RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 73
  • Mambo Wokugumisira waIsraeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mambo Wokugumisira waIsraeri
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Josiya Aida Mutemo waMwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Josia Anozvininipisa Aidiwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 73
Mambo Josiya nevarume vake vachiparadza zvidhori zvaishandiswa pakunamata kwenhema

NHAU 73

Mambo Wokugumisira waIsraeri

JOSIA anongova namakore masere bedzi apo anova mambo wendudzi 2 dzokuzasi dzaIsraeri. Izera duku kwazvo rokuti munhu ave mambo. Nokudaro pakutanga vakuru vanomubetsera kubata ushe rudzirwo.

Josia ava mambo kwamakore manomwe anovamba kutsvaka Jehovha. Anotevera muenzaniso wamadzimambo akanaka saDhavhidhi, Jehoshafati naHezekia. Ipapo, achingunoveri pwere, Josia anoita chinhu choushingi.

Kwenguva refu uzhinji hwavaIsraeri hwave hwakaipa kwazvo. Vanonamata vamwari venhema. Vanokotamira zvidhori. Saka Josia anobuda navarume vake ndokuvamba kubvisa namato yenhema munyikayo, lri ibasa guru nokuti vanhu vazhinji kwazvo vanonamata vamwari venhema. Ungaona Josia navarume vake pano vachiputsa zvidhori.

Pashure pacho, Josia anoisa varume vatatu mukutarisira kugadziridzwa kwetembere yaJehovha. Mari inounganidzwa kubva kuvanhu ichipiwa kuna ava varume kuripira basa rinofanira kuitwa. Vachingunoshanda patembere, muprista mukuru Hirkia anowana chimwe chinhu chinokosha kwazvo imomo. Ibhuku rimene romutemo iro Jehovha akaita kuti Mosesi anyore kare kare. Rakanga rarasika kwamakore mazhinji.

Bhuku rinoendeswa kuna Josia, uye anokumbira kuti rimuravirwe. Zvaanoterera, Josia angaona kuti vanhu vave vasingachengeti mutemo waJehovha. Anosuruvara kwazvo pamsoro pakwo, nokudaro anobvarura nguvo dzake, sezvaungaona pano. Anoti: ʼJehovha atitsamwira, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta mitemo yakanyorwa mubhuku iri.

Mambo Josiya anonetseka paanoverengerwa mutemo waMwari

Josia anoraira muprista mukuru Hirkia kuti agowana kuti Jehovha achaitei navo. Hirkia anoenda kumukadzi Hardha, ari muprofitakadzi, ndokumubvunza. Anomupa iri shoko rabva kuna Jehovha rokuenda naro kuna Josia: ʼJerusarema navanhu vose richarangwa nokuti vakanamata vamwari venhema uye nyika yakazadzwa noushati. Asi sokuti iwe, Josia, waita chiri chakanaka, chirango ichi hachizouyi kusvikira pashure porufu rwako.ʼ

2 Makoronike 34:1-28.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe