Kurukurirano Dzoushamwari Dzinogona Kusvika Mwoyo
1 Kurukurirano inogona kurondedzerwa se“kutsinhaniswa kwepfungwa kwokutaura.” Kutanga kurukurirano dzoushamwari pamusoro uyo vamwe vanoitira hanya kungabata fariro yavo uye kunogona kutiyamura mukusvika mwoyo yavo neshoko roUmambo. Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti kunobudirira zvikuru kwazvo kupinza vanhu mukurukurirano youshamwari yakasununguka kupfuura kuvaparidzira.
2 Nzira Yokutanga Nayo Kurukurirano Youshamwari: Kukwanisa kwedu kukurukura navamwe hakurevi kuti tinofanira kupa kurongwa kunoorora kwemifungo namagwaro. Kunongobatanidza kuita kuti mumwe munhu ataure nesu. Somuenzaniso, apo tinova nekurukurirano youshamwari nomuvakidzani wedu, haisati iri yorumano asi yakasununguka. Hatisati tiri kufunga pamusoro pemashoko edu anotevera asi tiri kudavidza nenzira yomuzvarirwo kumifungo yaanotaura. Kuratidza kufarira zvechokwadi zvaanotaura kungamukurudzira kupfuurira kukurukura nesu. Zvimwe chetezvo zvinofanira kuva zvechokwadi pakupupura kuvamwe.
3 Misoro yakadai seutsotsi, zvinetso zvepwere, nhau dzomunzvimbomo, mamirire ezvinhu omunyika, kana kuti kunyange mamirire okunze inogona kushandiswa kutanga kurukurirano dzoushamwari. Nhau dzinotapura zvakananga upenyu hwavanhu dzinobudirira zvikuru mukunyandura fariro yavo. Kana kurukurirano yangotangwa bedzi, tinogona kuitendeudzira zvinyoronyoro kushoko roUmambo.
4 Kuva nekurukurirano yakasununguka hakurevi kuti kufanogadzirira hakusati kuri madikanwa. Kuri madikanwa. Zvisinei, hapana kudikanwa kwokuumba ndaza yorumano kana kuti kudzidza mharidzo nomusoro, uko kwaizoguma nekurukurirano yakaoma kana kuti isingachinjiki kumamirire ezvinhu aripo. (Enzanisa na1 VaKorinte 9:20-23.) Nzira yakaisvonaka yokugadzirira nayo ndiyo yokusarudza musoro mumwe kana kuti miviri yapaMagwaro, nomurangariro wokuvakira kurukurirano padziri. Kuhwirudzura misoro inowanwa mubhuku raKurangarira kuchabvumikisa kuva kunobetsera nokuda kwaikoku.
5 Mavara Anokosha Nokuda Kwekurukurirano Youshamwari: Apo tinokurukura navamwe, tinofanira kuva vane ushamwari nevapachokwadi. Kunyemwerera uye chitarisiko chomufaro zvinobetsera kuratidzira aya mavara. Tine shoko rakanakisisa munyika; rinofadza zvikurusa kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka. Kana vachinzwa kuti kuvafarira kwedu kunonyandurwa nechishuvo chapachokwadi chokugoverana navo mashoko akanaka, ipapo vangasundwa kuteerera.—2 VaK. 2:17.
6 Kupinda mukurukurirano kunofanira kuva chiitiko chinofadza. Naizvozvo, tinofanira kuva vane mutsa nevanongwarira pakutaura mukupa shoko roUmambo. (VaG. 5:22; VaK. 4:6) Vavarira kusiya mumwe munhu wacho aororwa. Neiyi nzira, kunyange kana tisingabudiriri pakutanga mukusvika mwoyo wake, angava anogamuchira zvikuru nguva inotevera apo chimwe Chapupu chinokurukura naye.
7 Kutanga kurukurirano youshamwari hakusi mugumisiro wokukwanisa mharidzo yakaoma. Inongova nhau yokunyandura kufarira nhau iri yeitiro hanya kumunhu. Kana tangofanogadzirira bedzi, ipapo tichava vakagadzirira kupinza vanhu mukurukurirano dzoushamwari. Ngatiedze kusvika mwoyo yaavo vatinosangana navo kupfurikidza nokugoverana navo mashoko akanakisisa anowanika, ayo ezvikomborero zvoUmambo zvisingaperi.—2 Pet. 3:13.