Fundo 9
Kugadzira Ndaza
1-4. Musoro uye mifungo mikuru yehurukuro zvinogona kusarudzwa sei?
1 Munyori weEvhangeri Ruka akati kune shamwari yake Teofiro: “Neniwo, ndakati ndanatsofeya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorereiwo nokutevedzanisa.” (Ruka 1:3) Naizvozvo, anzvera, aunganidza maidi akawanda pamusoro penhau yake, akatanga kuaronga munhevedzano inonzwisisika. Kunotibetsera kutevera muitiro mumwe chete iwoyu mukugadzirira hurukuro dzedu. Ikoku kunoreva kugadzira ndaza.
2 Kusarudza mifungo mikuru. Sezvo kutaura, zvikurukuru kukurukurwa kweShoko raMwari, kuri nokuda kwedonzo rokupa mifungo kundangariro yomumwe, mifungo yatinokarira kupa muhurukuro inofanira kuva yakajeka zvikuru mundangariro medu timene pakutanga. Pashure pokunge waunganidza mashoko ako wava kukwanisa kusarudza chaizvoizvo chaunoda kuti vateereri vako vaende nacho apo unenge wapedza. Edza kuchipinza mumutsetse mumwe. Kana ichochi chine pfundo guru rehurukuro yako, kana chichibatanidza mufungo mumwe mukuru waunoda kuti vateereri vako vayeuke, ichochi chinofanira kubatira somusoro wehurukuro yako. Uchakuwana kuchibetsera kuchinyora kuti ugogona kunongedzera kwachiri mukati megadziriro yako.
3 Zvino kubva mumashoko awaunganidza sarudza mifungo mikuru iri madikanwa kuti utsanangure zvakajeka uyu musoro mumwe mukuru. Idzodzi dzinofanira kubatira samapfundo makuru ehurukuro yacho. Kana waronga mashoko ako pamakadhi, unogona kuisa iwaya munhevedzano patafura pamberi pako. Zvino sarudza mimwe mifungo inodikanwa kutsigira mapfundo iwawa makuru, uchiisa mimwe nemimwe munzvimbo yayo yakafanira pashure pepfundo guru rainotsigira. Mukusarudza uye mukuisa munzvimbo mundaza mapfundo makuru akasiyana-siyana uye mapfundo maduku aunganidzwa, kungacherechedzwa kuti mamwe aiwaya haawedzeri mashoko anotsanangura musoro wako. Kana zvakadaro, rega kuzengurira kuasiya. Kuri nani kuita ikoku pane kuzadza hurukuro yacho namashoko asingakoshi kana kuti asina kukodzera. Ivawo nechokwadi chokuti mifungo yacho inorongwa munhevedzano ine mufungo kana kuti inoshanda zvikurusa. Mukutevera mutoo unokarakadzwa pano, zvikanganiso zvokupfuurira kune nhevedzano zvinoonwa nenzira iri nyore mundaza uye zvinogona kururamiswa. Nokudaro unogona kuva nechokwadi chokuti musoro mukuru mumwe nomumwe wendaza unotevera nenzira ine mufungo uyo unoutangira uye unobetsera kukudziridzwa kwomusoro. Uye nemufungo uri wose uri pasi pemisoro mikuru iyeyo uchitsigira zvakafanira, hurukuro yacho hapana chaingaita kunze kwokupa kuyerera kune mufungo kwomufungo.
4 Mapfundo omurayiridzo auchangobva kuronga anofanira kuumba mutumbi wehurukuro yako. Zvino uchada sumo uye mhedziso. Sarudza matangire aunoda kuita kurukurirano yako uye, pahwaro hwehurukuro yawakagadzirira, sarudza mhedziso ichanyandura vateereri vako mutsinhirano nedonzo rehurukuro yako. Zvino wagadzirira kunyora aya mashoko muchimiro chine mufungo chokupedzisira papepa. Ikoku kunogona kuitwa nenzira dzakasiyana-siyana.
5, 6. Chii chinorehwa nendaza yemisoro? ndaza yemitsetse?
5 Marudzi endaza. Marudzi maviri anozivikanwa zvikurusa endaza ndeyemisoro neyemitsetse. Kazhinji kazhinji mubatanidzwa wembiri dzacho unoshandiswa. Kuti ugadzirire ndaza yemisoro, ingonyora zvako musoro wacho pamusoro pepeji. Ipapo nyora mifungo mikuru nokupfupikisa pasi pomusoro wacho, mufungo mukuru mumwe nomumwe uchinovambira kumucheto wokuruboshwe. Mifungo miduku yemufungo mukuru mumwe nomumwe inogona kutanga mukati, ndiko kuti, inonyorerwa kurudyi zvishomanene rwokumucheto, pasi pomufungo wainotsigira. Kana ipi neipi yeiyi mifungo miduku ine mapfundo okuwedzera okuitsigira, anogona kunyorwa nechomukatizve. Unogona kuona zvino nokuringa pepa rako kuti mifungoi yakatanhamara ine pfungwa huru idzo unoda kuti vateereri vako vanzwisise. Ikoku kunobetsera mukupa hurukuro nemhaka yokuti unogona kusimbisa idzodzi, uchidzokorora mashoko anokosha ari mumufungo mukuru mumwe nomumwe sezvaunotaura zvokuti anosimbiswa uye achaorora kwenguva refu zvikuru. Itai izvozvi nemufungo mukuru mumwe nemumwe sezvaunoukurukura. Simbiso muurwu rudzi rwendaza iri pakutaurwa nokupfupikisa nokuda kwomufungo upi noupi unopiwa.
6 Chimwe chimiro chinozivikanwa ndechendaza yemitsetse. Mune urwu rudzi rwendaza, mifungo yako yose yakasiyana-siyana inowanzotaurwa semitsetse yakazara asi yakapfupikiswa zvokuti mutsetse mumwe nomumwe unoumba mufungo mukuru wendima yehurukuro yacho. Mimwe yemitsetse iyoyi, chokwadika, ingatangira nechomukati pasi pemimwe kuita kuti mifungo mikuru yehurukuro itanhamare. Mukukurukura pane dzimwe nguva mutsetse unoraviwa nomukurukuri ipapo ndokutsanangura asingaravi. Marudzi ose ari maviri endaza ane betsero dzawo. Ndaza yemitsetse, nokutaura kwayo pfungwa zvakazara zvikuru, inowanzova iri nani nokuda kwehurukuro dzinogadzirwa pachine vhiki dzakati mberi kana kuti dzinopiwa dzapiwazve, asi nokumboregwa kwemwedzi inoverengeka, sezvinoitwa hurukuro dzavose.
7, 8. Nokuda kwokukurukurwa chaikoiko kwehurukuro, chii chaungaita nendaza yako?
7 Ungashandisa rudzi rwupi kana rwupi rwendaza, yemitsetse kana kuti yemisoro, nokuda kwendaza yako yokutanga, uye inogona kuva yakazara sezvaunoshuva. Neiyi nzira uchava nechokwadi chokubatanidza mifungo yose yakaisvonaka zvikuru yaungada kuti vateereri vako vawane. Zvisinei, nokuda kwokukurukura hurukuro ndaza pfupi zvikuru inodikanwa navamwe. Sezvaunogadzirira hurukuro yako kuti ukurukure ungava nendaza dzose dziri mbiri pamberi pako. Rovedza nendaza yakapfupikiswa kutozosvikira mifungo yawakabatanidza mairi yayeuchidza mifungo yose ine udzame zvikuru yaunayo pandaza yako yokutanga. Apo unogona kuyeuka mifungo iyoyi kubva pandaza pfupi, wagadzirira kukurukura hurukuro yacho.
8 Iyi, mukupfupikisa, ndiyo mifungo mikuru yokugadzira ndaza. Zvino kungakubetsera kurangarira muudzame hukuru zvikamu zvitatu zvikuru zvehurukuro.
9-12. (a) Chii chiri donzo resumo yehurukuro? (b) Ipa muenzaniso worudzi rumwe rwesumo.
9 Sumo. Donzo ramashoko esumo rinofanira kuva rokunyandura fariro yavateereri vako. Mitsetse yokutanga iyoyo inofanira kunyandura kufarira kwavo nhau yako ndokuvabetsera kuona chikonzero nei ichikosha kwavari. Mutsetse wokutanga zvikurukuru unofanirwa nokusanofunga. Kunokosha kuti uumbe kuonana kunofadza navateereri ndokusava usina mufungo kana kuti unoshora.
10 Kuna marudzi mazhinji esumo. Muenzaniso ungashandiswa, kana kuti nongedzero ingaitwa kumashoko akanokorwa akati ayo akarovedzana naavo vari kuteerera. Ungasuma chinetso chinoda mhinduro. Ruzivo rwenhau yenyaya yacho rungaumba sumo yayo imene. Nhevedzano yemibvunzo ingabvunzwa. Ungatotaura nokupfupikisa mifungo mikuru yauchafukidza.
11 Kunokosha kuti sumo ikodzerane zvakanaka nehurukuro yacho. Nokudaro muenzaniso unoorora unogona kuva unobudirira zvikuru, zvikurukuru kana mukurukuri achiushandisa muhurukuro yake yose. Ikoku hakusati kuchizongobetsera bedzi kuita kuti hurukuro yacho ive inofadza zvikuru uye iri nyore zvikuru kutevera uye kuyeuka, asiwo iyamuro mubvumirano, chero bedzi muenzaniso wacho ukasarudzwa zvakanaka.
12 Kukurukurwa kwesumo kuchava nezvizhinji zvokuita nomwero wefariro iyo vateereri vacharatidza. Mukurukuri anofanira kupinda muhurukuro yake aine inzwi rakasimba, rine chivimbo, uye asingandandamiri kana kuti kuzengurira kutaura. Nokuda kweichi chikonzero vamwe vakurukuri vanokuwana kuchibetsera chaizvoizvo kunyora mutsetse wokutanga kana kuti miviri yehurukuro yavo, kuva nechokwadi chokutanga kwakanaka.
13-16. (a) Tsanangura kukudziridzwa kungaitwa mutumbi wehurukuro. (b) Nguva yehurukuro inofanira kutapura sei kugadzirirwa kwemutumbi?
13 Mutumbi wehurukuro. Kune nzira zhinji umo mutumbi wehurukuro yako unogona kukudziridzwa. Ungada kupa mifungo inokosha zvishomanene pakutanga ipapo ndokukwira kumugumisiro, mifungo yakasimba zvikurusa ichitaurwa pakupedzisira. Mashoko angapiwawo munhevedzano yokufamba kwenguva, sezviri muhurukuro yakanyorwa pana Mabasa 7:2-53. Kukamura hurukuro kuva zvikamu zvikuru pahwaro hwemitoo yokukudziridza musoro mukuru ndimumwe mutoo wakanaka. Somuenzaniso, kudai musoro uri wokuti “Kudzikinurwa Murufu,” ungaukudziridza pasi pamapfundo makuru akadai sokuti “Kuvapo Kwakaita Rufu,” “Rudzi Rwavanhu Haruna Kukwanisa Kugovera Rudzikinuro,” “Uyo Bedzi Aigona Kurugovera uye Nei,” uye “Zvikomborero Zvinobva Murudzikinuro Rwakagoverwa.”
14 Padzimwe nguva ungawana kuti hurukuro yako inogona kukamurwa kuva mapoka omuzvarirwo, somuchiitiko chokupa kwaPauro mirayiridzo pakutanga kuungano yose, ipapo kuvakadzi, tevere kuvarume uye ipapo kuvana. (Ona VaEfeso, ganhuro 5 ne6.) Kana kuti ungawana kuti mashoko ako anokodzerana nokukudziridza maererano nechisakiso uye tapuro, kana kuti nokuya kunotaura chinetso ipapo ndokupa mhinduro. Padzimwe nguva miviri kana kuti inopfuura yemitoo iyoyi inogona kubatanidzwa nenzira inobudirira.
15 Kurondedzerwa kwakananga kwezviitiko, pasina kusuma nhevedzano yokufamba kwenguva, mutoo unozivikanwa zvikuru wokukudziridzwa kwehurukuro. Mashoko anorondedzera anowanzowedzera zvizhinji kuhurukuro. Dzimwezve hurukuro dzinogona kurongwa nenzira inofadza pahwaro hwechibvumikiso chinotsigira nechisingatsigiri pamusoro penhau yakati inoshanda yezuva racho.
16 Uchirangarira nguva, rega kunyanyozadza ndaza yako namashoko akanyanyowandisa. Mashoko akanaka anorasikirwa noukoshi kana nguva isina kukwana yabvumidzwa nokuda kwokukudziridzwa kwawo. Kunze kwezvo, munhu haasati achifanira kutaura chinhu chiri chose chaanoziva pamusoro penhau panguva imwe. Zvichida mamwe mativi omusoro mumwe chetewo wenhau anogona kukudziridzwa pane imwe nguva. Govera zvitsama zvakafanira zvenguva kumufungo mukuru mumwe nomumwe uri muhurukuro yako uye ipapo kugadziridza chaizvoizvo uwandu hwamashoko kuti agokodzera nguva iyeyo. Hunokosha hahusati huri uwandu hwamashoko asi panzvimbo pezvo kunaka kwawo.
17-20. Nei mhedziso dzichikosha, uye dzingakudziridzwa munzirai?
17 Mhedziso. Chikamu chokugumisa chehurukuro ipi neipi chinofanirwa nengwariro yakati mukugadzirira. Chinoitirwa kuisa pamwe chete mifungo yose yechibvumikiso iri mumutumbi wehurukuro ndokuisimbisa nomutoo wakadaro zvokupwisa vanzwi ndokuvanyandurira kuchiito mutsinhirano nokupwiswa kwakadaro. Panguva imwe cheteyo inofanira kuva pfupi uye yakananga zvikuru kwazvo.
18 Pane zvimiro zvinoverengeka zvaungasarudza mazviri maererano nomusoro wawakudziridza. Ungapfupikisa mifungo mikuru yehurukuro munhevedzano ine mufungo, kuchitungamirira nenzira yakajeka kumhedziso inofanira kutevera. Kana kuti ungashandisa mhedziso yokushandisa, uchiratidza muteereri mashandire anoita mashoko acho kwaari, uye chaanogona kuita somugumisiro wamashoko apiwa. Nedzimwe hurukuro, uye zvikurukuru nemharidzo dzinopiwa muushumiri hwapaimba neimba, kwakanakisisa kuva nemhedziso inonyandura. Inogona kukurudzira saimba, somuenzaniso, kugamuchira mabhuku kana kuti kubvuma gadziriro dzefundo yeBhaibheri mumusha make.
19 Mhedziso ingavawo yomugumisiro, inokwira kumufungo mukurusa unofanira kusiyiwa mundangariro yomuteereri. Nokuda kwokupeta hurukuro nenzira inobudirira, kwakafanirawo kubatanidza mhedziso nechimwe chinhu chadudzwa musumo. Mumwe anganongedzera shure kumuenzaniso wokutanga kana kuti kunokorwa kwamashoko. Kurumidziro yokusvika uye yokutevera chisarudzo chakati inowanzosimbiswa mumhedziso. Muenzaniso mukurusa mashoko aJoshua achigumisa hurukuro yake yokuonekana chinguvana asati afa.—Josh. 24:14, 15.
20 Kungaonekwa, ipapoka, kuti hurukuro yakasanorongwa inofanira kugovera sumo inonyandura ngwariro. Inofanira kubatanidza kukudziridzwa kune mufungo kwemifungo mikurusa yakasanosarudzwa inotsigira musoro. Uye inofanira kuva nemhedziso inonyandura vateereri kuti vagoita mutsinhirano nezano raMagwaro rapiwa. Mativi ose iwawa anofanira kugadzirirwa apo ndaza inenge ichigadzirwa. Kuronga hurukuro yako nounyanzvi kunogona kukuchengetera nguva, uye kunobetsera zvikurusa hurukuro ine revo uye inoroverera kwenguva refu murayiridzo unokosha mundangariro dzaavo vanoinzwa.