RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 4
  • Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Upenyu hwakanga hwakaita sei muParadhiso?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mwari Anorwadziwa—Tingaitei Kuti Afare?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Vamwe Vakuru Kwatiri
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 4
Adhama naEvha vanodzingwa mubindu reEdheni

NHAU 4

Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo

CHIONA kuti chii chiri kuitika zvino. Adhama naEvha vari kubudiswa mubindu rakaisvonaka reEdheni. Unoziva here kuti chikonzero nei?

Imhaka yokuti vakaita chimwe chinhu chakashata kwazvo. Nokudaro Jehovha ari kuvaranga. Unoziva here chinhu chakashata chakaitwa naAdhama naEvha?

Vakaita chimwe chinhu chavasina kuudzwa kuita naMwari. Mwari akavaudza kuti vangadya zvokudya pamiti yomubindu. Asi Mwari akati vasadya muti mumwe, nokuti vakadya vaizofa. Akaita kuti mutiwo urambe uri wake. Tinoziva kuti kutora chimwe chinhu chiri chomumwe munhu kwakashata, handiti? Eya, chii chakaitika?

Rimwe zuva apo Evha aiva oga mubindumo, nyoka yakataura naye. Funga nezvakwo! Yakaudza Evha kudya muchero womuti wavakaudzwa kusadya naMwari. Apo Jehovha akaita nyoka haana kudziita kuti dzigotaura. Nokudaro kungangoreva bedzi kuti mumwe munhu akanga achiita kuti nyoka itaure. Akanga ari aniko?

Anga asi Adhama. Nokudaro aitofanira kuva mumwe wavanhu vakanga vaitwa naJehovha kare asati aita pasi. Vanhuvo ingirozi, uye hatingadzioni. Ngirozi iyoyi yakanga yazvikudza zvikuru. Yakavamba kufunga kuti inofanira kuva mudzori saMwari. Uye yaida kuti vanhu vaiterere pane kuteerera Jehovha. Ndiyo ngirozi yakataurisa nyoka.

Iyi ngirozi yakakwanisa kunyengedza Evha. Payakamuudza kuti aizofanana naMwari kana akadya muchero, akakudavira. Nokudaro akadya, naAdhamawo. Adhama naEvha havana kuterera Mwari, ndokusaka vakarashikirwa nomusha wavo wakaisvonaka webindu.

Asi rimwe zuva Mwari achatarisira kuti pasi rose rinotsvindiswa sebindu reEdheni. Gare gare tichadzidza magovererane aungaita mukuriita nenzira iyi. Asika zvino, ngationei chakaitika kuna Adhama naEvha.

Genesisi 2:16, 17; 3:1-13, 24; Zvakazarurwa 12:9.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe