RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 16 pp. 78-84
  • Kurukurirano Inovaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurukurirano Inovaka
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Kutaura Nemunhu Kuti Uparidze Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurukura Uine Chinangwa Chekuzoparidza
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Kurukurirano Dzoushamwari Dzinogona Kusvika Mwoyo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 16 pp. 78-84

Fundo 16

Kurukurirano Inovaka

1, 2. Kurukurirano yedu inofanira kuratidzirwa nei?

1 Mukurukurirano yedu yezuva riri rose tinopiwa mukana wokukudza Mwari. “Takazvirumbidza zuva rose muna Mwari, tichaonga zita renyu nokusingaperi,” akanyora kudaro wezvemapisarema weBhaibheri. Iwoyo hausi murangariro unorumbidzwa here nokuda kwavanamati vose vaMwari? Unoratidzira chisarudzo chokushandisa miromo yomunhu maererano nokuda kwaJehovha.—Pis. 44:8.

2 Chisarudzo chakadaro chinokosha, nokuti nemhaka yokusakwana kwakagarwa nhaka pangava nomuitiro wokutaura zvingatsoropodza vamwe panzvimbo pokuvavaka. (Jak. 3:8-12) Kwakanaka sei, naizvozvo, kuti tirangarire nguva dzose kurudziro yaMagwaro yokutaura “shoko rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.”—VaEf. 4:29.

3, 4. Chii kunze kwokutaura chinobatanidzwa mukurukurirano, uye tingachirovedza kupi?

3 Chokwadika, kunofanira kuyeukwa kuti kurukurirano inobatanidza kuteererawo, nokuti kurukurirano kutsinhana mifungo. Taura zvinovaka, asiwo ipa vamwe mukana wokuti vataure. Kudziridza mano okubvunza mibvunzo yakafanira, uchiita kuti ari kutaura ataure akasununguka. Ipapo ratidza kufarira zvechokwadi zvaanotaura, panzvimbo pokushandisa nguva yaari kutaura kuronga zvauchataura pashure. Kuratidza kwako kufarira mifungo yavamwe kuchavavaka.

4 Kune mikana mizhinji yekurukurirano inovaka. Somuenzaniso, apo unenge uri pamusha nemhuri; apo unenge une vashandi biyako kana kuti vokuchikoro biyako; uye apo unenge uchisonganirana navatendi biyako. Zhinji dzehurukuro dzedu muchikoro choushumiri dzinogovera mikana yokuti isu tikudziridze mano ekurukurirano.

5-7. Ipa zvikarakadzo zvakati zvokuvandudza kurukurirano yemhuri, zvikurukuru panguva dzokudya.

5 Mumusha. Kurukurirano mumusha inogona kubetsera zvikuru mufarwa wemhuri, naizvozvo yakafanirwa nenhamburiko inodikanwa kuivandudza. Vose vari vaviri varume navadzimai vanonzwa zvakanaka apo vakwanyina vavo vanoratidza kufarira zvechokwadi zvavanotaura. Uye vana vanoonga apo vabereki vavo vanoteerera zvavanotaura uye vanoratidzira kuvaitira hanya chaikoiko. Asi kana ukadzongonyedza kana kuti kana ukavhura magazini apo mumwe munhu anenge achitaura kwauri, kana kuti neimwe nzira ukaratidzira kusafarira, kurukurirano mumusha menyu ichakurumidza kuipa. Hakuna munhu anofarikanya chaizvoizvo kutaura kumunhu asiri kufarira zvaanotaura.

6 Nguva dzokudya dzinopa mukana wakaisvonaka wekurukurirano yemhuri inovaka. Pakudya kumwe zuva rimwe nerimwe imwe kurukurirano inogona kunangidzirwa parugwaro rweBhaibheri rwezuva racho runowanwa mubhukwana raKunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Pazvimwe zvokudya, misoro yakaraviwa muzvinyorwa zvenguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi kana kuti Mukai! inogona kuparira kurukurirano inofadza uye inobetsera. Asi musatongoita kuti kurukurirano yapanguva yokudya ive yakarongwa kwazvo zvokuti hapana mukana wokutaura kwomuzvarirwo uye kufarikanywa kwokusununguka kwezvokudya.

7 Nenzira yomuzvarirwo mutezo mumwe nomumwe wemhuri unogona kubetsera kurukurirano inovaka panguva yokudya. Iyi haisi nguva yokunyunyuta; rudzi irworwo rwechinhu runogona kudzongonyedza kuseredzwa kwezvokudya. Asi mukati momuswere wezuva munhu anonzwa zvinhu zvinorayiridza, kana kuti zvichida zvinosetsa. Iye angava nechinoitika chinofadza muushumiri hwomumunda. Zvimwe anorava chimwe chinhu chinofadza mupepanhau kana kuti anochinzwa muredhiyo. Kuregerereiko kuchichengeta mundangariro kuti ugoverane navamwe vose vasara vemhuri panguva yokudya? Nokukurumidza, panzvimbo pokukurumidza kudya ndokukurumidza kuenda, muchawana kuti mose munokarira nhambo idzodzi dzokutaura pamwe chete.

8-10. Nei kurukurirano dzomunhu oga pakati pavabereki nevana dzichikosha, uye dzinogona sei kukurudzirwa navabereki?

8 Nokuda kwavabereki, kunokoshawo kuva nekurukurirano dzomunhu oga nomumwe nomumwe wavana vavo, pasina vamwe vose vemhuri yacho. Migumisiro yakanakisisa inouya apo kunoitwa mumugariro wakasununguka, pangave pamusha kana kuti zvimwe pakufamba mumugwagwa. Kurukurirano dzakadaro dzinogovera mukana wokugadzirira muduku nokuda kwechinjo dzomuviri dzaachawana mumuviri wake sezvaanokura. Uyewo kurukurirano idzodzi dzinobudisa pachena zviri mumwoyo womuduku, zviri zvishuvo zvake chaizvoizvo nevavariro muupenyu, uye dzinopa mukana wokuvaka izvozvi nenzira inobetsera.

9 Kana, mukati mekurukurirano yakadaro, mwana wenyu akadudza zvinetso zvaakabatanidzwa mazviri, kukurumidza kumutuka zvichida kuchagumisa kurukurirano yacho pakarepo. Uye, achiyeuka chakaitika chake chakapfuura, iye angasadudzazve nhau idzodzi. Kazhinji kazhinji kuri nani kuteerera uye kunzvera nemibvunzo inoratidza murangariro wokunzwisisa. Ipapo unogona kubetsera kururamisa nzira dzake nenzira yemutsa asi yakasimba apo iye akabva panheyo dzeBhaibheri.

10 Kunyange zvazvo kurukurirano ichikosha kuupenyu hwemhuri hunofadza, ikoku hakurevi kuti mumwe munhu anofanira kutaura nguva dzose. Chokwadika, kwakanaka pane dzimwe nguva kuva nemukana wokufungisisa mifungo yako umene, wokurangarira pamusoro penhau chinyararire. Naizvozvo nhambo dzokunyarara kazhinji kazhinji dzinoongwa nemitezo yemhuri.

11, 12. Mikanai iripo yokupupura, kunze kwoushumiri hwomumunda hwenguva dzose?

11 Kuita mikana yokupupura. Mano okukurukura nomutoo womuzvarirwo anotapura sei ushumiri hwomunhu? Eya, wakamboshamisika here chikonzero nei zvimwe Zvapupu zvichingoratidzika kuva zvinova nezvinoitika zvakaisvonaka? Haingavi mhaka yokuti vanotanga kurukurirano here? Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Miromo yavakachenjera inokusha zivo.”—Zvir. 15:7.

12 Kunyange kunze kwoushumiri hwomumunda hwenguva dzose, kune mikana mizhinji yokupinza vanhu mukurukurirano uye yokutaura kwavari pamusoro paJehovha. Madzimai epamba echiKristu, somuenzaniso, anogona kupupura kuvavakidzani kana kuti vatengesi vangashanyira musha. Vana vangava nemikana yokupinza vokuchikoro biyavo mukurukurirano pamusoro peBhaibheri pavanenge vari kuenda kuchikoro kana kuti pakati pezvidzidzo. Uye avo vanoshanda kunze kwomusha vangakwanisa kupupura panzvimbo dzavo dzebasa, zvichida panguva yokudya kwamasikati. Kunyange paunenge uchifamba mupaka, umire mumutsara pachitoro kana kuti uchimirira bhazi kunobvira kupinza vamwe mukurukurirano inovaka. Mune dzimwe nyika, umo makarambidzwa kuparidza Umambo, ushumiri hunopfuuridzirwa zvikurukuru kupfurikidza nekurukurirano dzisina kurongwa. Kuti uyu mutoo wokuparidza unobudirira kunopupurirwa nokukurumidza kuwedzera munhamba kwevabatiri vaMwari wechokwadi kunowanwa munzvimbo idzodzo.

13-16. Mitooi inogona kushandiswa kumutsa kurukurirano inozarurira nzira kupupura?

13 Kuti tishandise mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kuti tipupure, tingangoda shoko roushamwari re“kuvhura muromo” sokunge zvakadaro, uye kutsinhana kurukurirano kuchaitika. Jesu akagadza muenzaniso muna ikoku. Pane imwe nguva yamasikati apo akamira patsime raiva muSamaria kuti azorore akakumbira mvura kumukadzi akanga auya ipapo kuzochera mvura. Sezvo vaJudha vakanga vasingawanzotaura navaSamaria, ikoku kwakamutsa kuda kuziva kwake. Akabvunza mubvunzo. Jesu akapindura netsinhiro inoreva nezvokuva kwake nemvura yaigona kupa upenyu husingaperi, achimutsazve kuda kuziva kwake. Somugumisiro, mukana wokupupura kwaari wakamuka. Cherechedza kuti haana kutanga nokupupura kurefu; iye akashandisa kurukurirano youshamwari kugadzirira nzira.—Joh. 4:5-42.

14 Iwe unogona kutangawo kurukurirano dzakadaro dzinovaka. Paunenge uchimirira bhazi ungakwanisa kukwevera ngwariro yomumwe kunyaya yepepanhau kana kuti yamagazini inobata nechinetso chakati chakadai sekusvibisa kana kuti hondo, uchibvunza kuti: “Nei muchifunga kuti mamiriro ezvinhu aya azova akashata kwazvo mumakore achangobva kupfuura aya? Munofunga kuti pachazombova nenguva here apo pasi rose richava nzvimbo inofadza yokugara?” Kwakawanwawo kuva kunobudirira kutanga kutaura pamusoro pechinetso chakati chapanguva iyoyo chomunzvimbomo, ipapo ndokubvunza kuti: “Munofunga kuti chiororo chacho chii?” Ikoku kunotungamirira nenzira yomuzvarirwo kukurukurirano yechiororo chechokwadi—umambo hwaMwari. Chokwadika, nzwisiso inofanira kushandiswa. Hapana kudikanwa kwokumanikidzira kurukurirano apo vanhu vasingapinduri. Asi uchawana kuti vamwe vanoteerera nomufaro, kungofanana nezvakaita mukadzi weSamaria patsime.

15 Imwe nzira yokuita nayo mikana yokukurukurirana pamusoro peShoko raMwari ndeyokuisa mabhuku eBhaibheri paanogona kuonekwa nenzira iri nyore. Apo ikoku kunoitwa mumusha, vashanyi kazhinji kazhinji vanotsinhira pamusoro pawo, vachizarura nzira youchapupu hwakaisvonaka. Kana uchienda kuchikoro, bhuku kana kuti magazini inosiyiwa pachibhariro chako inenge ine chokwadi chokusunda mumwe munhu kubvunza kuti, “Chii icho?” Ipapo unova nomukana wokumuudza, uchipa uchapupu. Kana kuti kana uchirava mabhuku eBhaibheri mukati menguva yako yokudya kwamasikati kana kuti paunenge uchifamba nezvifambiso zvavose, ikoku kunogona kuzarura nzira yokutaura navanhu vanobvunza nezveumambo hwaMwari.

16 Kurukurirano navanhu vaunoziva dzinogonawo kutungamirira nenzira yomuzvarirwo kukutaura pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri. Kurukurirano dzakadaro dzinowanzobatanidza zvakaitwa navanhu—kwavakaenda, zvavakanzwa kana kuti zvavakaona—kana kuti zvinhu zvavanoronga kuita. Naizvozvo paunova nemukana wokutaura, kuregerereiko kutaura pamusoro pezvawave uchiita? Pashure pokupinda gungano redunhu, taurira mushandi biyako kana kuti muvakidzani kwawakaenda uye musoro wehurukuro huru; iye angabvunza mibvunzo pamusoro payo. Tsinhira kune vamwe pamusoro pezvawakarava muNharireyomurindi kana kuti Mukai! sezvo vachitaurawo pamusoro pezvavanoita. Kana ukataura nyaya inofarirwa, vachakumbira mamwe mashoko. Zvino wava nemukana wokupa humwe uchapupu. Kurukurirano dzakadaro dzinoitirwa kunangidzira ngwariro kumadonzo aMwari dzinovaka zvirokwazvo.

17-20. Ipa zvikarakadzo pamusoro pemisoro yekurukurirano inovaka paunenge une Zvapupu biyako.

17 Apo unenge une vatendi biyako. Apo unosonganirana nehama dzomudzimu nehanzvadzi, zvakangoruramawo bedzi kuti kurukurirano inofanira kuva yakanaka, inokodzera vashumiri vamashoko akanaka. Donzo rayo harifaniri kungova rokuvaraidza nguva, asi rokuvaka.

18 Mikana yakaisvonaka yekurukurirano inovaka inogoverwa paHoro yoUmambo misangano isati yatanga uye pashure payo. Rega kuita muitiro wokukurumidza kuenda panongogumiswa misangano. Kuregerereiko kupinda mukurukurirano nehama dzakura, dzine ruzivo rwokuzviwanira, pamwe chete naavo vangava vachitya uye vangada kuva voga? Kune zvizhinji kwazvo zvokutaura nezvazvo. Kurukurai mapfundo anofadza chaizvo omuzvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura zveNharireyomurindi. Mungataura pamusoro pomugove unouya womuChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Vamwe vangava nemifungo mitsva yaunogona kushandisa muhurukuro yako, kana kuti zvimwe unogona kukarakadza pfungwa dzokubetsera mumwe munhu nomugove wake. Zvakaitika mumunda zvinogona kugoveranwa, kana kuti mungataura pamusoro porutivi rwakati rwafarikanywa zvikuru pamusangano zuva iroro. Kurukurirano dzakadaro dzinovaka zvirokwazvo.

19 Pamagungano makuru pane mikana yokutaura nehama nehanzvadzi dzinobva munzvimbo dzakasiyana-siyana. Zvapupu zvizhinji zvinova nechokwadi chokutanga kurukurirano vari mumutsara wezvokudya kana kuti pavanenge vachienda uye nokudzoka kunhandare yegungano. Imwe nzira yakaisvonaka yokuita nayo kudaro ndeyokuudza hama kana kuti hanzvadzi zita rako, uye kubvunza rake. Bvunza kuti akava sei Chapupu. Ikoku kunowanzotungamirira kukurukurirano inofadza, inovaka.

20 Paunenge uri munzira yokuenda muushumiri hwomumunda mumwe mukana wekurukurirano inobetsera unogoverwa. Panzvimbo pokupinda mukurukurirano isina maturo, kuregerereiko kukurukura nzira yokusvika nayo vanasaimba munharaunda iyoyo chaiyo, kana kuti misoro yakakodzera zvikurusa kutaura nezvayo. Zvakanakawo kukurukura nzira yokubata nayo nezvirambidzo zvingamutswa. Kunozorodza zvikurusa uye kwakakodzera kufunga uye kutaura pamusoro penhau dzomudzimu panguva dzakadaro.—VaF. 4:8, 9.

21-24. Kana kurukurirano yeboka ikarega kuva inovaka, isu somunhu oga tingaitei pamusoro payo?

21 Kana panguva ipi neipi uri muboka rehama nehanzvadzi apo kurukurirano inova isina vavariro kana kuti isingavaki zvikuru, chii chaunogona kuita? Kuregerereiko kuedza kumutsa mubvunzo wokuchinjira kurukurirano yacho kuzvinhu zvinobetsera? Mutsa nhau yakati ndokubvunza mibvunzo pamusoro payo. Kurukurirano yakadaro inobetsera zvikuru kwazvo kana avo vanotora rutivi vakataura kwenguva yakati panhau imwe chete, vachipa anotora rutivi mumwe nomumwe mukana wokutaura.

22 Apo kurukurirano inobatanidza kutaurwa kwemimwe mitezo yeungano yechiKristu, panofanira kungwarirwa kuti isava inozvidza uye inotsoropodza, panzvimbo pokuvaka. Kana mumwe munhu akatanga kutaura pamusoro pezvikanganiso zvomumwe, uchava noushingi hwokudzorera kurukurirano yacho kuinovaka here? Uchava akavimbika kusangano raJehovha ndokudzivirira mumwe wemitezo yaro here? Inyaya duku, mumwe munhu angadaro. Asi haisi duku kudaro apo kunoyeukwa kuti kuwanira mhaka mumwe wavabatiri vakazvitsaurira vaMwari kungatungamirira kukunyunyutira gadziriro dzaMwari amene!—Jak. 5:9; 2 VaK. 10:5.

23 Padzimwe nguva kurukurirano ingava yakareruka, uye nyaya dzinosetsa dzingataurwa. Kurukurirano yakadaro inogona kuva inozorodza uye inobetserawo. Asi kunofanira kungwarirwa kuti isava kutaura kusingakodzeri vashumiri vechiKristu. Zano reBhaibheri rinofanira kuyeukwa rokuti: “Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.”—VaEf. 5:3, 4.

24 Naizvozvo, sevashumiri vaJehovha, kurukurirano yedu nguva dzose ngaikudze Iye. Kupfurikidza nokuita izvi tichavewo tichishandisa zano rakaisvonaka rakanyorwa nomuapostora Pauro: “Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.”—VaR. 15:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe