RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 January p. 7
  • Magungano Anoitwa Gore Negore Anotipa Mikana Yekuratidza Rudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magungano Anoitwa Gore Negore Anotipa Mikana Yekuratidza Rudo
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anounganidza Vanhu Vake Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kufara Nokurumbidza Mwari Pamagungano
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Zvapupu zvaJehovha Zvichava neKokorodzano Dzamarudzi Akawanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 January p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Magungano Anoitwa Gore Negore Anotipa Mikana Yekuratidza Rudo

Vanhu vanobva kwakasiyana-siyana vari kutorwa mufananidzo pagungano renyika dzakawanda.

Nei tichinakidzwa chaizvo nemagungano edu anoitwa gore negore? Sezvaiitika panguva yevaIsraeri, magungano atinoita mazuva ano anowanzotipa mikana yekunamata Jehovha pamwe chete nemazana kunyange nezviuru zvehama nehanzvadzi dzedu. Tinoda zvese zvatinodzidza pamagungano nekuti zvinotibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha. Tinokoshesawo nguva yatinova nehama neshamwari. Izvi zvinoita kuti tide kupinda mazuva acho ese ari matatu.

Patinova nemikana yekuva pamwe chete, hatifaniri kungotarisira kuti tiitirwe zvimwe zvinhu nevamwe, asi tinofanira kufunga kuti zvii zvatingavaitirawo kuratidza kuti tinovada. (VaG 6:10; VaH 10:24, 25) Patinobvumira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzitange kupinda kana kuti patinobata pekugara pevanhu vatinenge tichingofamba navo chete, tinenge tichiratidza kuti tinofungawo zvakanakira vamwe. (VaF 2:3, 4) Magungano anotipa mukana wekuwana shamwari itsva. Gungano risati ratanga kana kuti rapera uye panguva yekumbozorora, tinogona kuva nechinangwa chekukurukura nemumwe munhu watisingazivi. (2VaK 6:13) Tinogona kuva neushamwari hunogara nariini nevanhu ivavo! Chinonyanya kukosha ndechekuti vamwe pavanoona tichiratidzana rudo rwechokwadi, vanogona kuzosarudza kubatana nesu pakushumira Jehovha.—Joh 13:35.

ONA VHIDHIYO INONZI “RUDO HARUMBOPERI!” MAGUNGANO ENYIKA DZAKAWANDA, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Rudo Harumboperi!” Magungano Enyika Dzakawanda.’ Hama nehanzvadzi dzakabva kune dzimwe nyika nedzemunyika iri kuitirwa gungano racho dziri kumbundirana uye kukwazisana pagungano renyika dzakawanda.

    Hama dzaibva kune dzimwe nyika dzakaratidzwa sei rudo pamagungano enyika dzakawanda emuna 2019?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Rudo Harumboperi!” Magungano Enyika Dzakawanda.’ Hama nehanzvadzi dzemunyika iri kuitirwa gungano racho uye dzekune dzimwe nyika dziri kutorwa mufananidzo dzakawanda.

    Nei kubatana uye kuratidzana rudo kwevanhu vaJehovha kuchishamisa?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Rudo Harumboperi!” Magungano Enyika Dzakawanda.’ Boka rehama nehanzvadzi dzekuKorea dzakabata mashoko ekuchingamidza vanhu vari kusvika pagungano.

    Zvii zvakanyanya kutaurwa nehama dziri muDare Rinotungamirira nezverudo rwechiKristu?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Rudo Harumboperi!” Magungano Enyika Dzakawanda.Kasikana kari kufara kakabata ‘Shanduro yeNyika Itsva’ yakabva kugamuchira.

    Zvii zvaungaitawo kuti uratidze kuti unoda hama dzako pamagungano?

    Rudo rwechiKristu rwakabatanidza sei hama dzedu kuGermany uye kuSouth Korea?

  • Tinofanira kutsunga kuitei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe