RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 76 p. 180-p. 181 ndim. 2
  • Jesu Anochenesa Temberi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anochenesa Temberi
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anochenura Tembere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Temberi Inocheneswa Zvekare
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Awa Yasvika!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 76 p. 180-p. 181 ndim. 2
Jesu anoshandisa chiwepu pakubudisa mhuka mutemberi uyewo anopidigura matafura evaichinja mari

CHIDZIDZO 76

Jesu Anochenesa Temberi

Munenge muna April, mugore ra30 C.E., Jesu akaenda kuJerusarema. Vanhu vakawanda vakanga vauya kuguta racho kuPaseka. Pamutambo wePaseka vanhu vaiwanzopa zvibayiro zvemhuka patemberi. Vamwe vanhu vaiuya nemhuka dzavo, asi vamwe vaiita dzekutenga muJerusarema.

Jesu paakaenda kutemberi, akaona vanhu vachitengesa mhuka. Vakanga vachitoita zvavo mari paimba yaJehovha yekunamatira! Jesu akaita sei? Akagadzira chiwepu, achibva atanga kutinha makwai nemombe achizvibudisa mutemberi. Akapidigura matafura evanhu vaichinja mari uye akadururira mari dzavo pasi. Jesu akaudza vaya vaitengesa njiva kuti: ‘Budisai zvinhu izvi muno! Musaitira bhizinesi muimba yaBaba vangu!’

Vanhu vaiva patemberi vakashamiswa nezvakaitwa naJesu. Vadzidzi vake vakayeuka uprofita hunotaura nezvaMesiya hwekuti: ‘Ndichashingairira imba yaJehovha.’

Mugore ra33 C.E., Jesu akazochenesazve temberi. Akanga asingadi kuti chero ani zvake asaremekedza imba yaBaba vake.

“Hamugoni kuva varanda vaMwari nevePfuma.”—Ruka 16:13

Mibvunzo: Jesu akaita sei paakaona vanhu vachitengesa mhuka patemberi? Nei Jesu akaita izvozvo?

Mateu 21:12, 13; Mako 11:15-17; Ruka 19:45, 46; Johani 2:13-17; Pisarema 69:9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe