RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 9/1 p. 19
  • Mutongi Anotonga Maererano Nezvakarurama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mutongi Anotonga Maererano Nezvakarurama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Mosesi Anorova Dombo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Maziso Ako Akatarira Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 9/1 p. 19

Swedera Pedyo naMwari

Mutongi Anotonga Maererano Nezvakarurama

Numeri 20:2-13

VATONGI vangapa mitongo isina kururama kana kuti yakanyanya kuoma asi Jehovha Mwari “anoda kururamisira”—haadaro. (Pisarema 37:28) Kunyange zvazvo achishivirira haangoregereri zvose zvose. Anoita maererano nezvakarurama. Chimbofunga zvaakaita vanhu pavakapopota uye pavakapanduka, sezvakanyorwa muna Numeri chitsauko 20.

Rwendo rwavo rwomurenje rwava kunopera, vaIsraeri vakava nedambudziko rokushaya mvura.a Vanhu vakatanga kupopotera Mosesi naAroni vachiti: “Makauyisirei ungano yaJehovha murenje rino kuti isu nemhuka dzedu dzinotakuriswa zvinhu tifire imomo?” (Ndima 4) Vanhu vakanyunyuta kuti renje racho rakanga riri ‘nzvimbo yakaipa’ yakanga isina “maonde nemazambiringa nemapomegraneti”—zviri zvinhu zvakanga zvaunzwa netsori dzechiIsraeri kubva kuNyika Yakapikirwa makore akanga adarika—uye vakanyunyuta kuti pakanga ‘pasina mvura yokunwa.’ (Ndima 5; Numeri 13:23) Kutaura zvazviri, vaipomera Mosesi naAroni nokuti renje rakanga risina kufanana nenyika inobereka iyo chizvarwa chainyunyuta chakanga charamba kupinda!

Jehovha haana kuramba vapanduki vacho. Asi akarayira Mosesi kuti aite zvinhu zvitatu: kutora tsvimbo yake, kuunganidza vanhu, uye ‘kuudza ibwe pamberi pavo kuti ribudise mvura yaro.’ (Ndima 8) Mosesi akateerera mirayiro miviri yokutanga, asi akatadza kuteerera wechitatu. Pane kuti ataure kuibwe achiratidza kutenda muna Jehovha, akataura achipopotera vanhu achiti: “Chinzwai, zvino, imi vapanduki! Tikubudisirei mvura inobva paibwe iri here?” (Ndima 10; Pisarema 106:32, 33) Mosesi akabva arova ibwe racho kaviri, “mvura zhinji ikabuda.”—Ndima 11.

Nokudaro Mosesi pamwe chete naAroni vakaita chivi chakakura. Mwari akati kwavari, “Imi makapandukira murayiro wangu.” (Numeri 20:24) Nokuita zvinopesana nemurayiro waMwari pachiitiko ichi, Mosesi naAroni vakava vapanduki—zviri izvo zvavaipomera vanhu. Mutongo waMwari wakanga wakajeka: Mosesi naAroni vaisazotungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa. Mutongo wacho wakanga wakanyanya kuoma here? Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti titi kwete.

Chekutanga, Mwari akanga asina kurayira Mosesi kuti ataure nevanhu, ndoda kuvati vapanduki. Chechipiri, Mosesi naAroni vakatadza kukudza Mwari. Mwari akati, ‘Hamuna kunditsvenesa.’ (Ndima 12) Nokutaura kuti “tikubudisirei mvura,” Mosesi akataura sokunge kuti iye naAroni ndivo vaizoita chishamiso chokupa vanhu mvura—kwete Mwari. Chechitatu, mutongo wacho waienderana nemimwe mitongo yakanga yapiwa naMwari munguva yakapfuura. Mwari akanga arambidza vamwe vakanga vambopanduka kuti vapinde muKenani, saka akaita zvakafanana kuna Mosesi naAroni. (Numeri 14:22, 23) Chechina, Mosesi naAroni vakanga vari vatungamiriri vevaIsraeri. Vaya vakapiwa zvakawanda zvokuita vachazvidavirira zvikuru kuna Mwari.—Ruka 12:48.

Jehovha anotonga maererano nezvakarurama. Sezvo achida kururamisira, haakwanisi kupa mitongo isina kururama. Zviri pachena kuti tinofanira kuvimba uye kuremekedza Mutongi akadaro.

[Mashoko Omuzasi]

a Vabuda muIjipiti, vaIsraeri vakanga vagadzirira kupinda muKenani, nyika yakanga yavimbiswa Abrahamu naMwari. Asi tsori gumi padzakadzoka nemushumo wakaipa, vanhu vakanyunyutira Mosesi. Nokudaro Jehovha akasarudza kuti vapedze makore 40 vari murenje—nguva yakakwana kuti chizvarwa chose chaipanduka chife.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe