RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 40
  • Mosesi Anorova Dombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mosesi Anorova Dombo
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mutongi Anotonga Maererano Nezvakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Joshua Anova Mutungamiriri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 40
Mozisi naAroni vanozviti ndivo vabudisa mvura kubva mudombo

NHAU 40

Mosesi Anorova Dombo

GORE negore rinopfuura—makore 10, 20, 30, 39! Uye vaIsraeri vachiri murenje. Asi makore aya ose Jehovha anotarisira vanhu vake. Anovapa zvokudya zvemana. Anovatungamirira masikati neshongwe yegore, uye usiku neshongwe yomoto. Uye mumakore ose aya zvipfeko zvavo hazvibvaruki uye tsoka dzavo hadzivi nezvironda.

Zvino mwedzi wokutanga wegore rechi40 chifo chokubva Egipita. VaIsraeri vanodzikazve misasa paKadheshi. Ndopavaiveri apo tsori 12 dzakatumwa kundoshora nyika yeKanani kare anenge makore 40. Hanzvadzi yaMosesi Miriami inofira paKadheshi. Uye sanekare, pano pane chinetso.

Vanhu havangawani mvura. Saka vanonyunyutira Mosesi: ‘Kwaizova nani kudai takanga tafa hedu. Makatibudisireiko muEgipita ndokutipinza munzvimbo ino yakaipa musingameri chinhu? Hamuna zviyo, maonde, mazambiringa, matamba. Hamutongorina nemvura yose zvayo yokunwa.’

Mosesi naAroni pavanoenda kutabernakeri kundonyengetera, Jehovha anoudza Mosesi kuti: ‘Unganidza vanhu pamwe chete. Tevere pamberi pavo vose taura kudombo iri riri uko. Mvura yakawanda ichabuda mariri nokuda kwavanhu nemhuka dzavo dzose.’

Zvino Mosesi anounganidza vanhu, ndokuti: ‘Tererai, imi musingavimbi naMwari! Ko Aroni neni tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?’ Ipapo Mosesi anorova dombo kaviri netsvimbo, uye mvura zhinji zhinji inodururika mudombo. Pane mvura yakaringanira vanhu vose nezvipfuwo yokunwa.

Asi Jehovha anotsamwira Mosesi naAroni. Unoziva here kuti nei? Nemhaka yokuti Mosesi naAroni vakati ivo vaizobudisa mvura mudombo. Asi Jehovha akazviita chaizvo. Uye nemhaka yokuti Mosesi naAroni havana kuzivisa zvokwadi nezvaikoku, Jehovha anoti achavaranga. Anoti: ‘Hamuzati muchizopinza vanhu vangu muKanani.’

Nokukurumidza vaIsraeri vanobva Kadheshi. Pashure pechinguvana vanosvika paGomo reHori. Pano, pamusoro pegomo, Aroni anofa. Ava namakore 123 panguva yorufu rwake. VaIsraeri vanosuruvara zvikuru uye vanhu vose vanochemera Aroni kwamazuva 30. Mwanakomana wake Ereazari anova muprista mukuru anotevedzera worudzi rwaIsraeri.

Numeri 20:1-13, 22-29; Dheuteronomio 29:5.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe