa dzako. Izvi hazvirevi kusarudza mashoko auri kuda kuzoshandisa. Zvinongoreva kufunga usati wataura.
Pakurarama kwezuva nezuva, munhu anoita zvinhu zvechivhurumukira angangoerekana abvotomoka mashoko aanozozvidemba kuti dai asina kutaura. Mumwe munhu angangotaura zvisina kwazvakananga chaiko, achitaura chino nechocho. Izvi zvose zvinogona kugadziriswa nokumbomira wofunga zvauchada kutaura usati watanga kutaura. Kutanga, chinangwa chako ngachijeke mupfungwa dzako, wozosarudza zvaunofanira kuita kuti chinangwa chako chibude, zvadaro chitanga kutaura.
Uri kugadzirira basa romumunda here? Rega kungorongedza bhegi rako romuuchapupu chete asi rongawo pfungwa dzako. Kana ukasarudza kushandisa imwe yemharidzo dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo, iverenge kakawanda kuti pfungwa huru dzikujekere. Taura zvinokosha pairi nechirevo chipfupi chimwe chete kana zviviri. Mashoko acho achinje kuti ave ako uye aenderane nezvakaita ndima yako. Zvichakubatsira kuva nepfungwa dzakarongwa mumusoro mako. Izvozvo zvingasanganisirei? (1) Ungasuma uchitaura chimwe chinhu chiri kutyirwa nevanhu vakawanda vari munzanga yenyu. Kumbira mumwe munhu wacho kuti ataurewo zvaanofunga. (2) Mupfungwa dzako, iva nechimwe chinhu chakananga chaungataura panyaya yacho, kusanganisira rugwaro rumwe kana maviri anoratidza zvakavimbiswa naMwari kuzobvisa chinetso chacho. Kana ukapiwa mukana wacho, simbisa kuti Jehovha achaita izvozvo achishandisa Umambo hwake, hurumende yake yokudenga. (3) Kurudzira munhu wacho kuita chimwe chinhu pane zvamakurukura. Ungamupa bhuku uye/kana kuti kumuudza kuti ungada kudzidza naye Bhaibheri mobva manyatsoronga kuti muzokurukurazve.
Zvimwe mashoko akarongwa aungada pamharidzo yakadaro ndeomumusoro. Kana uchida kuzotarisa pepa rakanyorwa usati wasvika pasuo rokutanga, zvimwe pepa iroro richangova nemashoko mashomanana okushandisa pasumo yako, rine rugwaro rumwe kana maviri, uye mashoko mapfupi ezvaunoda kugumisa nazvo. Kugadzirira nokushandisa mashoko akarongwa akadaro kunoita kuti tisazongotaura mashoko asina nebasa rose; zvichitibatsira kusiya shoko rakajeka riri nyore kuyeuka.
Kana mundima yenyu muchiwanzova nemibvunzo kana kuti vanoramba, zvingakubatsira kutsvakurudza mashoko panyaya yacho. Kazhinji chaunongoda ipfungwa mbiri kana nhatu dzinokosha nemagwaro anoratidza pazvinobva. “Misoro yeBhaibheri Yekukurukurirana” kana kuti misoro miduku mitema iri mubhuku rinonzi Kurangarira Magwaro ingakupa mashoko akarongwa chaiwo auri kuda. Ungawana mashoko aunoda kushandisa akakodzera kune imwe nzvimbo. Nyora mashoko mapfupi akarongwa, batanidzawo mashoko awakatora kumwewo, wochengeta izvozvi nezvimwe zvinhu zvako zvomubasa romumunda. Kana saimba akabvunza mubvunzo kana kuti akaramba chimwe chinhu, muudze kuti unofara kumuudza zvaunotenda iwe. (1 Pet. 3:15) Mhinduro yako ngaibve pamashoko ako akarongwa.
Kana uchizonyengeterera mhuri yenyu, boka rechidzidzo chebhuku, kana kuti ungano, zvakanakawo kuti uronge pfungwa dzako. Maererano naRuka 11:2-4, Jesu akapa vadzidzi vake mashoko ari nyore omunyengetero une zvaunoreva. Pakutsaurira temberi muJerusarema, Soromoni akanyengetera kwenguva refu. Zviri pachena kuti akafanofunga nezvazvo. Akatanga ataura nezvaJehovha nechipikirwa Chake kuna Dhavhidhi, ndokuzotaura nezvetemberi; zvadaro, akazotaura chinhu chimwe panguva, nezvezvinhu zvakasiyana-siyana uye marudzi evanhu. (1 Madz. 8:22-53) Tinogona kubatsirwa nemienzaniso iyi.
Pepa Rako Rehurukuro Ngarive Nyore. Mashoko awakaronga ndeehurukuro here? Anofanira kuva nezvakawanda sei?
Yeuka kuti pepa rehurukuro rinofanira kukubatsira kuyeuka pfungwa. Unganzwa kuti zvingabatsira kunyora zvirevo zvishomanana zvokushandisa pakusuma. Asi waita izvozvo, chitarisa pfungwa kwete mashoko. Kana ukanyora pfungwa idzi zviri zvirevo, nyora zvirevo zvipfupi. Pfungwa huru shomanana dzaunoda kuzokurukura dzinofanira kuoneka zvakajeka papepa rako rehurukuro. Izvi zvinogona kuitwa nokudzinyora nemabhii makuru uchitara pfungwa huru, kana kuti kudzimaka nechinyoreso chakasiyana. Pasi pepfungwa huru imwe neimwe, ronga pfungwa dzaunoda kuzotsigira nadzo pakukurukura. Nyora magwaro aunoda kuzoverenga. Zvakanakisisa ndezvokuverenga muBhaibheri pacharo. Nyorawo mifananidzo yaunoda kuzoshandisa. Ungavawo nemashoko akabva kumwewo akakodzera. Zvaunonyora ngazvisvike pakuva nezvinhu zvakananga zvokukurukura. Pepa rehurukuro richava nyore kushandisa kana richitaridzika zvakanaka.
Vamwe vanoshandisa mapepa ehurukuro asina zvakawanda. Pepa racho ringava nemashoko mashomanana anokosha, magwaro ayo mukurukuri achataura achibva mumusoro, mifananidzo yakanyorwa kana mapikicha zvichamuyeuchidza zvokutaura. Neaya mashoko ari nyore, mukurukuri anokwanisa kukurukura mashoko ake zvichitevedzana zvakarongeka uye achinzwika sokukurukurirana. Ndicho chinangwa chechidzidzo chino.
Pamapeji 39 kusvika ku42 ebhuku rino, uchawana panotaura nezve“Kugadzira Pepa Rehurukuro.” Zvichakubatsira kwazvo kuverenga mashoko iwayo paunenge uchishandira pachidzidzo ichi, “Kushandisa Pepa Rehurukuro.”
Mashandisirwo Epepa Rehurukuro. Zvisinei, chinangwa chako pano hachisi chokungogadzirira hurukuro yako kuva papepa rehurukuro. Chiri pakushandisa pepa racho zvinobudirira.
Chinhu chokutanga pakushandisa pepa rehurukuro kugadzirira kukurukura. Tarisa musoro mukuru, verenga imwe neimwe yepfungwa huru, uye zviudze kubatana kwakaita imwe neimwe yepfungwa huru idzodzo nomusoro mukuru. Ona kuti inguva yakawanda sei ingashandiswa papfungwa huru imwe neimwe. Zvino chidzokera kunodzidza pfungwa huru yokutanga. Dzokorora mashoko anotsigira, magwaro, mifananidzo, uye mienzaniso zvauri kuronga kushandisa kukurukura pfungwa huru iyoyo. Dzokorora mashoko acho kanoverengeka kusvikira chikamu ichocho chehurukuro yako chakujekera mupfungwa dzako. Ita izvozvo nepfungwa huru imwe neimwe. Funga nezvokuti ndezvipi zvaungasiya, kana zvakakodzera, kuti uzopedza nenguva. Zvadaro wodzokorora hurukuro yose. Fungisisa nezvepfungwa dzacho, kwete mashoko. Rega kudzidza hurukuro yacho nomusoro.
Paunokurukura hurukuro, unofanira kuramba uchionana nevateereri vako zvakanaka. Wapedza kuverenga rugwaro kazhinji unofanira kukwanisa kurutsanangura uchishandisa Bhaibheri rako asi usingadzokeri kunoverenga zvawakanyora. Zvakadarowo kana ukashandisa mufananidzo, utaure sezvawaizoita kushamwari dzako pane kuita zvokuverenga pane zvawakanyora. Sezvaunotaura, usatarise zvawakanyora kuti uone chirevo chimwe nechimwe. Taura zvichibva pamwoyo, ukadaro uchasvika pamwoyo yevaya vanokuteerera.
Kana wava kugona unyanzvi uhwu hwokutaura uchishandisa pepa rehurukuro, unenge waita danho rinokosha pakuva mukurukuri anobudirira.