RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 64 p. 152-p. 153 ndim. 4
  • Dhanieri Mugomba reShumba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhanieri Mugomba reShumba
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Dhanieri Ari Mugomba Reshumba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kununurwa Mukanwa meShumba!
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Dhanieri Akabatira Mwari Nguva Dzose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Dhariusi—Mambo Aiva Nepfungwa Yokururamisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 64 p. 152-p. 153 ndim. 4
Varume vane godo vawana Dhanieri achinyengetera ari pakatarisana nehwindo

CHIDZIDZO 64

Dhanieri Mugomba Reshumba

Bhabhironi rakazotongwawo nemumwe muMedhiya ainzi Dhariyasi. Dhariyasi akaona kuti maitiro aDhanieri ainge akasiyana chaizvo neevamwe. Saka akamugadza kuti atungamirire varume vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro vemunyika yacho. Varume ava vaiitira Dhanieri godo uye vaida kuti afe. Vaiziva kuti ainyengetera kuna Jehovha katatu zuva rega rega, saka vakaudza Dhariyasi kuti: ‘Haiwa mambo, ngapaiswe mutemo wekuti munhu wese anofanira kunyengetera kwamuri chete. Chero munhu upi zvake anenge asina kuuteerera anofanira kukandwa mugomba rakazara shumba.’ Dhariyasi akafarira zvavakataura uye akabva asaina mutemo wacho.

Dhanieri paakangonzwa nezvemutemo wacho, akabva aenda kumba kwake. Akapfugama ari pakatarisana nehwindo rakavhurika uye akanyengetera kuna Jehovha. Varume vacho avo vaiva negodo vakangoerekana vapinda mumba make uye vakamuwana achinyengetera. Vakamhanya kuna Dhariyasi vachibva vamuudza kuti: ‘Dhanieri haasi kukuteererai. Anonyengetera kuna Mwari wake katatu zuva rega rega.’ Dhariyasi aifarira Dhanieri saka akanga asingadi kuti afe. Akaswera achifunga kuti oita sei kuti aponese Dhanieri. Asi kunyange mambo pachake akanga asingakwanisi kuchinja mutemo waainge asaina. Saka aitofanira kuudza vashandi vake kuti vakande Dhanieri mugomba reshumba dzairura.

Usiku ihwohwo, Dhariyasi akatadza kurara nekuti ainetseka chaizvo nezvaDhanieri. Ava mangwanani, akamhanya kugomba reshumba akashevedzera kuna Dhanieri achiti: ‘Mwari wako akununura here?’

Dhariyasi akanzwa inzwi. Rakanga riri raDhanieri! Akabva ati kuna Dhariyasi: ‘Ngirozi yaJehovha yavhara miromo yeshumba. Hadzina kana kumbondikuvadza.’ Dhariyasi akafara chaizvo! Akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba racho. Dhanieri akanga asina kana kavanga zvako. Mambo akabva arayira kuti: ‘Varume vakapomera Dhanieri ngavakandwe mugomba reshumba.’ Varume ivavo pavakakandwa mugomba racho, shumba dzakavabvambura-bvambura dzikavadya vese.

Dhariyasi akanyorera vanhu vake murayiro wekuti: ‘Munhu wese anofanira kutya Mwari waDhanieri. Akanunura Dhanieri kuti asadyiwa neshumba.’

Unonyengetera kuna Jehovha mazuva ese sezvaiitwa naDhanieri here?

Dhanieri ari mugomba reshumba

“Jehovha anoziva nzira yekununura nayo mumuedzo vanhu vakazvipira kwaari.”—2 Petro 2:9

Mibvunzo: Chii chaiitwa naDhanieri katatu zuva rega rega? Jehovha akanunura sei Dhanieri?

Dhanieri 6:1-28

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe