Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Chii chakanga chiri chikanganiso chaMosesi icho chakamuparira kurasikirwa neropafadzo yokupinda muNyika Yakapikirwa? Chaiva here chokuti iye akarova dombo panzvimbo pokutaura chete kwariri kana kuti iye akakundikana kukudza Jehovha Mwari?
Kunoratidzika kuti chikanganiso chaMosesi chakanga chichipfuura kuti chete iye akarova dombo panzvimbo pokutaura kwariri, seizvo Mwari akanga araira.
Pedyo nomugumo wamakore 40 okudzungaira, vaIsraeri vakadzika musasa paKadheshi-bharnea murenje raZini (kana kuti, Parani). Ivo vakanga vadzika musasa ipapo makumi amakore pamberi pezvi, sezvingabvira nemhaka yokuti tsime mbiri dzomunharaunda macho dzinoparira nzvimbo ine miti yakasvibira nemvura, sezvinoonwa mumufananidzo wabatanidzwa. Paiyi nhambo, kunyanguvezvo, mvura yaishaika, uko kungave kwakareva kuti vanhu vaisagona kuwana zvokudya zvakawanda. Naizvozvo ivo vakaita nharo naMosesi, mumiriri waJehovha, vachiti: “Makatibudisireiko muEgipita, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haisi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.”—Numeri 20:5.
Ipapo Mwari akaudza Mosesi naAroni, kuti: “Tora tsvimbo, uunganidze ungano, . . . mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura yaro; unofanira kuvabudisira mvura padombo, unwise ungano nezvipfuvo zvavo.” (Numeri 20:8) Chii chakatevera kuitika?
“Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari: ‘Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?’ Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji zhinji.”—Numeri 20:10, 11.
Vamwe vakataura kuti Mwari akaraira Mosesi naAroni ku“taura kudombo,” asi ivo “vakarova dombo.” Ko uyu musiano wakasafadza kwazvo Jehovha zvokuti iye akaudza Mosesi naAroni kuti Iye haasati aizovabvumidza kutungamirira Israeri kupinda muNyika Yakapikirwa here?
Hakuratidziki kuva kwakadaro. Idi nderokuti mwedzi yakati chete pashure poKubuda, vanhu vakanga vatanga kunyunyuta pamsoro pokushaika kwemvura. Ipapa paiva pedyo neGomo reSinai (Horebhi), panzvimbo yakasvika pakunzi Meribha (munharaunda inoonwa pasi apa). Cherechedza izvo Mwari akaudza Mosesi panhambo iyoyo: “Ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhi, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” (Eksodho 17:2-7; 33:6) Naizvozvo apo, paKadheshi, Mosesi akaudzwa kutaura kudombo, iye angave akadisa kuita zvaakanga aita pamberi pezvi pakuraira kwaMwari, kunyange kudai Mwari akareva kuti kutaura kudombo kwaizova kwakakwana.
Kunoratidzika kuti chimwe chinhu chikuru chakatungamirira kurutongeso rwaMwari rwaMosesi naAroni. Ichocho chingave chaiva chii? Mosesi akati kuvanhu vanopopota: “Ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?” Pisarema 106:33 rinotipa chiono muna ikoku, nokuti rinoratidza kuti Mosesi akaita nemhaka yechimiro chokukasharara uye kuti iye ‘akataura nokukurumidza nemiromo yake.’ Namashoko okutsamwa, iye akadanira ngwariro kwaari amene naAroni panzvimbo pokuno Uyo aigona chaizvoizvo kugovera mvura nenenji. Nokudaro, pamberi chaipo pokufa kwaMosesi pamuganhu weNyika Yakapikirwa, Mwari akanongedzera kuchinoitika chapaKadheshi-bharnea ndokuratidzira kuti chikanganiso chaMosesi chaiva chokuti iye akakundikana ku‘tsvenesa Mwari pamberi pavanhu.’—Numeri 27:12-14.
Tinogona kuwana chifundo muna ikoku. Nepo zvamazvirokwazvo kuchikosha kuzvidzora timene pazviito zvehasha, kunokosha zvakaenzana kudzora chimiro chedu chendangariro, zvikurukuru apo vamwe vanokundikana. Kana tikazvirega timene tichiva vanonyanyovhiringidzika, tingavamba kurangarira vabatiri vaMwari pahwaro hwohunhu, panzvimbo pokuziva kuti ivo vachiri “makwai” aMwari. Chokwadi, ivo havana kukwana uye vangaita zvinhu zvingashatirisa, asi ivo “vanhu vake namakwai anofudzwa naye.” (Pisarema 100:3, NW) Mwari akarega Mwanakomana wake achifira vakadaro, naizvozvo hatifaniri here kuvavarira kuva vanovashivirira, tichipa ngwariro shoma pamsoro pokuti tinonzwa sei kana kuti tinotapurwa sei uye zvikuru pachimiro chavo naMwari?
[Mifananidzo iri papeji 31]
Chirimo panzvimbo panooneka miti nemvura paimwe yetsime munharaunda yeKadheshi-bharnea
[Kwazvakatorwa]
Mifananidzo, mapeji 10, 31: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.