RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 14 pp. 69-73
  • Vanongwarira Pakutaura Bva Vakasimba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanongwarira Pakutaura Bva Vakasimba
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchenjerera asi Wakatsiga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kudzidza Unyanzvi Hwokuva Anongwarira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Zvatingaita Kuti Tisvike Pamwoyo Yevatinodzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • “Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 14 pp. 69-73

Fundo 14

Vanongwarira Pakutaura Bva Vakasimba

1. Nei tichifanira kukudziridza kungwarira pakutaura?

1 Apo Jesu akatuma vadzidzi vake kundoparidza, akajekesa kuti ivo vaifanira kuratidza ungwaru mune zvavaitaura nokuita. Kunyange zvazvo iye akapikira kuti aizova navo, vaisafanira kuita nenzira yaizoparira zvinetso zvisiri madikanwa. (Mat. 10:16) Kunyange pakati pavo vamene, vaKristu vanofanira kushandisa ungwaru mukutaura kwavo uye zviito kuti vagorega kukuvadzana nenzira yokusafunga. (Zvir. 12:8, 18) Naizvozvo pane dikanwo yokusakurira kungwarira pakutaura.

2. Kungwarira pakutaura kunorevei?

2 Kungwarira pakutaura kunorondedzerwa so“kunzwisiswa kwechakakodzera kutaura kana kuti kuita mukubata navamwe,” uye “kukwanisa kubata navamwe pasina kugumbura.” Kuva anongwarira pakutaura kunoreva kuva ane nyasha zvakakwana mukutaura nokuita kuti uite kuti vamwe vagorega kugumburwa. Hatidi kugumbura kupfurikidza nomutoo watinotaura nawo nokuita zvinhu. Zvisinei, ikoku hakusati kuchireva kuti hatisati tichizotongogumbura vamwe kupfurikidza nezvatinotaura kana kuti nezvatinoita, nemhaka yokuti shoko reBhaibheri rimene rinogumbusa kuna vamwe. (VaR. 9:33; 2 VaK. 2:15, 16) Nokudaro, nepo tiri vanongwarira mutsika, takasimbawo nokuda kwechokwadi chaMwari.

3. Tsanangura kuti zvibereko zvomudzimu hwaro hwokungwarira pakutaura sei.

3 Muupenyu hwedu hwezuva riri rose hakuna kuoma kuva tinongwarira pakutaura kana tichiratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari. Zvibereko izvozvo ndihwo hwaro, kana kuti nheyo, yokungwarira pakutaura. (VaG. 5:22, 23) Somuenzaniso, munhu anosundwa norudo haadi kushatirisa vamwe, asi anoshuva zvapachokwadi kuvabetsera. Munhu anoratidzira mutsa achava munyoro mukuita kwake zvinhu. Uye munhu akakudziridza kuzvidzora ndokuramba akaterama mumamirire ezvinhu anotambudza sezvingabvira zvikuru achaita kuti mumwe munhu ave nomurangariro wake. Munhu asingatani kutsamwa kana kuti ane hasha, pane rumwe rutivi, sezvingabvira angataura zvinhu nenzira yakashata uye kupfurikidza nomutoo iwoyo achimutsa chishoro chaavo anotaura kwavari. (Zvir. 15:18) Kutaura kwedu uye zviito zvedu zvinofanira kuva zvichakwezva ndangariro dzine mufungo, kwete kudzidzivisa.

4-8. (a) Tinogona sei kuratidza kungwarira pakutaura muushumiri hwedu hwapaimba neimba? (b) Kungwarira pakutaura kunoda kubvumirana pane zvisina kufanira here? Kunobatanidzei?

4 Kushandisa kungwarira pakutaura muushumiri hwomumunda. Muushumiri hwapaimba neimba, unogona kuratidza kungwarira pakutaura kupfurikidza nokutanga kurukurirano yako nenhau idzo saimba anofarira uchiratidza kuti Umambo hwaMwari huchagovera sei mhinduro. Ita kuti munhu wacho ade kururama, kurangarira uye kushuva zvinhu zviri nani. Kunyomba kana kuti kupa mhosva mirangariro yake yorudzidziso kuchavhara bedzi ndangariro yake. Naizvozvo, panzvimbo pokutaura pamusoro penhau dzinomutsa nharo, chinjira kuzvinhu izvo vanhu vanowanzogamuchira sezvakarurama. Kana kuri madikanwa kupfuurira kuchimwe chinhu chinomutsa nharo zvikuru, tanga wawana murangariro wokubvumirana nasaimba ndokusimbisa bvumirano iyeyo. Kana uchigona kuroverera mundangariro yasaimba zvokwadi dzinonyandura tariro dzoUmambo uye zvikomborero zvahwo, dzimwe nhau munguva yakafanira dzicharuramiswa sezvo munhu wacho anosvika pakunzwisisa mutsa usakafanirwa waMwari.

5 Munhu anongwarira pakutaura anoita nhamburiko iri yose kukurudzira munhu waari kutaura naye kupinda mukurukurirano ndokuzivisa mirangariro yake. Pauro akaedza kufunga nomurangariro waavo aipupura kwavari, nokudaro achikwanisa zviri nani kushandisa zvibvumikiso zvine simba zvinotsigira mashoko akanaka. (1 VaK. 9:20-22) Tinofanira kuita zvimwe chetezvo. Kunzwira ngoni mamirire ezvinhu avamwe vanhu, chikonzero nei vari zvavari, chikonzero nei vachidavira uye vachitaura sezvavanoita, zvichabetsera munhu kubata navo nenzira yokungwarira pakutaura, netsitsi. Kungava kuti mamirire ezvinhu akasiyana muupenyu, ruzivo rwokuzviwanira rwakasiyana, kana kuti kuvimba nechiremera chakasiyana zvinoparira mafungire avo. Kana wangova bedzi nechinoratidza kufunga kwomumwe munhu, unogona kutopinda mumharidzo yako yamashoko akanaka nenzira yakanaka panzvimbo pokugumbura zvisiri madikanwa nemhaka yokusaziva mafungire omumwe munhu uye zvikonzero zvake zvokufunga nenzira iyoyo.

6 Kurangarira murangariro womumwe munhu hakusati kuchireva kubvumiraniswa pane zvisina kufanira kwechiri chakarurama. Kungwarira pakutaura hakusati kuri kukanganiswa kwamaidi. Nguva dzose panofanira kuva nokuomerera kwakasimba pachakarurama. Zvikasadaro munhu angawana kuti panzvimbo pokuva anongwarira pakutaura iye ari kubvumiranisa chokwadi pane zvisina kufanira. Angawana kuti anosundwa nokutya munhu panzvimbo pokuda kururama. Bva, nepo kungwarira pakutaura kusingabatanidzi kubvumiranisa chokwadi pane zvisina kufanira, kunobatanidza kuziva nguva, ndiko kuti, kuziva nguva yakarurama yokupa mashoko akati. Pane dzimwe nguva kungwarira pakutaura kungofuratira bedzi chimwe chinhu chinotaurwa. Kungava kwakanakisisa kusiyira zvinhu zvakati nguva inotevera, kutozosvikira munhu wacho agadzirira nokuda kwazvo. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.” (Joh. 16:12) Naizvozvo nepo tingasabvumirana nomunhu watiri kutaura naye, hatisati tichionesa pakare pakarepo mufungo uri wose usina kururama. Kana tikadaro, kungangobatira bedzi kupfiga ndangariro yake ndokudzivisa imwe kurukurirano.

7 Apo saimba, mukurukurirano, anobudisa zvinhu zvizhinji zvinobva muBhaibheri zvaanotaura kuti hazvina kururama, kwakaoma munguva pfupi kuramba nenzira yokungwarira pakutaura chirambidzo chiri chose. Kazhinji kazhinji kwakanakisisa kungofuratira bedzi zvizhinjisa zvazvo ndokukurukura bedzi zvine chokuita nenhau yakati iri kurangarirwa. Kana kuti saimba angaedza kukukwevera muzvibvumikiso zvenyika. Nenzira yokungwarira pakutaura dzivisa kubatanidzwa, uchipa mhinduro yeBhaibheri yezvinetso zvakadaro zvenyika. Neiyi nzira uchatevedzera muenzaniso waJesu.—Mat. 22:15-22.

8 Pakusangana nasaimba akashatirwa, iva anongwarira pakutaura bva akasimba. Rega kubvumiranisa chokwadi pane zvisina kufanira kungoedza bedzi kumuteramisa. Panzvimbo pezvo, edza kunzwisisa chikonzero nei achinzwa sezvaari kuita, zvichida uchitomubvunza chikonzero nei aine murangariro iwoyo. Kana akatsinhira, ungataurawo kuti, iwe ungada kumuzivisa pamusoro pokuti chikonzero nei iwe uchinzwa nenzira yaunonzwa nayo. Asi pasinei zvapo nokuti unokwanisa kusvika kure sei nekurukurirano yacho, kungwarira pakutaura kuchawana migumisiro yakanakisisa. Yeuka zano riri pana Zvirevo 15:1 rinoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” Zvisinei, kana vamwe vanhu vachizviratidza kuva vasina mufungo, ipapo kwakanakisisa zvikuru kungobvapo.—Mat. 7:6.

9, 10. Kungwarira pakutaura kunodikanwa here pakubata nehama dzedu dzechiKristu?

9 Kungwarira pakutaura nehama dzechiKristu. Hatisati tichingofanira bedzi kusakurira kungwarira pakutaura mukubata naavo vasingazivi Jehovha, asi kunodikanwawo pakubata nehama dzedu dzomudzimu. Padzimwe nguva hama nehanzvadzi dzinongwarira zvikuru pakutaura muushumiri hwomumunda dzingakanganwa kudikanwa kwokungwarira pakutaura muukama hwavo nehama. Unyoro mukutaura nezviito hunokosha mukati mesangano raJehovha nokuda kwokuvaka mudzimu worudo nechinzwano nokuva noukama hwakanaka hwezuva riri rose. Pauro akati: “Ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.”—VaG. 6:10.

10 Tinofarira hama dzedu, zvikurukuru fariro dzadzo dzomudzimu, nemhaka yokuti tose tiri musangano raJehovha. (VaF. 2:2, 4) Zvisinei, munhu anongwarira pakutaura anonzwisisa kuti nepo achifarira hama dzake haafaniri kupindira munhau dzavo dzomunhu oga, zvichida achibvunza mibvunzo inokwenudza iyo iye asingafaniri kubvunza. Kungwarira pakutaura kuchatibetsera kudzivisa kuva a“singaregi zvavamwe.”—1 Pet. 4:15.

11. Magwaro anoratidzira sei kudikanwa kwokungwarira pakutaura kuvakuru vari muungano?

11 Kungwarira pakutaura kunokosha zvikuru nokuda kwavakuru vanobata nezvinetso muungano. Apo muapostora Pauro akapa Timotio mirayiridzo pamusoro penzira yokubata nayo navasingadzoreki muungano yechiKristu, iye akasimbisa kudikanwa kwokuva munyoro uye ane mutsa, achiti: “Muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, . . . unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, unodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe . . . vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiyabhorosi.” (2 Tim. 2:24-26) Nenzira yakafanana muapostora akapa zano kushandisa “mwoyo wounyoro” pakusvika hama yakaita nhano isina kururama isati yaziva nezvayo. (VaG. 6:1) Mukupa zano vakadaro vakuru vanofanira kuva vanongwarira pakutaura, asi panguva imwe cheteyo vakasimba nokuda kwenheyo dzokururama.

12, 13. Nei kungwarira pakutaura kuchikosha mukati memisha yedu?

12 Kungwarira kwedu pakutaura mukubata navamwe kunofanira kubatanidza avo vari mukati meboka remhuri. Hapana chikonzero chokuva vanovirima kana kuti vasina mutsa kuna vanhu vari mukati memhuri nemhaka yokuti tinosanovaziva. Ivowo vanofanirwa nokubatwa navo nenzira yokungwarira pakutaura. Vachadzingwa namashoko okuvirima, okunyomba kana kuti ehasha. Uye kana mimwe mitezo yemhuri isati iri vabatiri vaJehovha, ikoko kunoreva here kuti tinogona kurega kungwarira pakutaura apo tinenge tichitaura navo? Nyangwe napaduku pose zvapo, nokuti kungwarira pakutaura mukubata navasingatendi kungaguma nokugamuchira kwavo kunamata kwechokwadi rimwe zuva.—1 Pet. 3:1, 2.

13 Kushandiswa kwokungwarira pakutaura kwoubati ushe hwaMwari kunobereka zvibereko zvakawanda zvakanaka tingave tiri kubata nevokunze, hama dzomudzimu nehanzvadzi, kana kuti mhuri dzedu timene. Kunofadza munzwi, sokuratidza kunoita Zvirevo 16:24: “Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.” Nepazvinobvira napo pose, ipapoka, sakurira kungwarira pakutaura, kunosundwa nechishuvo chakasimba chokubetsera munhu ari wose waunosangana naye.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe