RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 46
  • Masvingo eJeriko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Masvingo eJeriko
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Rakabhi Akahwandisa Vasori
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Rakabhi Anovanza Tsori
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Rakabhi Aitenda Muna Jehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Akanzi “Akarurama Nemabasa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 46
Joshua ari kutungamirira vaIsraeri vari kushevedzera nekuridza hwamanda, masvingo eJeriko achiwondomoka

NHAU 46

Masvingo eJeriko

CHII chiri kukoromora masvingo aya eJeriko? Anenge arovanywa nebhomba guru. Asika mumazuvawo vanga vasina mabhomba; vanga vasina kunyange pfuti. Ndirimwe nenji raJehovha. Ngatinzwei kuti zvakaitika sei.

Terera chinoudzwa Joshua naJehovha: ‘Iwe navarume vako vanorwa muchapoterera guta. Ripotererei kamwe chete zuva rimwe nerimwe kwamazuva matanhatu. Potererai neareka yesungano. Vaprista vanomwe vanofanira kufamba mberi kwayo vachiridza hwamanda dzavo.

‘Pazuva rechinomwe munofanira kupoterera guta kanomwe. Tevere ndokuridza nguva refu hwamanda, uye itai kuti ari wose adanidzire nokudanidzira kukuru kwehondo. Ipapo masvingo achakoromoka!’

Masvingo eJeriko anowondomoka kunze kweimba yaRakabhi yakasungirirwa tambo tsvuku

Joshua navanhu vanoita zvataurwa naJehovha. Pavanopoterera, ari wose akati mwi-i. Hapana anotaura shoko. Chinongonzwika bedzi ndiko kurira kwehwamanda nomutsindo wetsoka dzinofamba. Vavengi vavanhu vaMwari muJeriko vanofanira kuve vaitya. Ungaona here bote iro rinorembera pawindi? Iwindi raaniko? Hungu, Rakabhi aita zvaakaudzwa kuita netsori mbiri. Mhuri yokwake yose iri mukati ichiona pamwe naye.

Pakupedzisira, pazuva rechinomwe, pashure pokupoterera guta kanomwe, hwamanda dzinorira, vanhu vokurwa vanodanidzira, masvingo anokoromoka. Ipapo Joshua anoti: ‘Urayai munhu ari wose muguta ndokuripisa. Pisai chinhu chiri chose. Chengetai bedzi sirivha, ndarama, ndarira nedare, ndokuzviisa mupfuma yetendi raJehovha.’

Kutsori mbiri, Joshua akati: ‘Pindai mumba yaRakabhi, uye mubudisei nemhuri yokwake yose.’ Rakabhi nemhuri yokwake vanoponeswa, sokumupikira kwakanga kwaita tsori.

Joshua 6:1-25.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe