RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 34 p. 82-p. 83 ndim. 6
  • Jesu Anosarudza Vaapostora Gumi Nevaviri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anosarudza Vaapostora Gumi Nevaviri
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Jesu Anodzidzisa Pagomo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anosarudza Vaapostora 12
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vadzidzi vaJesu Vokutanga
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 34 p. 82-p. 83 ndim. 6
Jesu anokwira mugomo

CHITSAUKO 34

Jesu Anosarudza Vaapostora Gumi Nevaviri

MAKO 3:13-19 RUKA 6:12-16

  • VAAPOSTORA GUMI NEVAVIRI

Papera gore nemwedzi mitanhatu kubva pakaziviswa naJohani Mubhabhatidzi kuti Jesu ndiye Gwayana raMwari. Pakatanga Jesu ushumiri hwake varume vanoverengeka vanoda kuziva chokwadi vakadai saAndreya, Simoni Petro, Johani, zvichida naJakobho (munun’una wake), Firipi, naBhatoromeyo (anonziwo Natanieri) vakava vadzidzi vake. Nekufamba kwenguva vamwe vakawanda vakava vateveri vaKristu.—Johani 1:45-47.

Zvino Jesu agadzirira kusarudza vaapostora vake. Ava vachava shamwari dzake dzepedyo uye achanyatsovadzidzisa basa. Asi asati avasarudza, Jesu anokwira mugomo, zvichida riri pedyo neGungwa reGarireya kusiri kure neKapenaume. Anonyengetera usiku hwose, zvichida achikumbira uchenjeri uye chikomborero chaMwari. Mangwana acho, anounganidza vadzidzi vake vose osarudza gumi nevaviri kuti vave vaapostora vake.

Jesu anosarudza vatanhatu vaya vataurwa mundima yekutanga pamwe naMateu, uya waakadana ari pahofisi yemutero. Vamwe vashanu vanosarudzwa ndiJudhasi (anonziwo Tadhiyosi ari “mwanakomana waJakobho”), Simoni muKenani, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, naJudhasi Iskariyoti.—Mateu 10:2-4; Ruka 6:16.

Jesu anonyengetera asati asarudza vaapostora vake 12

Jesu ava nenguva achifamba nevarume ava gumi nevaviri zvokuti ava kunyatsovaziva. Vakawanda vavo ane ukama navo. Kunenge kuti Jakobho naJohani vanun’una vaJesu vekwamainini. Vamwe vanofunga kuti Arifiyosi aiva munun’una waJosefa, baba vaJesu vokurera. Kana ichocho chiri chokwadi zvinoreva kuti muapostora Jakobho aiva munun’una waJesu wekwababamunini.

Zviri pachena kuti Jesu haaomerwi nekuyeuka mazita evaapostora vake. Asi iwe unokwanisa kuayeuka here? Chimwe chingakubatsira kuyeuka ndechokuti uzive kuti pane vanaSimoni vaviri, vanaJakobho vaviri, navanaJudhasi vaviri. Simoni (Petro) ane munun’una anonzi Andreya, Jakobho (mwanakomana waZebhedhi) ane munun’una anonzi Johani. Kuziva izvi kunokubatsira kuyeuka mazita evaapostora vasere. Vamwe vacho vana vanosanganisira muteresi (Mateu), uya anozoratidza kusava nechokwadi nezvokumuka kwaJesu (Tomasi), uya akadanwa pasi pomuti (Natanieri), neshamwari yaNatanieri (Firipi).

Vose vanobva mudunhu reGarireya, rinova ndiro rakakurira Jesu, kunze kwemumwe chete wavo. Natanieri anobva kuKana. Firipi, Petro naAndreya vanobva kuBhetisaidha. Petro naAndreya vanozotamira kuKapenaume kungava kuri iko kwaigara Mateu. Jakobho naJohani vanogarawo muKapenaume kana kuti pedyo nayo, uye vaiva nebhizimisi rekubata hove pedyo nepavaigara. Kunenge kuti Judhasi Iskariyoti, uyo anozotengesa Jesu, ndiye oga aibva kuJudhiya.

  • Jesu anoita chisarudzo chipi chinokosha pashure pokunyengetera husiku hwose?

  • Vaapostora vaJesu ndivanaani, uye ungayeuka sei mazita avo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe