RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 79
  • Dhanieri Ari Mugomba Reshumba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhanieri Ari Mugomba Reshumba
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Dhanieri Mugomba reShumba
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kununurwa Mukanwa meShumba!
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Dhanieri Akabatira Mwari Nguva Dzose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Dhariusi—Mambo Aiva Nepfungwa Yokururamisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 79

NHAU 79

Dhanieri Ari Mugomba Reshumba

MAIWE-E! Dhanieri anenge ari munhamo huru. Asi shumba hadzizi kumukuvadza! Unoziva here kuti nei? Ndiani apinza Dhanieri muno mune shumba dzose idzi? Ngatiwanei.

Mambo weBhabhironi zvino ava murume anonzi Dhariusi. Anoda Dhanieri kwazvo nokuti Dhanieri anomutsa kwazvo uye akachenjera. Dhariusi anosarudza Dhanieri kuva mubati ushe mukuru muumambo hwake. Ikoku kunoita vamwe varume vari muumambohwo vaitire godo Dhanieri, nokudaro vanoita izvi.

Vanoenda kuna Dhariusi ndokuti: ʼTabvumirana, O mambo, kuti mugoita mutemo unoti kwamazuva 30 hakuna munhu anganyengetera kuna mwari upi noupi kana munhu kunze kwenyu, O mambo. Aninani akasaterera, ipapo anofanira kukandwa mune shumba.ʼ Dhariusi haazivi kuti nei varume ava vachida kuti mutemo uyu uitwe. Asi anofunga kuti mufungo wakanaka, saka anoita kuti mutemo unyorwe. Zvino mutemo haungagoni kuchinjwa.

Dhanieri paanonzwa mutemowo, anondonyengetera kumba, sezvaanogaroita. Varume vakaipa vaiziva kuti Dhanieri haangaregi kunyengetera kuna Jehovha. Vanofara, nokuti kunenge kuti bangano ravo rokubvisa Dhanieri riri kushanda.

Apo Dhariusi anonzwa kuti nei varumeva vaida kuti mutemowu uitwe, anonzwa urombo. Asi haangagoni kuchinja mutemo, saka anofanira kuraira kuti Dhanieri akandwe mugomba reshumba. Asi mambo anoti kuna Dhanieri: ʼNdinokarira kuti Mwari wako, waunobatira, uchakuponesa.ʼ

Mambo Dhariyasi akatarisa mugomba reshumba

Dhariusi anotsamwa zvokuti haangarari usikuhwo. Mangwanani anomanyira kugomba reshumba. Ungamuona apo. Anodanidzira: ʼDhanieri, mubatiri waMwari mupenyu! Mwari waunobatira akakwanisa kukuponesa pashumba here?ʼ

ʼMwari akatuma ngirozi yake,ʼ anodaro Dhanieri, ʼndokupfiga miromo yeshumba zvokuti hadzina kundikuvadza.ʼ

Mambo anofara kwazvo. Anoraira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Ibvei oita kuti varume vakaipa vakaedza kubvisa Dhanieri vakandwe mushumba. Vasati vambotosvika pasi pegomba, shumba dzinovabata ndokuvhuna mapfupa avo ose.

Ipapo Mambo Dhariusi anonyorera vanhu vose vari muumambo hwake kuti: ʼNdinoraira kuti munhu ari wose anofanira kuremekedza Mwari waDhanieri. Anoita manenji makuru. Akaponesa Dhanieri pashumba.ʼ

Dhanieri 6:1-28.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe