RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my chikamu 2
  • Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anokomborera Abrahamu Nemhuri Yake
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mhuri Inotamira Egipita
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • ‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zviri Mubhuku raGenesisi
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my chikamu 2

CHIKAMU 2

Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita

Vanhu vasere bedzi vakapukunyuka Mafashamo, asi munguva yakati kuti vakawedzera chiverengero kuva zvuuru zvizhinji. Ipapo, makore 352 pashure peMafashamo, Abrahama akaberekwa. Tinodzidza kuti Mwari akapfuurira sei kuchengeta chipikirwa chake nokupa Abrahama mwanakomana ainzi Isaka. Tevere, nezvavanakomana vairi vaIsaka, Jakobho akasarudzwa naMwari.

Jakobho akanga ane mhuri huru yavanakomana 12 navanasikana vakati kuti. Vanakomana vaJakobho 10 vaivenga munin’ina wavo Josefa nokudaro vakamutengesera muutapwa muEgipita. Gare gare, Josefa akava mubati ushe anokosha weEgipita. Pakasvika nzara huru, Josefa akaedza vakoma vake kuti agoona kana vakanga vachinja mwoyo. Pakupedzisira, mhuri yose yaJakobho, vaIsraeri, yakatamira Egipita. Ikoku kwakaitika makore 290 pashure pokuberekwa kwaAbrahama.

Kwamakore 215 akatevera vaIsraeri vakagara muEgipita. Pashure pokufa kwaJosefa, vakava varanda imomo. Munguva yakati kuti, Mosesi akaberekwa, uye Mwari akamushandisa kununura vaIsraeri muEgipita. Ose, makore 857 enhau anofukidzwa muChikamu CHECHIPIRI.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe