RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 8 p. 107-p. 110 ndim. 2
  • Inzwi Rakakodzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Inzwi Rakakodzera
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Inzwi uye Kutindika
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kusiyanisa Inzwi
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kusiyanisa Inzwi
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 8 p. 107-p. 110 ndim. 2

CHIDZIDZO 8

Inzwi Rakakodzera

Unofanira kuitei?

Taura zvinonzwika zvakaringanira kana kuti nesimba renzwi. Pakusarudza inzwi rakakodzera, funga (1) nezvouwandu uye kuti ndivanaani vari kuteerera, (2) ruzha runovhiringidza, (3) mashoko ari kukurukurwa, uye (4) chinangwa chako..

Nei richikosha?

Pfungwa dzevamwe dzingadzungaira kana vasingakunzwi zviri nyore, uye mashoko aunokurukura angasava akajeka kwavari. Kana ukanyanyoshamarara, vanhu vangazvinzwa zvichishatirisa—kana kuti kunzwa sevari kutozvidzwa.

KANA mukurukuri wavose asina inzwi rinodikanwa, vamwe vari kuteerera vangatanga kutsimwaira. Kana muparidzi achitaura akapora kwazvo muushumiri hwomumunda, muridzi womusha angasava neshungu dzokuteerera. Uye pamisangano kana mhinduro dzinopiwa nevateereri dzikasataurwa nenzwi rakakodzera, varipo havazopiwi kurudziro inodiwa. (VaH. 10:24, 25) Asi kana mukurukuri akawedzerawo inzwi rake panguva isina kufanira, vateereri vangasanzwa zvakanaka—zvingatovasembura.—Zvir. 27:14.

Funga Nezvevateereri Vako. Uri kutaurira ani? munhu mumwe chete here? boka remhuri here? boka duku riri kusangana nokuda kwebasa romumunda here? kuungano yose here? kana kuti pakokorodzano huru? Zviri pachena kuti inzwi rakakodzera pane imwe nzvimbo ringasakodzera pane imwe.

Panguva dzakasiyana-siyana, vashumiri vaMwari vakataura pane vateereri vakawanda. Pakakumikidzwa temberi muJerusarema mumazuva aSoromoni, pakanga pasina zvinowedzera kunzwika kwenzwi. Saka Soromoni akamira pakakwirira akakomborera vanhu “nenzwi guru.” (1 Madz. 8:55; 2 Mak. 6:13) Mazana emakore gare gare, mudzimu mutsvene wadururwa paPendekosti ya33 C.E., vanhu vazhinji-zhinji—vamwe vaifarira, vamwe vachiseka—vakaunganira boka duku revaKristu vaiva muJerusarema. Achiratidza uchenjeri hunoshanda, Petro “akamira . . . akadanidzira.” (Mab. 2:14) Uchapupu hune simba hwakapiwa.

Ungaziva sei kana inzwi rauri kushandisa rakakodzera paunenge uri? Zvinoita vateereri ndicho chimwe chinhu chakanakisisa chokuyera nacho. Kana ukaona kuti vamwe vari kuteerera vari kutamburira kuti vanzwe, unofanira kuedza kugadzirisa inzwi rako.

Tingave tiri kutaura nomunhu mumwe chete kana kuti neboka revanhu, kuchenjera kufunga kuti ndivanaani varipo. Kana mumwe munhu asinganyatsonzwi, ungada kuwedzera inzwi rako. Asi kushevedzeresa hakukuiti kuti uyemurwe nevanhu vanononoka pamusana pezera. Kungatoonekwa sechiratidzo chokushaya unhu. Mune dzimwe tsika, kunyanyoshevedzera kunoonekwa sechiratidzo chokuti munhu ashatirwa kana kuti haana kudzikama.

Funga Nezvoruzha Runovhiringidza. Paunenge uri mubasa roushumiri, ichokwadi kuti mamiriro ezvinhu aunotarisana nawo anochinja inzwi rinodikanwa kuti upupurire. Ungafanira kukwikwidzana noruzha rwemotokari, vana vane ruzha, imbwa dziri kuhukura, mumhanzi uri kudandaura, kana kuti terevhizheni iri kuita ruzha. Uyewo kune nzvimbo dzine dzimba dzakabatana, zvinganyadzisa muridzi wemba kana ukashamarara zvokuti vavakidzani vanotanga kuzvinzwa.

Hama dzinokurukura paungano kana kuti pakokorodzano dzinofanira kutarisana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Kutaura nevanhu vari panze kwakasiyana nokukurukura hurukuro muhoro ine madziro anoita kuti inzwi ribude zvakanaka. MuLatin America mamishinari maviri akabatsirana kukurukura hurukuro pavheranda reimba yomunhu aifarira, panguva iyoyo paiva nezvinoputika zvokupemberera kwaiitwa musika waiva pedyo uyezve jongwe raingoramba richikukuridza pedyo naipapo!

Pakati pehurukuro chimwe chinhu chingaitika chingada kuti umbomira kusvikira chiri kuvhiringidza chapera kana kuti wowedzera inzwi. Somuenzaniso, kana musangano uchiitirwa muchivako chine denga remarata, dzvotsvotsvo remvura inongoerekana yauya ringaita kuti vateereri vatadze kunzwa. Mwana ari kuchema kana kuti kuvhiringidzika kunokonzerwa nevanononoka kuchakonzera chinetso. Dzidza kugadziridza kuti vateereri vako vabatsirwe zvakazara nemashoko auri kukurukura nyangwe pane zvinotsausa.

Midziyo inowedzera inzwi ichabatsira kana iripo, asi haitsivi kudikanwa kwenzwi rinowedzerwa nomukurukuri apo mamiriro ezvinhu anoda kudaro. Mune dzimwe nzvimbo uko magetsi anodzima kakawanda, vakurukuri vanofanira kupfuurira nehurukuro yavo pasina maikorofoni.

Funga Nezvemashoko ari Kukurukurwa. Rudzi rwemashoko ari muhurukuro yako anobatsirawo kusarudza inzwi rinodiwa. Kana nhau yacho ichida simba, usarerutse hurukuro yacho nokutaura wakapora. Somuenzaniso, kana uchiverenga mashoko okupa mhosva muMagwaro, inzwi rako rinofanira kuva nesimba kupfuura paunenge uchiverenga zano rokuratidza rudo. Wiriranisa inzwi rako nemashoko, asi chenjerera kuti usazviita nenzira inoita kuti vanhu vangofunga nezvako.

Funga Nezvechinangwa Chako. Kana uchida kumutsa mwoyo yevateereri vako kuti vaite basa nomwoyo wose, ungada kushandisa inzwi rakati simbei. Kana uchida kuchinja mafungiro avo, usavadzinga nokunyanyoshamarara. Kana uchivavarira kunyaradza, inzwi rakapfava rinowanzova nani.

Kushandisa Inzwi Rakakwirira Zvinobudirira. Kana uchiedza kuita kuti mumwe munhu ane zvaari kuita ateerere, inzwi rakati kwirirei rinowanzobatsira. Vabereki vanoziva izvozvi, saka vanoti kwidzei inzwi ravo vachishevedza vana vavo kana yava nguva yokuti vauye mumba kubva kunotamba. Inzwi rakati kwirirei ringadiwawo kana sachigaro achida kuti vanhu vagare pasi pamusangano weungano kana kuti pagungano. Vaparidzi pavanenge vari mubasa roushumiri, vangashevedzera kwaziso sezvavanosvika pedyo nevanhu vari kushanda kunze.

Kunyange kana mumwe munhu aratidza kuti ave kuteerera, zvinokosha kuramba uchishandisa inzwi rakaringanira. Kutaurira mudumbu kungaita kuti zvionekwe sokuti mukurukuri haana kugadzirira kana kuti haana chokwadi nezvaari kutaura.

Kana kuri kurayira, kukwidza inzwi kungaita kuti vanhu vaite chiito. (Mab. 14:9, 10) Uyewo kurayira uchishevedzera kungadzivisa ngozi. MuFiripi murindi wejeri akanga oda kuzviuraya nokuti aifunga kuti vasungwa vake vakanga vatiza. “Pauro akadanidzira nenzwi guru, achiti: ‘Usazvikuvadza, nokuti tose tiri muno!’” Izvi zvakaita kuti munhu arege kuzviuraya. Pauro naSirasi vakapupurira murindi wejeri neimba yake, ivo vose vakagamuchira chokwadi.—Mab. 16:27-33.

Mavandudziro Aungaita Inzwi Rako. Vamwe vanofanira kuedza kupfuura vamwe kuti vadzidze kushandisa inzwi rakakodzera. Munhu angataura nenzwi risina kuringanira zvakakwana pamusana pokuti inzwi rake ragara riri duku. Asi nokuedza, kuvandudzika kungavapo, kunyange zvazvo angave achiri kutaura zvakapfava. Fungawo nezvokufema uye mamiriro ako. Dzidzira kugara uye kumira wakatwasuka. Mapendekete ako ngaadzokere shure wofema uchikweva mhepo kwazvo. Iva nechokwadi chokuti uri kuzadza mapapu ako nechepasi. Mhepo iyoyo, ndiyo inoita kuti udzore inzwi rako pakutaura kana ikadzorwa zvakanaka.

Vamwe vane chinetso chokuti vanoshamarara kwazvo pakutaura. Pamwe vakatanga kudaro pamusana pokushanda kunze kana kuti munzvimbo dzine ruzha. Zvimwe vangave vakakurira munzvimbo umo munhu wose anotaura achishevedzera uye kune zvinovhiringidza zvakawanda. Saka vanoguma vofunga kuti, kuti vanzwiwe, vanofanira kushevedzera kupfuura vamwe. Sezvavanofambira mberi mukuteerera zano reBhaibheri rokupfeka “rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu,” vachagadzirisa kukwirira kwenzwi ravanoshandisa pavanokurukura nevamwe.—VaK. 3:12.

Kugadzirira zvakanaka, ruzivo runobva pakugara tichiita basa romumunda, uye kunyengetera kuna Jehovha zvichakubatsira kutaura nenzwi rakakodzera. Ungave uchitaura uri pachikuva kana kuti kumunhu mumwe chete mubasa romumunda, edza kuisa pfungwa dzako pakuti munhu wacho angabatsirwa sei nokunzwa zvauri kutaura.—Zvir. 18:21.

APO INZWI RAKAKWIRIRA RINGADIWA

  • Kuti ubate pfungwa dzeboka guru revanhu.

  • Kuti zvinovhiringidza zvisatore pfungwa dzevateereri vako.

  • Kuti uteererwe paunenge uchitaura chimwe chinhu chinokosha kwazvo.

  • Kuti ukurudzire kuita chiito.

  • Kuti uteererwe nomumwe munhu kana kuti boka revanhu.

MAVANDUDZIRO AUNGAITA

  • Nyatsotarisa zvinoita vauri kutaurira; shandisa inzwi rakakodzera kuti vanzwe zvakanaka.

  • Dzidza kuzadza mapapu ako nechepasi paunofema.

BASA ROKUITA: Tanga waverenga Mabasa 19:23-41 chinyararire. Nzwisisa zviri kuitika sezvinoonekwa murondedzero yacho uye mamwe mashoko. Ona kuti ndiani ari kutaura uye unhu huri kuratidzwa. Zvadaro chiverenga zvinonzwika nenzwi rakakodzera chikamu chimwe nechimwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe