RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 80 p. 188-p. 189 ndim. 1
  • Jesu Anosarudza Vaapostora 12

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anosarudza Vaapostora 12
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anosarudza Vaapostora Gumi Nevaviri
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anodzidzisa Pagomo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 80 p. 188-p. 189 ndim. 1
Jesu nevaapostora vake 12

CHIDZIDZO 80

Jesu Anosarudza Vaapostora 12

Jesu paakanga aparidza kwegore nehafu, aifanira kuita chisarudzo chinokosha. Ndivanaani vaaizosarudza kuti vashande naye? Ndivanaani vaaizodzidzisa kuti vatungamirire muungano yechiKristu? Jesu aitoda kutungamirirwa naJehovha pakuita zvisarudzo izvi. Saka akaenda kugomo ari ega, ndokuita usiku hwese achinyengetera. Ava mangwanani, Jesu akaunganidza vamwe vevadzidzi vake, achibva asarudza vaapostora 12. Pane vaunoyeuka nemazita here? Aya ndiwo akanga ari mazita avo: Petro, Andreya, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeyo, Tomasi, Mateu, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Tadhiyosi, Simoni, naJudhasi Iskariyoti.

Andreya, Petro, Firipi, Jakobho

Andreya, Petro, Firipi, Jakobho

Vaapostora vacho 12, vaizofamba naJesu. Paakanga avadzidzisa, akavatuma kuti vaende kunoparidza vari vega. Jehovha akavapa simba rekudzinga madhimoni nekurapa vanorwara.

Johani, Mateu, Bhatoromeyo, Tomasi

Johani, Mateu, Bhatoromeyo, Tomasi

Jesu aishevedza vaapostora 12 kuti shamwari dzake, uye aivimba navo. VaFarisi vaifunga kuti vaapostora vaiva vanhuwo zvavo vasina kudzidza. Asi Jesu aisavaona saizvozvo nekuti ndiye akanga avadzidzisa basa ravaiita. Vaizoramba vaina Jesu panguva dzaikosha muupenyu hwake, dzakadai sepaakanga ava pedyo nekuurayiwa uye paakanga amutswa. Kufanana naJesu, vakawanda vevaapostora vake 12 vaibva kuGarireya. Vamwe vavo vakanga vakaroora.

Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Judhasi Iskariyoti, Tadhiyosi, Simoni

Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Judhasi Iskariyoti, Tadhiyosi, Simoni

Vaapostora vaimbokanganisawo sevanhu vaiva nechivi. Pamwe pacho vaitaura vasina kufunga uye vaitadza kusarudza. Dzimwe nguva vaitadza kuva nemwoyo murefu. Vaitomboitisana nharo kuti ndiani wavo ainyanya kukosha. Asi vakanga vari vanhu vakanaka uye vaida Jehovha. Ndivo vaizotanga kuumba ungano yechiKristu Jesu aenda.

“Ndava kukutii shamwari, nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu.”—Johani 15:15

Mibvunzo: Ndivanaani vakasarudzwa naJesu kuti vave vaapostora vake 12? Jesu akatuma vaapostora vake kuti vaitei?

Mateu 10:1-10; Mako 3:13-19; 10:35-40; Ruka 6:12-16; Johani 15:15; 20:24, 25; Mabasa 2:7; 4:13; 1 VaKorinde 9:5; VaEfeso 2:20-22

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe