Zvatingaita Kuti Tisvike Pamwoyo Yevatinodzidzisa
1. Zvaidzidziswa naJesu zvaiva nesimba rakadii?
1 Jesu Kristu aitaura zvinosvika pamwoyo yevaimuteerera. Pane imwe nguva Jesu akatsanangurira vadzidzi vake Magwaro zvakajeka, zvikaita kuti mwoyo yavo ‘itsve.’ (Ruka 24:32) Sezvo munhu achifanira kuteerera Mwari zvichibva pamwoyo, tingabatsira sei vaya vatinodzidzisa kuti vave nechido chekukurumidza kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo?—VaR. 6:17.
2. Kungwarira uye kunzwisisa zvinotibatsira sei kusvika pamwoyo wemudzidzi?
2 Ngwarira Zvaunotaura Nezvaunoita Uye Ratidza Kuti Unonzwisisa: Vanhu vakawanda havachinji mafungiro avo nekuti vangoudzwa kuti zvakanaka ndezvipi. Kuvaverengera ndandanda yemagwaro tichida kuvaratidza kuti zvavanotenda hazvisi zvechokwadi kungatoita kuti vasafarire. Kuti tikurudzire munhu kuchinja, tinofanira kutanga tanzwisisa kuti nei achitenda zvaanotenda uye achiita zvaanoita. Mibvunzo yakasarudzwa zvakanaka uye inobvunzwa nekungwarira ichabatsira mudzidzi kuti ataure zviri kutsi kwemwoyo wake. (Zvir. 20:5) Izvozvo ndizvo zvichaita kuti tikwanise kusarudza magwaro akakodzera kubva muShoko raMwari angasvika pamwoyo wake. Nokudaro, zvinokosha kuti tiratidze kunyatsomufarira uye mwoyo murefu. (Zvir. 25:15) Yeuka kuti vamwe vanhu vanofambira mberi nekukurumidza asi vamwe vanoti nonokei. Saka ratidza mwoyo murefu uchimirira kuti mudzimu waJehovha uchinje mafungiro nemaitiro ake.—Mako 4:26-29.
3. Tingabatsira sei vadzidzi vedu kuti vave neunhu hwakanaka?
3 Vabatsire Kuti Vave Neunhu Hwakanaka: Nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kunaka kwaJehovha uye rudo rwake dzinogona kubatsira vaya vatinodzidza navo kuti vave neunhu hwakanaka. Tinogona kushandisa magwaro akadai saPisarema 139:1-4 kana kuti Ruka 12:6, 7 kuratidza kuti Mwari ane hanya nesu semunhu mumwe nemumwe. Kana vanhu vakanyatsoratidza kuti vanotenda mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha, vachawedzera kumuda uye kuzvipira kwaari. (VaR. 5:6-8; 1 Joh. 4:19) Uyewo, kuziva kuti zvavanoita zvinogona kuita kuti Jehovha afare kana kuti arwadziwe, kunogona kuvaita kuti vade kuita zvinhu zvinomufadza uye zvinomukudza.—Pis. 78:40, 41; Zvir. 23:15.
4. Patinenge tichidzidzisa munhu, tingaratidza sei kuti tinoremekedza kodzero yake yekusarudza zvaanoda?
4 Jehovha haana munhu waanomanikidza kuti ateerere mirayiro yake. Asi anoita kuti vanhu vade kumuteerera nekuvaratidza zvakanakira mazano ake. (Isa. 48:17, 18) Tinotevedzera Jehovha patinoita kuti vatinenge tichidzidzisa vazvionere vega kuti chokwadi ndechipi. Kana vanhu vakazvionera vega kuti vanofanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo, vanobva vachinja zvepachokwadi. (VaR. 12:2) Zvinovaswededzawo pedyo naJehovha, “muongorori wemwoyo.”—Zvir. 17:3.