RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 91
  • Jesu Anodzidzisa Pagomo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anodzidzisa Pagomo
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anosarudza Vaapostora Gumi Nevaviri
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anosarudza Vaapostora 12
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Vadzidzi vaJesu Vokutanga
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 91
Jesu achipa Mharidzo Yepagomo

NHAU 91

Jesu Anodzidzisa Pagomo

ONA Jesu agere pano. Ari kudzidzisa ava vanhu vose pagomo muGarirea. Avo vagere pedyosa naye vadzidzi vake. Asarudza 12 vavo kuva vaapostora. Vaapostora ndivo vadzidzi chaivo vaJesu. Unoziva mazita avo here?

Pana Simoni Petro nomunin’ina wake Andrea. Tevere pana vana Jakobho naJohane, vari hamawo. Mumwe muapostora anonziwo Jakobho, nomumwewo anonzi Simoni. Vaapostora vairi vanonzi Judhasi. Mumwe wacho ndiJudhasi Iskarioti, uye mumwe Judhasi anonziwo Tadheu. Tevere pana vana Firipo naNatanaeri (anonziwo Bhartoromeo), naMateo naTomasi.

Vadzoka kubva kuSamariya, Jesu akavamba kuparidza kwenguva yokutanga achiti: ‘Umambo hwamatenga hwava pedyo.’ Unoziva chiri Umambo here? Ihurumende chaiyo yaMwari. Jesu ndiye mambo wayo. Achabata ushe ari kudenga ndokuunza rugare kupasi. Pasi rose richashandurwa kuva paradhiso yakaisvonaka noumambo hwaMwari.

Jesu pano ari kudzidzisa vanhu pamsoro poumambo. Jesu anotsanangura kuti: ‘Munofanira kunyengetera kudai.’ ‘Baba vedu vari mudenga, zita renyu ngarikudzwe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi pano, sezvakunoitwa mudenga.’ Vanhu vazhinji vanoidza uyu kuti ‘Munyengetero Washe.’ Vamwe vanouti ‘Baba vedu.’ Ungataura munyengetero wose here?

Vanhu vari kuteerera Mharidzo iri kupiwa naJesu

Jesu ari kudzidzisawo vanhu kuti vanofanira kubatana sei. Anoti: ’ltirai vamwe zvamunoda kuti vakuitireiwo.’ Hamuzati muchikuda here apo vamwe vanokubatai nomutsa? Nokudaro Jesu ari kuti, tinofanira kubata vamwe vanhu nomutsa. Hakuzovi kunoshamisa here muparadhiso yapasi pano apo munhu ariwose achaita izvi?

Mateo ganhuro 5 kusvikira ku 7; 10:1-4.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe