RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 89
  • Jesu Anochenura Tembere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anochenura Tembere
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anochenesa Temberi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 89
Jesu adzingira panze vanhu vari kuchinja mari uye anopidigura matafura avo

NHAU 89

Jesu Anochenura Tembere

JESU anenge ashatirwa kwazvo pano, haazati here? Unoziva here kuti nei ashatirwa kwazvo. Nokuti varume ava vari patembere yaMwari paJerusarema vanamakaro kwazvo? Vari kuedza kuita mari zhinji inobva kuvanhu vauya muno kuzonamata Mwari.

Unoona mikono miduku yose iyo namakwai nenjiva here? Eya, varume vari kutengesa mhuka idzi pano chaipo patembere. Unoziva here kuti nei? Nokuti valsraeri vanoda mhuka neshiri zvokubaira kuna Mwari.

Mutemo waMwari waiti kana mulsraeri akaita chakaipa, anofanira kuita chipiriso kuna Mwari. Uye paivawo nedzimwe nguva, apo valsraeri vaitofanira kuita zvipiriso. Asi mulsraeri aizowana kupi shiri nemhuka dzokupira kuna Mwari?

Vamwe valsraeri vaiva neshiri nemhuka. Saka vaigona kupira idzi. Asi valsraeri vazhinji vaiva vasina mhuka dzipi nedzipi neshiri. Vamwe vaigara kure kwazvo neJerusarema zvokuti havaigona kuuya nemhuka dzavo kutembere. Saka vanhu vaiuya pano ndokutenga mhuka kana shiri dzavaida. Asi vanhu ava vaidhurisira vanhu. Vainyengedza vanhu. Kunze kwezvi, havasaifanira kutengesera muno chaimo mutembere yaMwari.

Izvi ndozvinotsamwisa Jesu. Nokudaro anowisa matafura avanhu anemari achiparadzira mari yavo. Uyewo, anoruka tyava yorwonzi ndokubudisa mhuka dzose mutembere. Anoraira vanhu vanotengesa njiva kuti: ‘Dzibudisei muno! Regai kuita imba yaBaba vangu nzvimbo yokuitira mari zhinji.’

Vamwe vavateveri vaJesu vanaye pano patembere muJerusarema. Vanoshamiswa nezvavanoona Jesu achiita. Zvino vanoyeuka nzvimbo iri muBhaibheri panoreva nezvoMwanakomana waMwari kuti: ‘Kuda imba yaMwari kuchapisa maari somwoto.’

Jesu achingunoveri muno muJerusarema achipinda Darikwo, anoita manenji mazhinji. Pashure pacho, Jesu anobva Judhea ndokuvamba rwendo rwake rwokudzokera Garirea. Asi parwendo rwake, anoenda nomuruwa rweSamaria. Ngatione chinoitika imomo.

Johane 2:13-25; 4:3, 4.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe