RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 48
  • VaGibheoni Vakachenjera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaGibheoni Vakachenjera
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Joshua nevaGibhiyoni
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Zvatinodzidza Panyaya yevaGibhiyoni
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Zuva Rinomira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Ita Nokuchenjera Mukunangana Nengwavaira
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 48
VaGibhiyoni vari mumusasa wevaIsaeri vakapfeka nguo dzakasakara uye vaine chingwa chakaoma

NHAU 48

VaGibheoni Vakachenjera

MAZHINJI amaguta muKanani zvino anogadzirira kurwisana naIsraeri. Anofunga kuti angakunda. Asi vanhu vomuguta riri pedyopo reGibheoni havafungi kudaro. Vanodavira kuti Mwari ari kubetsera vaIsraeri, uye havadi kurwisana naMwari. Zvino unoziva here chinoita vaGibheoni?

Vanosarudza kuita kuti kuoneke sokunge kuti ivo vanogara kumwe kure kure. Zvino vamwe vavarume vanopfeka mamvemve neshangu dzakabvaruka. Vanokwidza masaka akabvaruka pambongoro dzavo, uye vanotora chingwa chekare chakaoma. Ipapo vanoenda kuna Joshua ndokuti: ‘Tabva kunyika iri kure kwazvo, nokuti takanzwa nezvaMwari wenyu mukuru, Jehovha. Takanzwa zvinhu zvose zvaakakuitirai muEgipita. Saka vatungamiriri vedu vakatiudza kugadzirira mbuva ndokuenda kundoti kwamuri: “Tiri vabatiri venyu. Pikirai kuti hamuzorwisani nesu.” Mungaona kuti zvipfeko zvedu zvabvaruka norwendo rurefu uye kuti chingwa chedu chava chekare uye chaoma.’

Joshua navamwe vatungamiriri vanodavira vaGibheoni. Vanopikira kusarwisana navo. Asi mazuva matatu pashure vanonzwa kuti vaGibheoni vanogara pedyopo zvomenemene.

‘Makatizivisireiko kuti makabva kunyika iri kure?’ Joshua anovabvunza.

VaGibheoni vanoti: ‘Takadaro nokuti takaudzwa kuti Mwari wenyu Jehovha akanga apikira kukupai nyika ino yose yeKanani. Saka taitya kuti mungatiuraya.’ Asi vaIsraeri vakachengeta chipikirwa chavo, havana kuuraya vaGibheoni. Asi vakavaita vabatiri vavo.

Mambo weJerusarema anotsamwa nokuti vaGibheoni vaita rugare naIsraeri. Saka kunamamwe madzimambo mana anoti: ‘Uyai mundibetsere kurwisa Gibheoni.’ Madzimambo mashanu aya anoita kudaro. VaGibheoni vakachenjera here kuita rugare naIsraeri, uko zvino kunosakisa madzimambo aya kuuya kuzorwisana navo. Tichaona.

Joshua 9:1-27; 10:1-5.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe