RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 68
  • Vakomana Vairi Vanoraramazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakomana Vairi Vanoraramazve
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Muenzaniso Wokuzvipira uye Wokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Erisha Akaona Ngoro Dzomoto​—⁠Unodzionawo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Simudza Mwanakomana Wako”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 68
Muprofita Eriya aine chirikadzi yekuZarefati nemwanakomana wayo

Nhau 68

Vakomana Vairi Vanoraramazve

KANA ukafa, amai vako vanganzwa sei kudai waizomutsirwa kuupenyu? Vaizofara kwazvo! Asika munhu akafa angararamazve here? Kwakamboitika here kare?

Tarira murume ari pano, nomukadzi nekakomana. Murumeyo muprofita Eria. Mukadzi ichirikadzi yomuguta reZerafati, uye kakomana mwana wake. Eya, rimwe zuva kakomana kanorwara. Kanorwarisisa kusvikira kazofa. Eria ibvei oti kumukadzi: ʼNdipe mukomana.ʼ

Eria anokwira nomwana afa mumba yapamusoro ndokumuvanzarika pahuvato. Ibvei onyengetera: ʼ0 Jehovha, raramisaizve mukomanayu.ʼ Mukomana anotanga kufema ipapo! Ipapo Eria anodzika naye pasi ndokuti kumukadzi: ʼTarira, mwanakomana wako mupenyu!ʼ Ndokusaka mai vachifara zvikuru.

Mumwe muprofita anokosha waJehovha anonzi Erisha. Anobatira somubetseri waEria. Asi munguva yakati Jehovha anoshandisawo Erisha kuita manenji. Rimwe zuva Erisha anoenda kuguta reShunemi, kwaanoitirwa mutsa kwazvo nomukadzi. Pashure mukadzi uyu anova nomwanakomana.

Mamwe mangwanani, mwanayo akura, anondokumbanira baba vake vari kushanda mumunda. Kamwe kamwe mukomanayo anodanidzira kuti: ʼMusoro wangu unotema!ʼ Aendeswa kumba, mukomanayo anofa. Haiwa vanosuruvara sei mai vake! Pakarepo vanondotora Erisha.

Panosvika Erisha, anopinda mukamuri rinomwana afa. Anonyengetera kuna Jehovha, ndokuvata pamusoro pechitunha. Nokukurumidza muviri womukomana unodziya, ndokuotsira kanomwe. Haiwa mai vake vanofara sei pavanopinda ndokuona mukomana wavo ari mupenyu.ʼ

Vanhu vazhinji zhinji vakafa. Ikoku kwakasuruvarisa mhuri dzavo neshamwari zvikuru. Hatina simba rokumutsa vakafa. Asi Jehovha anaro. Gare gare tichadzidza kuti achadzorera sei mamirioni mazhinji avanhu kuupenyu.

1 Madzimambo 17:8-24; 2 Madzimambo 4:8-37.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe