RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 3 p. 14-p. 15 ndim. 3
  • Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Vamwe Vakuru Kwatiri
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Upenyu hwakanga hwakaita sei muParadhiso?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Upenyu Hwakaoma Hunovamba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 3 p. 14-p. 15 ndim. 3
Adhamu naEvha vachibuda mumunda weEdheni

CHIDZIDZO 3

Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari

Adhamu akabata muchero wakarambidzwa waakanga apiwa naEvha

Rimwe zuva Evha paakanga ari ega, nyoka yakataura naye. Yakati kwaari: ‘Ndizvo here kuti Mwari akakurambidzai kudya michero yemiti yese?’ Evha akati: ‘Tinogona hedu kudya michero yemimwe miti yese kunze kwemichero yemuti mumwe chete. Kana tikadya michero yemuti wacho, tinofa.’ Nyoka yacho ikati: ‘Hamumbofi. Mufunge henyu, kana mukadya michero yemuti wacho, munobva mafanana naMwari.’ Chaiva chokwadi here? Aiwa, kwaiva kunyepa. Asi Evha akabvuma kunyeperwa. Evha paakaramba akatarisa michero yacho, akabva atowedzera kuda kuidya. Akabva adya michero yacho uye akazopawo Adhamu. Adhamu aiziva kuti kana vakasateerera Mwari vaizofa. Asi akangodya zvakadaro.

Adhamu naEvha pavari kubuda mumunda weEdheni, bakatwa riri kutenderera richibvira moto uye ngirozi zvinorinda nzira inoenda mumunda weEdheni

Pava paya musi iwoyo, Jehovha akazotaura naAdhamu naEvha. Akavabvunza kuti sei vasina kumuteerera. Evha akati nyoka ndiyo yaiva nemhosva, uye Adhamu akatiwo Evha ndiye aiva nemhosva. Jehovha akadzinga Adhamu naEvha mumunda wacho nekuti vakanga vasina kumuteerera. Mwari akabva aisa ngirozi nebakatwa raitenderera richibvira moto panzira yaienda kumunda wacho, kuitira kuti Adhamu naEvha vasazopinda imomo zvakare.

Jehovha akataura kuti wacho ainge anyepera Evha aizorangwawo. Rakanga risiri inzwi renyoka chaiyoiyo rakataura naEvha. Jehovha haana kusika nyoka dzichigona kutaura. Imwe ngirozi yakaipa ndiyo yakaita kuti nyoka itaure. Yakaita izvozvo kuti inyengedze Evha. Ngirozi yacho inonzi Satani Dhiyabhorosi. Munguva iri mberi, Jehovha achaparadza Satani kuitira kuti asaramba achinyengedza vanhu kuti vaite zvakaipa.

“Dhiyabhorosi . . . akanga ari muurayi kubvira pakutanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nekuti chokwadi hachisi maari.”—Johani 8:44, mashoko emuzasi

Mibvunzo: Nei Evha akadya muchero wakarambidzwa? Chii chakaitika kuna Adhamu naEvha pavasina kuteerera Jehovha? Satani Dhiyabhorosi ndiani?

Genesisi 3:1-24; Johani 8:44; 1 Johani 3:8; Zvakazarurwa 12:9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe