CHIDZIDZO 17
Kushandisa Maikorofoni
HAMA nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzinopedza nguva yakawanda dzichipinda misangano yechiKristu uye ndozvadzinovavarira. Kana dzichizobatsirwa nezvinotaurwa, dzinofanira kunyatsonzwa.
Mumazuva evaIsraeri kare, pakanga pasina zvinowedzera inzwi zvemagetsi. Mosesi paakataura norudzi rwevaIsraeri paMapani eMoabhi vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, vanhu vose vaiteerera vaisvika mamiriyoni anoverengeka, vakakwanisa sei kunzwa? Zvichida Mosesi akashandisa vanhu vakanga vakadyarana pamadaro akafanira mumusasa wose vachidzokorora mashoko ake. (Dheut. 1:1; 31:1) Pangopera nguva pfupi vaIsraeri vatanga kukunda kwavo nyika yaiva kumadokero kweJodhani, Joshua akaunganidza rudzi rwacho pakatarisana neGomo reGerizimi nereEbhari, hapana mubvunzo kuti vaRevhi vakanga vari mubani raiaparadzanisa. Ipapo vanhu vose vakanzwa vakapindura zvikomborero nokutuka kwaMwari zvakataurwa kwavari. (Josh. 8:33-35) Zvinogona kuita kuti panguva iyiwo, vanhu vakadyarana vachidzokorora mashoko vakashandiswawo, asi hapana mubvunzo kuti maungira akanaka kwazvo enzvimbo yacho akabatsirawo.
Anenge makore 1 500 gare gare apo “boka guru zvikuru revanhu rakaungana” paGungwa reGarireya kuti vanzwe Jesu, akakwira muchikepe, akapinda mugungwa zvishomanana, ndokugara pasi kuti ataure neboka racho revanhu. (Mako 4:1, 2) Nei Jesu akataura ari muchikepe? Zviri pachena, pamusana pokuti inzwi romunhu rinonzwika zvakajeka pamusoro pemvura yakawanda yakagadzikana.
Kutozosvikira pakutanga kwezana remakore rechi20, kukwirira kwenzwi romunhu ari kutaura uye kujeka kwaro ndizvo zvaiwanzotema kuti vangani vaiteerera vaizonzwa zvataurwa. Zvisinei kutangira muma1920, vashumiri vaJehovha vakabatsirwa pakokorodzano dzavo nokukwanisa kuwedzerwa kwenzwi romunhu nezvinhu zvemagetsi.
Zvishandiso Zvinowedzera Inzwi. Zvinhu zvakadaro zvinogona kuwedzera inzwi romukurukuri asi unaku nematauriro omunhu wacho zvisingachinji. Mukurukuri haatarisirwi kurwadzisa huro yake. Vateereri havafaniri havo kutamburira kuti vanzwe zviri kutaurwa. Asi vanogona kufungisisa nezveshoko racho.
Zvakawanda zvakaitwa kuitira kuti pave nezvishandiso zvinowedzera inzwi zvakanaka pakokorodzano nepamagungano eZvapupu zvaJehovha. Uyezve, Dzimba dzoUmambo dzakawanda dzinoshandisa zvinowedzera inzwi kuti inzwi revaya vanopa hurukuro, vanoitisa misangano, kana kuti vanoverenga vari pachikuva. Uye dzimwe ungano dzine mamaikorofoni anoshandiswa nevateereri pakupindura panguva yemisangano. Kana ungano yenyu ine zvishandiso zvakadaro, dzidza kuzvishandisa zvakanaka.
Dzimwe Nhungamiro Dzinokosha. Kuti ushandise midziyo iyi zvakanaka, funga nezvezvinotevera: (1) Kazhinji maikorofoni inofanira kunge iri kure nomuromo wako nemasendimita 10 kusvika ku15. Kana maikorofoni yako iri pedyo kwazvo, mashoko ako haazobudi zvakanaka. Kana iri kure kwazvo inzwi rako rinenge risina kujeka. (2) Maikorofoni yacho inofanira kunge iri pamberi pako kwete padivi. Kana ukaendesa musoro wako kurudyi kana kuruboshwe, taura chete kana chiso chako chakatarira kumaikorofoni. (3) Iti wedzerei inzwi rako uye rine simba rinoti pfuurei zvawaizoita pakukurukurirana. Asi hapana chikonzero chokuzhambatata. Zvinowedzera inzwi izvi zvichaendesa inzwi rako kwakaperera vateereri zviri nyore. (4) Kana uchida kugadziridza pahuro kana kuti ukanzwa uchida kukosora kana kuti kuhetsura, taridza musoro wako kudivi remaikorofoni.
Paunenge Uchipa Hurukuro. Kana waenda pamberi pevanhu, kazhinji pane hama ichagadziridza maikorofoni. Mira wakasununguka wakatarira vateereri painenge ichiita izvozvo. Isa mapepa ako panoiswa mapepa nomukurukuri, uye iva nechokwadi chokuti maikorofoni haikutadzisi kuaona.
Paunotanga kutaura, teerera kuti inzwi rako rinonzwika sei sezvarinobuda rawedzerwa. Inzwi racho rakanyanyisa here, kana kuti mamwe manzwi ari kubuda achiita zvokuputika? Ungafanira kudzokera shure nemasendimita maviri nehafu kusvika kumashanu. Paunenge uchitarira zvawakanyora, yeuka kuti unofanira kutaura nokuverenga nguva yaunenge wakatarira maikorofoni kana kuti uri nechepamusoro payo zvishoma kwete pasi payo.
Pakuverenga Uri Pachikuva. Zvakanaka kubatira Bhaibheri rako kana rimwe bhukuwo zvaro nechepamusoro kuitira kuti chiso chako chinge chakatarira vateereri. Sezvo maikorofoni inenge iri pamberi pako chaipo, pamwe ungafanira kubatira chauri kuverenga nechepadivi. Izvi zvinoreva kuti musoro wako unofanira kuti rerekerei kune rimwe divi remaikorofoni. Zvadaro, paunoverenga, inzwi rako richapinda mumaikorofoni zvakananga.
Hama dzakawanda dzinoverenga paChidzidzo cheNharireyomurindi dzinomira dzotaurira mumaikorofoni zvakananga. Nzvimbo iyi inoita kuti dzifeme zvakasununguka uye dziverenge dzichinyatsobudisa zvazviri. Ziva kuti kuverenga ndima chikamu chikuru chomusangano wacho. Kubatsirwa kunoita vateereri kunotemwa zvikurukuru nokunzwa mashoko ari kuverengwa.
Pakupindura Pamusangano. Kana ungano yenyu ichishandisa maikorofoni pakupindura kwevateereri, ziva kuti pachine kudikanwa kwokutaura zvakajeka uye nenzwi roukuru hwakakwana. Paunenge uchipindura, edza kubata bhuku ramuri kudzidza kana kuti Bhaibheri rako muruoko rwako. Izvi zvichakuita kuti uone mashoko acho zvakajeka paunenge uchitaura wakanangana nemaikorofoni.
Mune dzimwe ungano hama dzinopiwa basa rokuendesa maikorofoni kune vanenge vanzi vapindure. Kana zviri izvo zvamunoita muungano yenyu, kana wanzi upindure, ramba wakasimudza ruoko rwako kuitira kuti hama iri kufambisa maikorofoni ione paugere yosvika nokukurumidza. Kana maikorofoni yacho iri iya yokubata mumaoko, gadzirira kuitambira. Usatange kupindura kusvikira maikorofoni yava pakakodzera. Kana wapedza kupindura, dzorera maikorofoni nokukurumidza.
Pakuita Muenzaniso. Kushandisa maikorofoni pamuenzaniso kunoda kufanofunga chaiko. Kana maikorofoni yacho iri yakazvimirira, maoko ako anenge akasununguka kuti ukwanise kubata Bhaibheri rako nezvawakanyora. Kushandisa maikorofoni yokubata muruoko kungakupa rusununguko rukuru rwokusharanganya, asi ungafanira kuronga kuti mumwe wako akubatire. Zvikadaro maoko ako anenge akasununguka kuti abate Bhaibheri rako. Iwe nasaimba wako munofanira kudzidzira izvi kuitira kuti azive kunyatsoibata. Yeukawo kuti kana uri pachikuva, haufaniri kupira gotsi vateereri, zvikurukuru paunenge uchitaura.
Pamienzaniso yepaMusangano Webasa pangava nevanhu vakati wandei, uye vangava vachifamba-famba pachikuva. Saka pangadiwa mamaikorofoni anoverengeka. Iwaya anofanira kufanoiswa pamberi, kana kuti kupiwa vari kuenzanisira pavanouya pachikuva. Kuva nechokwadi chokuti mamaikorofoni ari munzvimbo yakanaka panguva yakafanira zvinoda kufanoronga. Kudzokorora mienzanisiro isati yaitwa kunopa mukana wokudzidzisa vari kuiita kushandisa mamaikorofoni kwakanaka. Kana kudzokorora kukasaitirwa pachikuva, zvingava zvakanaka kuti vari kuenzanisira vacho vabate chimwe chinhu chakakura semaikorofoni kuti vadzidzire kuibata iri panzvimbo yakakodzera. Kana mienzanisiro yapera vanga vachiiita vanofanira kuisa maikorofoni pasi zvinyoro-nyoro, uye vachingwarira kuti havapingirishwi netambo dzemamwe mamaikorofoni sezvavanobva pachikuva.
Kuchenjerera kwedu kushandisa mamaikorofoni kune chokuita zvakananga nechinangwa chikuru chemisangano yedu, chiri chokubatsirana nokukurukura kwedu Shoko raMwari. (VaH. 10:24, 25) Kana tikadzidza kushandisa mamaikorofoni zvakanaka, isu pachedu tinobatsirawo pachinangwa ichi chinokosha.