RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 15
  • Mudzimai waRoti Anocheuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mudzimai waRoti Anocheuka
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Yeuka Mudzimai waRoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Gadzirira Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari Anoita Sungano naAbrahamu
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Batsira Vamwe Pavanenge Vachishungurudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 15
Mudzimai waRoti akacheuka kuti aone zvaiitika kuSodhomu achibva ava shongwe yemunyu

NHAU 15

Mudzimai waRoti Anocheuka

ROTI nemhuri yake vaigara pamwe chete naAbrahama muKanani. Rimwe zuva Abrahama akati kuna Roti: ‘Pano hapana mafuro akaringanira zvipfuyo zvedu zvose. Ndapota, ngatiparadzanei. Kana ukaenda kunorumwe rutivi, ipapo ndichaendawo kunorumwe.

Roti akatarira panyika. Akaona rutivi rwakaisvonaka rwenyika rwaiva nemvura nouswa hwakanaka hwezvipfuyo zvake. Urwu rwaiva Ruwa rweJoridhani. Saka Roti akatamisirako mhuri yake nezvipfuyo. Pakupedzisira vakaita musha wavo muguta reSodhoma.

Vanhu veSodhoma vakanga vakaipa kwazvo. Ikoku kwakatsamwisa Roti, nokuti aiva munhu akanaka. Mwari akatsamwiswawo. Pakupedzisira, Mwari akatuma ngirozi mbiri kundonyevera Roti kuti aizoparadza Sodhoma neguta rapedyopo reGomora nemhaka youipi hwao.

Ngirozi dzakaudza Roti: ‘Chimbidza! Tora mudzimai wako navanasikana vako vaviri ndokubuda muno!’ Roti nemhuri yake vakatinonokei kuenda, nokudaro ngirozi dzakavabata maoko ndokuvabudisa kunze kweguta. Ipapo imwe yengirozi yakati: ‘Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka. Tizirai kuzvikomo, kuti mugorega kuuraiwa.’

Roti nevanasikana vake vari kutiza muSodhomu uye vakatarisa kwavari kuenda

Roti navanasikana vake vakaterera ndokutiza muSodhoma. Havana kumira kwechinguvana, uye havana kucheuka. Asi mudzimai waRoti haana kuterera. Vakati vaenda daro rakati o kubva Sodhoma, akamira ndokucheuka. Ipapo mudzimai waRoti akava shongwe yomunyu. Ungamuona here mumufananidzo?

Tingadzidza chifundo chakanaka makuri. Kunoratidza kuti Mwari unoponesa vanomuterera, asi vasingamutereri vacharashikirwa noupenyu hwavo.

Genesisi 13:5-13; 18:20-33; 19:1-29; Ruka 17:28-32; 2 Petro 2:6-8.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe