RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ll chikamu 3 pp. 8-9
  • Upenyu hwakanga hwakaita sei muParadhiso?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu hwakanga hwakaita sei muParadhiso?
  • Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mashoko Akafanana
  • Vamwe Vakuru Kwatiri
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Chii Chakaitika Kwavari Pavakateerera Satani?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Chikamu 3
    Teerera Mwari
Ona Zvimwe
Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
ll chikamu 3 pp. 8-9

CHIKAMU 3

Upenyu Hwakanga Hwakaita Sei muParadhiso?

Jehovha akapa Adhamu naEvha zvinhu zvakanaka zvakawanda. Genesisi 1:28

Jehovha paapedza kusika Evha, akamupa kuna Adhamu

Jehovha akasika mukadzi wekutanga, Evha, ndokumupa kuna Adhamu kuti ave mudzimai wake.​—Genesisi 2:21, 22.

Jehovha akavasika vaine pfungwa nemiviri yakakwana isina kana pakakanganisika.

Adhamu naEvha vari kutarisa musha wavo uyo waiva Paradhiso

Musha wavo waiva munda weEdheni uyo waiva paradhiso yakanaka chaizvo. Maiva nerwizi, nemiti yemichero, nemhuka.

Jehovha aitaura navo uye aivadzidzisa. Kudai vakamuteerera vaizorarama nekusingaperi muParadhiso pasi pano.

Pane muti wavakanzi vasadya muchero wawo. Genesisi 2:16, 17

Muti wakanzi Adhamu naEvha vasadya muchero wawo

Jehovha akaratidza Adhamu naEvha mumwe muti wemuchero waiva mumunda wacho, akavaudza kuti kana vakaudya vaizofa.

Ngirozi yakaipa inonzi Satani iri kushandisa nyoka kuti itaure naEvha

Imwe ngirozi yakapandukira Mwari. Ngirozi iyoyo yakaipa ndiSatani Dhiyabhorosi.

Satani akanga asingadi kuti Adhamu naEvha vateerere Jehovha. Saka akashandisa nyoka kuti audze Evha kuti kana akadya muchero wemuti iwoyo, aisazofa, asi aizofanana naMwari. Iwayo aiva manyepo.​—Genesisi 3:1-5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe