CHIDZIDZO 33
Kuchenjerera asi Wakatsiga
KUCHENJERERA mano okushanda nevanhu usingavagumburi zvisina nebasa rose. Kunosanganisira kuziva mataurirwo ezvinhu uye nguva yokuzvitaura. Izvi hazvirevi kubvumirana nezvisizvo kana kuti kukanganisa zvinhu zvechokwadi. Kuchenjerera hakufaniri kuonekwa sokutya munhu.—Zvir. 29:25.
Zvibereko zvomudzimu zvinopa pokutangira pakanakisisa pokuva anochenjerera. Saka munhu anokurudzirwa norudo haadi kugumbura vamwe, anoda kuvabatsira. Munhu ane mutsa uye munyoro akapfava mukuita kwake zvinhu. Munhu anoda rugare anotsvaka nzira dzokuva norugare nevamwe. Kunyange kana vanhu vane hasha pane zvavanoita, munhu ane mwoyo murefu anoramba akadzikama.—VaG. 5:22, 23.
Zvisinei nokuti shoko reBhaibheri rinotaurwa sei, vamwe vanhu vanogumburwa naro. Pamusana pokuipa kwemwoyo yevoruzhinji vevaJudha vomuzana remakore rokutanga, Jesu Kristu akava “dombo rokugumbura uye ruware rwemhosva” kwavari. (1 Pet. 2:7, 8) Maererano nebasa rake rokuzivisa Umambo, Jesu akati: “Ndakauya kuzotanga moto pasi pano.” (Ruka 12:49) Uye shoko roUmambo hwaJehovha, rinosanganisira kudikanwa kwokuti vanhu vazive uchangamire hwoMusiki wavo, rinoramba riri nhau yokukurumidzira yakatarisana nevanhu. Vanhu vazhinji vanogumburwa neshoko rokuti Umambo hwaMwari huchabvisa nyika yakaipa iripo zvino nokukurumidza. Asi pamusana pokuti tinoteerera Mwari, tinoramba tichiparidza. Zvisinei, patinenge tichidaro tinoramba tichiyeuka zano reBhaibheri rokuti: “Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”—VaR. 12:18.
Kuchenjerera Pakupupurira. Tinotaura nevamwe nezvokutenda kwedu pamikana yakawanda. Ichokwadi kuti tinodaro patinenge tiri muushumiri hwomumunda, asi tinotsvakawo mikana yakakodzera patinenge tine hama dzedu, vatinoshanda navo, uye vatinodzidza navo kuchikoro. Mumamiriro ezvinhu ose aya, kuchenjerera kunodikanwa.
Kana tikataura mashoko oUmambo nenzira inoita kuti vamwe vanzwe sokuti tiri kuvadzidzisa, vangasazvifarira. Kana vasina kukumbira kubatsirwa uye vachifunga kuti havadi kubatsirwa, vangagumbuka pachero chinhu chose chinongoratidza sokuti vari kuda kururamiswa. Tingaita sei kuti vasafunge zvisiri izvo? Kudzidza unyanzvi hwokukurukurirana noushamwari kunogona kubatsira.
Edza kutanga kukurukurirana nokutanga kutaura nyaya inofadza munhu wacho. Kana munhu iyeye ari hama yako, waunoshanda naye, kana kuti shamwari yaunodzidza nayo kuchikoro, ungave uchitoziva zvinomufadza. Kunyange kana usati wambosangana nomunhu iyeye, ungataura chimwe chinhu chawakanzwa kana kuverenga mupepanhau kana kuti mumusha imomo. Nyaya dzakadaro kazhinji dzinoratidza zviri kufungwa nevanhu vazhinji. Paunenge uchishanda paimba neimba, tarisisa. Kushongedzwa kwakaitwa pamba pacho, zvinotambiswa nevana zviri pachivanze, zvinhu zvechitendero, zvakanamirwa pamotokari iripo zvingaratidzawo zvinofarirwa nasaimba. Kana saimba auya pasuo, teerera sezvaanotaura. Zvaanotaura zvichatsigira kana kuti kururamisa zvawanga wafunga nezvezvaanofarira nemaonero ake uye zvichakuratidzazve zvaunofanira kutaura kuti upupurire.
Kukurukura zvakunowedzera, tauriranai zviri muBhaibheri nezviri mumabhuku ezviri muBhaibheri zvine chokuita nenhau yacho. Asi rega kuva ndiwe woga unonyanya kutaura. (Mup. 3:7) Ita kuti saimba wako ataurewo, kana achida kutaura. Farira maonero ake zvinhu uye zvaanofunga. Izvi zvingakupa mazano aunoda kuti uve anochenjerera.
Usati wataura chinhu, funga kuti munhu wacho achazviona sei. Zvirevo 12:8 inorumbidza “uchenjeri.” Shoko rechiHebheru rinoshandiswa pano rinoiswa muboka rimwe nounhu hwakadai senzwisiso, uye ungwaru. Saka uchenjeri hunosanganisira kuzvidzora kwokungwaririra pakutaura pamusana pokunyatsofungisisa nyaya kuti uzoita nouchenjeri. Ndima 18 yechitsauko ichocho chaZvirevo inonyevera kuti ku“taura nokusarangarira zvinobaya somunondo.” Zvinobvira kutsigira chokwadi cheBhaibheri tisingagumburi.
Kungoratidza kunzwisisa pakusarudza mashoko kungakubatsira kusazvimutsira chipinganidzo. Kana kushandiswa kweshoko rokuti “Bhaibheri” chiri chipinganidzo, ungashandisa mashoko akadai sokuti “zvinyorwa zvitsvene” kana kuti “bhuku rava kubudiswa mumitauro inopfuura 2 000.” Kana ukataura nezveBhaibheri, ungabvunza munhu wacho zvaanofunga nezvaro, zvadaro ramba uchifunga nezvemhinduro yake pose pamuchakurukura.
Kuva anochenjerera kunosanganisira kusarudza nguva yakakodzera kutaura zvinhu. (Zvir. 25:11) Ungasabvumirana nezvose zvinotaurwa nomunhu wacho, asi hapana chikonzero chokuramba zvose zvisiri mumagwaro zvaanotaura. Rega kuedza kuudza saimba zvinhu zvose kamwe chete. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndichine zvinhu zvakawanda zvokutaura kwamuri, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.”—Johani 16:12.
Kana zvichiita, rumbidza vaya vaunotaura navo. Kunyange kana saimba ane nharo, ungakwanisa kumurumbidza pamusana pokumwe kufunga kwaanako. Muapostora Pauro akaita izvi paaitaura nevazivi paAreyopago muAtene. Vazivi vai“taura naye vachiita nharo.” Aigona sei kutaura zvaaida asingavagumburi? Akanga amboona atari dzakawanda dzavakanga vaitira vanamwari vavo. Pane kushora vaAtene pamusana pokunamata kwavo zvidhori, nokuchenjerera akavarumbidza nokuva kwavo vakasimba pane zvokunamata. Akati: “Ndinoona kuti muzvinhu zvose munoita semunotya vanamwari zvikuru kupfuura zvinoita vamwe.” Kutanga kwakadai kwakamuita kuti agone kutaura shoko rake nezvaMwari wechokwadi. Izvi zvakaita kuti vamwe vazova vatendi.—Mab. 17:18, 22, 34.
Rega kushatirwa kana vakaramba. Ramba wakadzikama. Ona izvi somukana wokunzwisisa zviri kufunga munhu wacho. Ungamutenda nokutaura mafungiro ake. Ko kana akangoerekana ati: “Ndine chitendero changu”? Nenzira yokuchenjerera ungamubvunza kuti: “Manga muri munhu wechitendero upenyu hwenyu hwose here?” Kana apindura, wedzera kuti: “Munofunga kuti vanhu vachazombobatana muchitendero chimwe chete here?” Izvi zvingazarura mumwe mukana wokuzokurukurazve.
Kuzviona isu pachedu nenzira ine mwero kunogona kutibatsira kuva vanochenjerera. Tinotenda zvakakwana kururama kwenzira dzaJehovha uye kuti Shoko rake nderechokwadi. Tinotaura nezvezvinhu izvi nechivimbo. Asi hapana chikonzero chokuti tizviti takarurama. (Mup. 7:15, 16) Tinofara kuziva chokwadi uye kuva nechikomborero chaJehovha, asi tinonyatsoziva kuti kutenderwa kwedu naye kunobva pamutsa wake usina kufanirwa uye kutenda kwedu muna Kristu, kwete kuti kunobva pakururama kwedu. (VaEf. 2:8, 9) Tinoziva kudikanwa kwoku‘ramba tichizviedza kana tiri mukutenda, kuramba tichizviratidza zvatiri.’ (2 VaK. 13:5) Saka patinotaura nevanhu nezvokudikanwa kwokuita zvinodiwa naMwari, tinoshandisawo isu pachedu zano reBhaibheri nokuzvininipisa. Harisi basa redu kuti titonge vanhu vakangoita sesu. Jehovha “akapa Mwanakomana kutonga kwose,” uye tinofanira kuzvipindurira pane zvatinoita pamberi pechigaro chake chokutonga.—Joh. 5:22; 2 VaK. 5:10.
Tiine Mhuri uye Vatinonamata Navo. Kuchenjerera kwedu hakufaniri kugumira muushumiri hwomumunda. Sezvo kuchenjerera chiri chiratidzo chezvibereko zvomudzimu waMwari, tinofanirawo kuchenjerera tiri pamba patinenge tiine nhengo dzemhuri. Rudo ruchatiita kuti tive nehanya nemanzwiro evamwe. Murume waMambokadzi Esteri akanga asiri munamati waJehovha, asi Esteri akamuremekedza uye akaratidza kunzwisisa zvikuru paaitaura naye nhau dzaiva nechokuita nevashumiri vaJehovha. (Esteri zvitsa. 3-8) Mune zvimwe zviitiko kuchenjerera patinenge tiine vemhuri yedu vasiri Zvapupu kungada kuti mufambiro wedu, urumbidze nzira yechokwadi kwavari, pane kuti tivatsanangurire zvitendero zvedu.—1 Pet. 3:1, 2.
Uyewo, kunyatsozivana kwedu nenhengo dzeungano hakurevi kuti tinofanira kutaura pfocho kana kusava nomutsa kwavari. Hatifaniri kufunga kuti zvavava vakuru muzivo, vanofanira kushivirira. Uyewo hatifaniri kuzvipembedza tichiti: “Ndozvandiri.” Kana tikaziva kuti matauriro atinoita anogumbura vamwe, tinofanira kutsunga kuchinja. ‘Kudanana kwedu’ kunofanira kutiita kuti ‘tiitire zvakanaka vaya vane ukama nesu mukutenda.’—1 Pet. 4:8, 15; VaG. 6:10.
Pakutaura Nevateereri. Vaya vanotaura vari pachikuva vanofanirawo kuchenjerera. Vateereri vanosanganisira vanhu vanobva kwakasiyana-siyana. Vari mumatanho akasiyana-siyana okukura pakunamata. Vamwe vangave vatouya kuImba yoUmambo kokutanga. Vamwe vangave nezviri kuvanetsa zvakakomba zvisingazivikanwi nomukurukuri. Chii chingabatsira mukurukuri kusagumbura vateereri vake?
Maererano nezano romuapostora Pauro kuna Tito, vavarira kuti u‘sataure zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi, . . . kuti uve anonzwisisa, uchiratidza unyoro hwose kuvanhu vose.’ (Tito 3:2) Rega kutevedzera nyika nemashandisiro ayo mashoko anozvidza vanhu vemamwe madzinza, mitauro, kana kuti vemamwe marudzi. (Zvak. 7:9, 10) Kurukura nomwoyo wose zvinodiwa naJehovha, uye ratidza uchenjeri hwokushandisa zvinhu izvi, asi usataure zvakaipa nezvevaya vasati vava kufamba zvizere munzira yaJehovha. Asi kurudzira vose kunzwisisa zvinodiwa naMwari uye kuita zvinomufadza. Mashoko ezano ngaatangirwe nemashoko oushamwari okurumbidza nomwoyo wose. Nematauriro ako uye inzwi rako, budisa kuda hama kwatinofanira kuva nakwo tose.—1 VaT. 4:1-12; 1 Pet. 3:8.