RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 8/1 p. 27
  • “Simudza Mwanakomana Wako”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Simudza Mwanakomana Wako”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Uto raJehovha Remoto
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Erisha Akaona Ngoro Dzomoto​—⁠Unodzionawo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Vakomana Vairi Vanoraramazve
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 8/1 p. 27

Swedera Pedyo naMwari

“Simudza Mwanakomana Wako”

2 MADZIMAMBO 4:8-37

KUFIRWA nomwana ndicho chimwe chezvinhu zvinorwadza chaizvo muupenyu. Jehovha Mwari ane simba rokubvisa marwadzo acho. Tinoziva kuti ichi ichokwadi nokuti panguva yakanyorwa Bhaibheri akambopa vamwe varume vanoverengeka simba rokumutsa vakafa. Imwe nyaya iri pana 2 Madzimambo 4:8-37, inotaura nezvokumutswa kwekamwe kamukomana nomuprofita Erisha.

Nyaya yacho inoitika muguta reShunemi. Mumwe murume nomudzimai wake aiva asina mbereko vanogara vachigamuchira Erisha mumba mavo vachimupa zvokudya nepokugara. Rimwe zuva muprofita anoudza mukadzi uyu kuti: “Panguva ino yakatarwa gore rinouya uchange wakagumbatira mwanakomana.” Mukadzi uyu anozoguma abata mwana mumaoko ake sekuudzwa kwaanenge aitwa naErisha, chinova chinhu chaanga asingambotarisiri. Asi kufara kwacho ndekwenguva pfupi. Mushure memakore mashomanana, mwana uyu anotemwa nemusoro zvakaipisisa paanenge ari kumunda uye anobva aendeswa kumba kwaanosvika achifira “pamakumbo” aamai vake. (Ndima 16, 19, 20) Amai vacho vanenge vachishungurudzika vanosimudza chitunha chacho vochiisa pamubhedha waiwanzorara muprofita kana avashanyira.

Abvumirwa nomurume wake, haaiti zvokunonozeka, anobva ati tande akananga kuGomo reKameri riri kure nemakiromita 30 kuti anoona Erisha. Paanomuona haambochemi kana kuratidza kuti afirwa. Imhaka here yokuti akanga ambonzwa kuti Eriya uyo aimboshanda naErisha, akanga ambomutsa mwanakomana wechirikadzi? (1 Madzimambo 17:17-23) Mukadzi uyu wokuShunemi anotenda here kuti Erisha achamutsa mwana wake? Chero zvazvingava, anoramba kudzokera kumba kusvikira Erisha abvuma kuti vaende vose.

Pavanenge vasvika kuShunemi, Erisha ari oga anopinda mumba iya yaaisisvikira obva aona chitunha chemwana chiri “pamubhedha wake.” (Ndima 32) Muprofita wacho anobva anyengetera kuna Jehovha achikumbira nomwoyo wose. Zvadaro, Erisha paanobata mwana uyu, ‘nyama yomwana inotanga kudziya zvishoma nezvishoma.’ Mwoyo wemwana uyu wanga wambomira unotanga kurova zvekare! Erisha anoudza amai vacho mashoko anoita kuti kushungurudzika kwavo kupedzisire kwava mufaro achiti: “Simudza mwanakomana wako.”—Ndima 34, 36.

Nyaya yokumutswa kwemwanakomana wemukadzi wokuShunemi inoita kuti tive netariro uye tinyaradzwe. Jehovha anonyatsoziva kurwadziwa kunoita vabereki vanenge vafirwa nemwana. Chinotofadza ndechokuti anoshuva kubvisa marwadzo iwayo. (Jobho 14:14, 15) Kumutswa kwevanhu kwakaitwa naErisha nevamwewo vanotaurwa nezvavo muBhaibheri ingori mienzaniso yezvichazonyatsoitwa naJehovha paachamutsa vanhu vakawanda munyika itsva yakarurama iri kuuya.a

Kuvimbisa kunoita Bhaibheri nezvokuti vakafa vachamutswa hakurevi kuti haticharwadziwi kana tafirwa nemunhu watinoda. Mumwe muKristu akatendeka akafirwa nemwana wake akati: “Kurwadziwa kwandinoita hakumbofi kwakapera kusvikira ndabatazve mwanakomana wangu.” Chimbofunga mufaro uchavapo pauchaonana nehama neshamwari dzako dzakafa padzinenge dzamutswa. Pfungwa yokuti uchakwanisa kumbundirana navo inoita kuti marwadzo auinawo iye zvino aderere. Unonzwa uchida kudzidza zvakawanda nezvaMwari anotipa tariro iyi inokosha here?

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uone kutsanangurwa kwenyaya yokumutswa inovimbiswa muBhaibheri, ona chitsauko 7 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe