RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 30 pp. 149-153
  • Kukudziridzwa Kunobvumirana Kwehurukuro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukudziridzwa Kunobvumirana Kwehurukuro
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Zano Rinovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kukurukurwa Kwemashoko Zvinotevedzana
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 30 pp. 149-153

Fundo 30

Kukudziridzwa Kunobvumirana Kwehurukuro

1-3. Bvumirano ine basai muhurukuro uye, inogona sei kuwanwa?

1 Hurukuro inobvumirana ndeiya iri nyore kuti vateereri vatevere. Kune rumwe rutivi, kana bvumirano ichishayika, ngwariro yavo ichakurumidza kurasika. Sezvinooneka, iyi inhau yakafanirwa nengwariro yakakomba apo unogadzirira hurukuro; naizvozvo “Bvumirano kupfurikidza nezvikochekedzo” rinobatanidzwa pakasiripi keZano Rokutaura serinofanirwa nokurangarira kwako kwokungwarira.

2 Bvumirano inoreva kunamatira pamwe chete mukati, kubatanidzwa kwamativi akabatanidzwa pamwe chete zvakasimba kuita chinhu chimwe chakakwana chine mufungo. Pane dzimwe nguva ikoku kunoitwa mumwero mukuru nokungova bedzi nenhevedzano ine mufungo makarongwa mativi. Asi muhurukuro zhinjisa mune mativi anofanira kukochekedzwa kupfuura gadziriro yakapfava yamashoko. Muzvinoitika zvakadaro bvumirano inoda bhiriji rokubva pane rimwe pfundo kuenda pane rimwe. Mashoko kana kuti zvikamu zvamashoko zvinoshandiswa kuratidza wirirano yemifungo mitsva neinoitangira, nomutoo iwoyo achizadza mikaha nemhaka yechinjo munguva kana kuti mumurangariro. Iyi ndiyo bvumirano kupfurikidza nezvikochekedzo.

3 Somuenzaniso, sumo, mutumbi nemhedziso zvehurukuro yako mativi akasiyana ehurukuro, akasiyana rimwe nerimwe, bva anofanira kubatanidzwa zvakasimba kupfurikidza nezvikochekedzo. Mukuwedzera, mapfundo makuru anofanira kubatanidzwa pamwe chete muhurukuro, zvikurukuru kana iwo asingawirirani zvakananga zvikuru nezviri mumufungo. Kana kuti pane dzimwe nguva ingangova chete mitsetse yamashoko kana kuti ndima dzinoda zvikochekedzo.

4-7. Chii chinorehwa nekushandiswa kwemashoko okukochekedza?

4 Kushandisa mashoko anokochekedza. Kazhinji kazhinji bhiriji pakati pemifungo rinogona kuvakwa kupfurikidza bedzi nokushandiswa kwakafanira kwamashoko anokochekedza kana kuti zvikamu zvamashoko. Mamwe aiwawa ndaaya: uyewo, mukuwedzera, kupfuurirazve, uyezve, nenzira yakafanana, nomutoo wakafanana, nokudaro, naizvozvo, nokuda kweizvi zvikonzero, saka, nemhaka yezvichangobva kududzwa, saizvozvo, ipapo, pashure pacho, zvisinei, kune rumwe rutivi, mukupesana, nomutoo wakasiyana, kare kare, kusvikira zvino, uye zvichingodaro. Mashoko akadaro anobatanidza nenzira inobudirira mitsetse nendima.

5 Zvisinei, iri vara rokutaura rinowanzoda zvinopfuura zvikochekedzo zvakadaro zvakapfava. Apo shoko rimwe kana kuti chikamu chamashoko chinenge chisati chichizokwana, ipapo chikochekedzo chinodikanwa ichochi chinotungamirira vateereri kuyambuka chose chose mukaha kuenda kune rumwe rutivi. Uyu ungava mutsetse wakakwana kana kuti kunyange kuwedzerwa kwomufungo unotaurwa zvizere zvikuru unokochekedza.

6 Imwe nzira inogona kubatanidzwa nayo mikaha yakadaro kuedza kuita kuti kushandiswa kwepfundo rinotanga kuve rutivi rwesumo yezvinotevera. Kazhinji kazhinji ikoku kunoitwa mumharidzo dzedu dzapaimba neimba.

7 Kupfuurirazve, mapfundo anotevedzana haasati achifanira bedzi kubatanidzwa pamwe chete, asi pane dzimwe nguva mapfundo akaparadzana zvikuru kwazvo muhurukuro anofanira kunzarwo. Somuenzaniso, mhedziso yehurukuro inofanira kubatanidzwa nesumo. Zvichida mufungo kana kuti muenzaniso unosumwa pakuvamba kwehurukuro unogona kugoverwa nenzira yakadaro mumhedziso zvokuti uchasunda kana kuti kuratidzazve wirirano yomuenzaniso kana kuti mufungo nedonzo rehurukuro. Kusumazve rutivi rwakati rwomuenzaniso kana kuti mufungo neiyi nzira kunobatira sechikochekedzo uye kunoparira bvumirano.

8. Vateereri vanotapura sei kushandiswa kwezvikochekedzo nokuda kwebvumirano?

8 Bvumirano yakakwanira vateereri vako. Kuti zvikochekedzo zvinofanira kuva zvakawanda sei kuchasarudzwa kusvikira kumwero wakati navateereri vako. Hakuzi kuti vamwe vateereri havasati vachida zvikochekedzo. Panzvimbo pezvo, vamwe vateereri vanongoda zvavo zvakawanda, nemhaka yokurovedzana kwavo nemifungo inofanira kuwiriraniswa. Somuenzaniso, zvapupu zvaJehovha zvichakochekedzanisa nyore nyore rugwaro rwune chokuita nezvomugumo wetsika iripo yakaipa yezvinhu norugwaro runotaura nezvoUmambo. Asi kune mumwe munhu anorangarira Umambo sechimiro chendangariro kana kuti chimwe chinhu chiri mumwoyo mako, kubatanidza kwacho kungasanzwisiswa nyore nyore kwazvo uye mufungo wakati wokukochekedza ungafanira kusumwa kujekesa chikochekedzo chacho. Basa redu repasuo nesuo rinoda nguva dzose gadziridzo dzakadaro.

**********

9-13. Kukudziridza kune mufungo chii, uye inzirai mbiri dzinokosha dzokukudziridza nadzo chibvumikiso?

9 Rutivi rwunosanowirirana rwokutaura ndiko “Kukudziridza kune mufungo, kunobvumirana,” uye irworwuwo, rwakabatanidzwa pafomu rezano. Ndichinodikanwa chinokosha chokutaura kunopesvedzera.

10 Chii chiri kuva nomufungo? Nokuda kwedonzo redu tingataura kuti kuva nomufungo kuziva kufunga kwakarurama kana kuti kurangarira kwakanaka. Kunopa nzwisiso nemhaka yokuti ndiyo nzira inotsanangurwa nayo nhau mumativi ayo akakochekedzaniswa. Kuva nomufungo kunoratidza chikonzero nei achishanda uye ari pamwe chete. Kukudziridza kwacho kunobvumirana kana kurangarira kwako kuchitevera kukura kwapashoma nepashoma nenzira yakadaro zvokuti mativi ose anobatanidzwa munhevedzano. Kukudziridza kune mufungo kungava munhevedzano yechinokosha, munhevedzano yokuverengwa kwenguva kana kuti kunobva pachinetso kuchienda kumhinduro, kududza zvinobvira zvishomanene.

11 Mukukudziridza chibvumikiso mune mitoo miviri inokosha inogona kuteverwa. (1) Isa chokwadi nomutoo wakananga pamberi pavateereri, uchibudisa maidi okuchitsigira. (2) Denha chimiro chisina kururama, icho, zvachiri kuparadzwa, chichasiya chokwadi kuti chizvitsigire. Ipapo panongosara bedzi kushandisa zvakafanira zvokwadi dziri kukurukurwa.

12 Hakuna vakurukuri vaviri vachafunga zvakafanana chaizvoizvo. Muenzaniso wakakwana wokusvika kwakasiyana-siyana kunhau imwe cheteyo uri mukunyorwa kweEvhangeri ina. Vadzidzi vana vaJesu vakanyora nhoroondo dzakazvimirira dzoushumiri hwake. Imwe neimwe yakasiyana, bva vose vakanyora nhoroondo dzine musoro, dzine mufungo. Mumwe nomumwe akakudziridza mashoko kuti aite donzo rakati uye mumwe nomumwe akabudirira.

13 Muna ikoku anopa zano anofanira kuziva donzo rako ndokuedza kunzvera nhevedzano yako yomufungo pahwaro hwokuti donzo racho rakaitwa here kana kuti kwete. Unogona kumubetsera, uye vateereri vako, kupfurikidza nokujekesa donzo rako, zvikurukuru nenzira yaunosuma nayo mashoko ako uye ipapo woashandisa mumhedziso.

14, 15. Ratidza chikonzero nei kuva kwedu namashoko munhevedzano ine mufungo kuchikosha kwazvo.

14 Mashoko ari munhevedzano ine mufungo. Kutanga, mukuronga mashoko ako kana kuti ndaza yako, iva nechokwadi kuti hapana kutaura kana kuti mufungo unopinzwa pasina hwaro hwokutanga hwakati hunovanzarikwa nokuda kwawo. Ramba uchizvibvunza iyi mibvunzo: Ndechipi chiri chinhu chomuzvarirwo zvikurusa chinotevera chokutaura? Ndasvika pano, ndoupi mubvunzo ungava une mufungo zvikurusa ungagona kubvunzwa? Waziva uyu mubvunzo, ipapo ingoupindura zvako. Vateereri vako nguva dzose vanofanira kuva vanokwanisa kuti: “Mune zvawatotaura ndinogona kuona kuti iri pfundo rakadaro.” Kana pasina hwaro hunovanzarikwa, ipapo pfundo racho ringawanzorangarirwa serisiri munhevedzano ine mufungo. Chimwe chinhu hachipo.

15 Mukuronga mashoko ako unofanira kurangarira mativi aya anotsamira pane rimwe nerimwe nenzira yomuzvarirwo. Unofanira kuedza kuona wirirano yamativi akadaro uye ipapo woaronga nenzira inowirirana. Kwakati fananei nokuvaka imba. Hapana muvaki angaedza kumisa madziro asingatangi kuvanzarika nheyo. Uyewo haangaisi pombi dzose pashure pokunge anama madziro. Kunofanira kudarowo mukuvakwa kwehurukuro. Rutivi rumwe norumwe runofanira kupa kugoverana kwarwo mukuvaka chinhu chimwe chakasimba uye chakabatana, rumwe norumwe rwuri munhevedzano, rumwe norumwe ruchiwedzera kurutivi rwarunotevera uye rwuchigadzirira nzira yaachauya. Unofanira nguva dzose kuva nechikonzero chenhevedzano yaunopa nayo maidi ari muhurukuro yako.

16-20. Munhu anogona sei kuva nechokwadi chokuti ane mashoko akakodzera bedzi muhurukuro yake?

16 Mashoko akakodzera bedzi ashandiswa. Pfundo rimwe nerimwe raunoshandisa rinofanira kubatanidzwa zvakasimba nehurukuro. Kana risati, richaoneka risingawirirani, harisati richizokodzera; richava mashoko asina kukodzera, ndiko kuti, asina chokuita kana kuti asina kukochekedzwa namashoko ari kukurukurwa.

17 Zvisinei, anokupa zano haasati achizoti nenzira isina mufungo chimwe chinhu hachina kukodzera icho chingaoneka nechokunze kuva chisingawirirani kana icho chabatanidzwa nenzira inobudirira. Kungava kuti wasarudza kushandisa pfundo rakadaro nokuda kwedonzo rakati, uye, kana richikodzera musoro, richiitwa rutivi rwehurukuro, uye richisumwa munhevedzano ine mufungo, anokupa zano acharigamuchira.

18 Mashoko asina kukodzera anogona sei kuzivikanwa nokukurumidza uye nyore nyore mukugadzirira hurukuro yako? Hepano apo ndaza yemisoro inobatira nenzira inobudirira kwazvo. Inobetsera kuronga mashoko ako. Edza kushandisa makadhi kana kuti chimwe chinhu chakafanana, uine mashoko ose anowirirana pakadhi rimwe nerimwe. Zvino, rongazve makadhi iwawa maererano nenhevedzano yomuzvarirwo yaunofunga kuti angawanzopiwa nayo. Ikoku hakusati kuchizongobetsera bedzi mukusarudza kuti kusvikai kunofanira kuitwa kunhau, asiwo kuchabetsera kuziva chinhu chipi nechipi chisina kukodzera musoro. Mapfundo aye asingakodzeri munhevedzano anofanira kugadziridzwa kuti agodaro, kana ari madikanwa kuchibvumikiso. Asi, kana asiri madikanwa, anofanira kubviswa seasina kukodzera musoro.

19 Muna ikoku kunogona kukurumidza kuoneka kuti musoro wehurukuro yako, wakasarudzwa kuchirangarirwa vateereri uye donzo, unodzora mukusarudza kukodzera kwepfundo. Mumamiriro ezvinhu akati pfundo ringava rinokosha kukuita donzo rako, kuchitsamira paruzivo rwavateereri vako, nepo, kune vateereri vakasiyana kana kuti nomusoro wakasiyana, ringava risiri madikanwa kana kuti risina kukodzera chose chose.

20 Nemhaka yaikoku, kufukidzwa kwamashoko ari mumugove wako kunofanira kuva kwakakwana sei? Kukudziridzwa kune mufungo, kunobvumirana hakusati kuchifanira kuregwa nokuda kwokungofukidza bedzi pfundo riri rose ringabatanidzwa mumugove wako. Kungava kwakanakisisa, kunyange zvakadaro, kusarudza kuronga kwakati kuchakubvumidza kubatanidza akawanda awo anoshanda, sezvo hurukuro dzavadzidzi dziri rutivi rwunorayiridza rwegadziriro yechikoro. Zvisinei, mifungo iya inokosha kuti ukudziridze musoro wako semapfundo makuru haigoni kusiyiwa.

21. Nei kuchikosha kuti hapana mifungo mikuru inosiyiwa?

21 Hapana mifungo mikuru yasiyiwa. Unoziva sei kana mufungo wakati uri mufungo mukuru kana kuti kwete? Unokosha kana usingagoni kuita donzo rehurukuro yako usinawo. Ikoku ndekwechokwadi zvikuru mukukudziridza kune mufungo, kunobvumirana. Somuenzaniso, ungagona kuita sei kana muvaki akuvakira imba ine nhurikidzwa mbiri ndokusiya masitepisi? Nenzira yakafanana, hurukuro ine mapfundo akati anokosha asiyiwa sezvinobvira haingagoni kuva ine mufungo uye inobvumirana mukukudziridza. Chimwe chinhu chiri kushayikwa uye vamwe vavateereri vacharasika. Asi ikoko hakusati kuchiitika apo hurukuro inenge ichibvumirana uye ine mufungo mukukudziridzwa kwayo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe