RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 10 p. 30
  • Yeuka Mudzimai waRoti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yeuka Mudzimai waRoti
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mudzimai waRoti Anocheuka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Gadzirira Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari Anoita Sungano naAbrahamu
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Batsira Vamwe Pavanenge Vachishungurudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 10 p. 30
Mudzimai waRoti anochinja kuva churu chemunyu, Roti nevanasikana vake pavari kubuda muSodhomu

CHIDZIDZO 10

Yeuka Mudzimai waRoti

Roti aigara munyika yeKenani naAbrahamu munin’ina wababa vake. Pava paya, Abrahamu naRoti vakava nezvipfuwo zvakawanda zvekuti vakanga vasingachakwanisi kuramba vachigara pamwe chete. Abrahamu akati kuna Roti: ‘Hazvichaiti kuti tirambe tichigara panzvimbo imwe chete. Saka iwewe chisarudza kuti unoda kuenda kudivi ripi, uye ini ndichaendawo kune rimwe racho.’ Wazviona here kuti Abrahamu aisangoda zvakamunakira iye chete?

Roti akaona kuti imwe nzvimbo yacho yainge yakanaka chaizvo pedyo neguta rainzi Sodhomu. Yaiva nemvura yakawanda uyewo uswa hwakasvibirira. Saka akasarudza nzvimbo iyoyo uye akabva atama akaenda kunogara ikoko nemhuri yake.

Vanhu vekuSodhomu nevekune rimwe guta raiva pedyo rainzi Gomora, vaiita zvakaipa chaizvo. Vanhu vacho vakanga vakaipa chaizvo zvekuti Jehovha akabva afunga kuparadza maguta iwayo. Asi Mwari aida kuponesa Roti nemhuri yake, saka akatumira ngirozi mbiri kuti dzivaudze kuti: ‘Kurumidzai! Budai muguta rino! Jehovha ari kuda kuriparadza.’

Asi Roti haana kubva abuda panguva iyoyo. Akaramba achingoverengera. Saka ngirozi dzacho dzakabata ruoko rwaRoti, rwemudzimai wake, nemaoko evanasikana vake vaviri dzikabuda navo muguta dzikati kwavari: ‘Mhanyai! Tizai kuti mupone, uye musacheuka. Kana mukacheuka munofa!’

Moto nesarufa zvichinaya muSodhomu neGomora

Pavakasvika kuguta rinonzi Zoari, Jehovha akaita kuti muguta reSodhomu neGomora munaye moto nesarufa. Maguta acho ari maviri akabva aparadzwa zvachose. Mudzimai waRoti paasina kuteerera Jehovha ndokucheuka, akabva achinja kuva churu chemunyu! Asi Roti nevanasikana vake vakapona nekuti vakateerera Jehovha. Vanofanira kunge vakasuwa chaizvo nekuti amai vacho havana kuteerera. Saka zvakakosha chaizvo kuti titeerere zvinenge zvataurwa naJehovha.

“Yeukai mudzimai waRoti.”—Ruka 17:32

Mibvunzo: Nei Jehovha akaparadza Sodhomu neGomora? Nei mudzimai waRoti akachinja kuva churu chemunyu?

Genesisi 13:1-13; 19:1-26; Ruka 17:28, 29, 32; 2 Petro 2:6-9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe